2 Samueri 7:12 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 12 Mazuva ako paanokwana,+ paucharara nemadzitateguru ako,+ ndichamutsa mwana wako anokutevera, achabuda mukati mako; uye chokwadi ndichasimbisa umambo hwake kwazvo.+ Pisarema 132:11 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 11 Jehovha akapika kuna Dhavhidhi,+Chokwadi haazoregi kuzviita, achiti:+“Mumwe pazvibereko zvedumbu rako+Ndichamuisa pachigaro chako choumambo.+ Isaya 9:7 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 7 Kukura kwokutonga+ kwomuchinda wacho norugare hazvizogumi,+ pachigaro choumambo chaDhavhidhi+ nepaumambo hwake kuti ahusimbise+ kwazvo uye kuti ahutsigire nokururamisira+ uye nokururama,+ kubvira zvino kusvikira nokusingagumi. Kushingaira kwaJehovha wemauto kuchazviita.+ Jeremiya 23:5 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 5 “Tarira! Mazuva achauya,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “andichamutsira Dhavhidhi nhungirwa yakarurama.+ Mambo achatonga+ oita nokungwara uye oruramisira nokuita zvakarurama munyika yacho.+
12 Mazuva ako paanokwana,+ paucharara nemadzitateguru ako,+ ndichamutsa mwana wako anokutevera, achabuda mukati mako; uye chokwadi ndichasimbisa umambo hwake kwazvo.+
11 Jehovha akapika kuna Dhavhidhi,+Chokwadi haazoregi kuzviita, achiti:+“Mumwe pazvibereko zvedumbu rako+Ndichamuisa pachigaro chako choumambo.+
7 Kukura kwokutonga+ kwomuchinda wacho norugare hazvizogumi,+ pachigaro choumambo chaDhavhidhi+ nepaumambo hwake kuti ahusimbise+ kwazvo uye kuti ahutsigire nokururamisira+ uye nokururama,+ kubvira zvino kusvikira nokusingagumi. Kushingaira kwaJehovha wemauto kuchazviita.+
5 “Tarira! Mazuva achauya,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “andichamutsira Dhavhidhi nhungirwa yakarurama.+ Mambo achatonga+ oita nokungwara uye oruramisira nokuita zvakarurama munyika yacho.+