Mateu 6:13 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 13 Musatipinza mumuedzo,+ asi tinunurei pane akaipa.’+ Ruka 22:46 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 46 uye akati kwavari: “Muri kurarirei? Mukai murambe muchinyengetera, kuti murege kupinda mumuedzo.”+ 1 VaKorinde 10:13 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 13 Hapana muedzo wakakubatai kunze kweinozivikanwa nevanhu.+ Asi Mwari akatendeka,+ uye haangakuregei muchiedzwa kupfuura zvamunogona kutsungirira,+ asi pamwe chete nomuedzo achaitawo nzira yokubuda nayo+ kuti mukwanise kuutsungirira. Jakobho 1:13 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 13 Paanenge achiedzwa,+ munhu ngaarege kuti: “Ndiri kuedzwa naMwari.” Nokuti hapana munhu angaedza Mwari nezvinhu zvakaipa uyewo iye haaedzi munhu. Zvakazarurwa 3:10 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 10 Zvawakachengeta shoko pamusoro pokutsungirira kwangu,+ ini ndichakuchengetawo+ paawa yokuedzwa, ichauya munyika yose inogarwa, kuzoedza vaya vanogara panyika.+
46 uye akati kwavari: “Muri kurarirei? Mukai murambe muchinyengetera, kuti murege kupinda mumuedzo.”+
13 Hapana muedzo wakakubatai kunze kweinozivikanwa nevanhu.+ Asi Mwari akatendeka,+ uye haangakuregei muchiedzwa kupfuura zvamunogona kutsungirira,+ asi pamwe chete nomuedzo achaitawo nzira yokubuda nayo+ kuti mukwanise kuutsungirira.
13 Paanenge achiedzwa,+ munhu ngaarege kuti: “Ndiri kuedzwa naMwari.” Nokuti hapana munhu angaedza Mwari nezvinhu zvakaipa uyewo iye haaedzi munhu.
10 Zvawakachengeta shoko pamusoro pokutsungirira kwangu,+ ini ndichakuchengetawo+ paawa yokuedzwa, ichauya munyika yose inogarwa, kuzoedza vaya vanogara panyika.+