Jeremiya 4:28 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 28 Nokuda kweizvi nyika yacho ichachema,+ uye matenga ari kumusoro achasviba.+ Nokuti ndakataura, ndakafunga, uye handina kuzvidemba, uyewo handizodzoki pazviri.+ Joeri 2:31 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 31 Zuva richasviba,+ mwedzi uchava ropa,+ uye zuva guru nerinotyisa raJehovha risati rasvika.+ Mateu 24:29 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 29 “Kutambudzika kwemazuva iwayo kuchangobva kuitika zuva richasviba,+ uye mwedzi+ hauzobudisi chiedza chawo, nyeredzi dzichawa dzichibva kudenga, uye masimba okumatenga achazununguswa.+ Ruka 21:25 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 25 “Uyewo, kuchava nezviratidzo pazuva+ nepamwedzi nepanyeredzi, uye kurwadziwa kwazvo kwemarudzi panyika, asingazivi nzira yokubuda nayo nokuda kwokutinhira kwegungwa+ nokusagadzikana kwaro,+ Mabasa 2:20 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 20 zuva+ richasviba uye mwedzi uchava ropa zuva guru nerakakurumbira raJehovha risati rasvika.+ Zvakazarurwa 9:2 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 2 Yakavhura gomba rakadzikadzika, utsi+ hukabuda mugomba huchikwira soutsi hwevira guru,+ zuva pamwe chete nemhepo, zvikasvibiswa+ noutsi hwegomba racho.
28 Nokuda kweizvi nyika yacho ichachema,+ uye matenga ari kumusoro achasviba.+ Nokuti ndakataura, ndakafunga, uye handina kuzvidemba, uyewo handizodzoki pazviri.+
29 “Kutambudzika kwemazuva iwayo kuchangobva kuitika zuva richasviba,+ uye mwedzi+ hauzobudisi chiedza chawo, nyeredzi dzichawa dzichibva kudenga, uye masimba okumatenga achazununguswa.+
25 “Uyewo, kuchava nezviratidzo pazuva+ nepamwedzi nepanyeredzi, uye kurwadziwa kwazvo kwemarudzi panyika, asingazivi nzira yokubuda nayo nokuda kwokutinhira kwegungwa+ nokusagadzikana kwaro,+
2 Yakavhura gomba rakadzikadzika, utsi+ hukabuda mugomba huchikwira soutsi hwevira guru,+ zuva pamwe chete nemhepo, zvikasvibiswa+ noutsi hwegomba racho.