Jeremiya
4 “Kana uchida kudzoka, haiwa iwe Israeri,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “ungadzoka hako kwandiri.+ Kana ukabvisa zvinhu zvako zvinonyangadza nokuda kwangu,+ hauzoendi somunhu anotiza. 2 Kana ukapika+ uchiti, ‘NaJehovha mupenyu muchokwadi,+ mukururamisira uye mukururama!’+ ipapo marudzi achazvikomborera nomaari, uye achazvirumbidza nomaari.”+
3 Nokuti zvanzi naJehovha kuvarume vaJudha nokuJerusarema: “Rimai nyika inorimika, musaramba muchidyara pakati peminzwa.+ 4 Zvidzingisei kuna Jehovha, uye bvisai zvikanda zvepamberi zvemwoyo yenyu,+ imi varume vaJudha nevagari vomuJerusarema; kuti hasha dzangu dzirege kubuda somoto, dzikabvira pasina anodzima, nokuda kwokuipa kwezvamakaita.”+
5 Zvitaurei muJudha, zvizivisei kunyange muJerusarema,+ zvishevedzerei, muridze hwamanda munyika yose.+ Shevedzerai kwazvo muti: “Unganai, uye ngatipindei mumaguta akavakirirwa.+ 6 Simudzirai chiratidzo nechokuZiyoni. Gadzirai pokuvanda. Musamira.” Nokuti kune dambudziko randiri kuunza richibva kuchamhembe,+ iko kuputsa kukuru. 7 Iye akwira seshumba inobuda mudenhere rayo,+ uye uya ari kuparadza marudzi abva;+ abva panzvimbo yake kuti aite kuti nyika yako ive chinhu chinokatyamadza. Maguta ako achaita matongo zvokuti hapana anozogaramo.+ 8 Nokuda kweizvi sungirai magumbu.+ Rovai zvipfuva zvenyu muungudze,+ nokuti kutsamwa kukuru kwaJehovha hakuna kubva patiri.+
9 “Pazuva iroro,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “mwoyo wamambo uchaparara,+ nemwoyo yemachindawo; uye vapristi vachakatyamadzwa, uye vaprofita vachashamiswa.”+
10 Ini ndakati: “Maiwe, haiwa Changamire Ishe Jehovha! Chokwadi makanyengera chose vanhu ava+ pamwe chete neJerusarema, muchiti, ‘Muchava norugare,’+ asi bakatwa raisa mweya pangozi.”
11 Panguva iyoyo zvichanzi kuvanhu ava uye kuJerusarema: “Kune mhepo inopisa yemakwara akapfumbira anopfuura nomurenje+ panzira inoenda kumwanasikana wevanhu vangu;+ haisi yokuurutsisa, kana yokuchenesa. 12 Mhepo ine simba chose inobva kune iwaya ichiuya kwandiri. Zvino ini ndichataurawo zvandakatonga pamusoro pavo.+ 13 Tarira! Iye achauya semakore emvura, ngoro dzake dzakaita sedutu.+ Mabhiza ake anomhanya kupfuura makondo.+ Tine nhamo, nokuti tapambwa! 14 Geza mwoyo wako uchene pane zvakaipa, haiwa iwe Jerusarema, kuti uponeswe.+ Kufunga kwako kwakaipa kuchagara mauri kusvikira rini?+ 15 Nokuti inzwi riri kutaura richibva kuDhani+ uye riri kuzivisa chimwe chinhu chinokuvadza richibva kunzvimbo ine makomo yaEfremu.+ 16 Chokwadi, zviudzei marudzi. Zvizivisei kuJerusarema.”
“Varindi vari kuuya kubva kunyika iri kure,+ uye vachashevedzera kumaguta aJudha. 17 Ivo vamukomba sevarindi vomunda usina kusoserwa,+ nokuti iye akatondipandukirawo,”+ ndizvo zvinotaura Jehovha. 18 “Uchaitirwa izvi, maererano nemaitiro ako nezvawakaita.+ Iri ndiro dambudziko riri pauri, nokuti zvinorwadza; nokuti zvasvika pamwoyo wako chaipo.”
19 Maiwe ura hwangu kani, ura hwangu kani! Ndiri kurwadziwa kwazvo mumwoyo mangu.+ Mwoyo wangu hauna kugadzikana mukati mangu.+ Handigoni kuramba ndakanyarara, nokuti mweya wangu wanzwa kurira kwehwamanda, chiratidzo chokunyevera nezvehondo.+ 20 Kuputsa pamusoro pokuputsa ndizvo zvashevedzerwa, nokuti nyika yose yapambwa.+ Matende angu angoerekana apambwa,+ munguva pfupi machira etende rangu. 21 Ndicharamba ndichiona chiratidzo chacho, ndichinzwa kurira kwehwamanda kusvikira rini?+ 22 Nokuti vanhu vangu mapenzi.+ Havana kundiziva.+ Ivo vanakomana vasina kuchenjera; uye havasi vaya vanonzwisisa.+ Vakachenjerera kuita zvakaipa, asi chokwadi havazivi kuita zvakanaka.+
23 Ndakaona nyika, uye tarira! yakanga isina chinhu uye yaparara;+ uye mumatenga, chiedza chawo chakanga chisisipo.+ 24 Ndakaona makomo, uye tarira! akanga achizununguka, uye zvikomo zvose zvakadedereswa.+ 25 Ndakaona, uye tarira! kwakanga kusina munhu wepanyika, zvisikwa zvose zvinobhururuka zvokumatenga zvakanga zvatiza.+ 26 Ndakaona, uye tarira! munda wemichero wakanga uri renje, uye maguta awo ose akanga aputswa.+ Zvakaitika nokuda kwaJehovha, nokuda kwokutsamwa kwake kukuru.
27 Nokuti zvanzi naJehovha: “Nyika yacho yose ichava dongo,+ uye handizoiparadzi zvachose here?+ 28 Nokuda kweizvi nyika yacho ichachema,+ uye matenga ari kumusoro achasviba.+ Nokuti ndakataura, ndakafunga, uye handina kuzvidemba, uyewo handizodzoki pazviri.+ 29 Guta rose riri kutiza nokuda kwenzwi revatasvi vemabhiza nevanopfura nouta.+ Vapinda mumatenhere, uye vakwira mumatombo.+ Maguta ose asiyiwa, hapana munhu ari kugara maari.”
30 Zvino zvawapambwa, uchaitei, zvawaipfeka machira matsvuku, zvawaishonga zvishongo zvendarama, zvawaikudza maziso ako nezvizoro zvitema?+ Waizviita akanaka pasina.+ Vaya vaikuchiva vakuramba; vanoramba vachitsvaka mweya wako.+ 31 Nokuti ndanzwa inzwi rakaita seromukadzi anorwara, kutambudzika kwakaita sekwomukadzi ari kusununguka mwana wake wokutanga,+ inzwi romwanasikana weZiyoni anoramba achifemereka. Iye anoramba achitambanudza zvanza zvake achiti:+ “Ndine nhamo zvino, nokuti mweya wangu waneta nevaurayi!”+