Ruka
22 Zvino mutambo wemakeke asina kuviriswa, wainzi Paseka,+ wakanga uchiswedera pedyo. 2 Uyewo, vapristi vakuru nevanyori vakanga vachitsvaka nzira inobudirira yokuti vamuuraye,+ nokuti vaitya vanhu.+ 3 Asi Satani akapinda muna Judhasi, uya ainzi Iskariyoti, akanga ari mumwe wevane gumi nevaviri;+ 4 uye akaenda, akataura nevapristi vakuru nevakuru vakuru vetemberi pamusoro penzira inobudirira yokumutengesa nayo kwavari.+ 5 Ivo vakafara, vakabvuma kumupa mari yesirivha.+ 6 Naizvozvo akabvuma, akatanga kutsvaka mukana wakanaka wokumutengesa kwavari pasina boka revanhu.+
7 Zvino zuva remakeke asina kuviriswa rakasvika, paifanira kubayirwa chibayiro chepaseka;+ 8 uye iye akatuma Petro naJohani, achiti: “Endai munotigadzirira paseka+ kuti tidye.” 9 Ivo vakati kwaari: “Munoda kuti tinoigadzirira kupi?” 10 Iye akati kwavari:+ “Tarirai! Pamunopinda muguta muchasangana nomurume akatakura chirongo chemvura. Muteverei mumba maanopinda.+ 11 Zvino muti kumuridzi wemba, ‘Mudzidzisi ati kwauri: “Imba yevaeni iri kupi mandingadyira paseka nevadzidzi vangu?”’+ 12 Murume iyeye achakuratidzai imba huru yepamusoro yakashongedzerwa. Igadzirirei imomo.”+ 13 Naizvozvo ivo vakaenda, vakazviwana zvakangoita sezvaakanga avataurira, vakagadzirira paseka yacho.+
14 Pakupedzisira pakasvika awa yacho, akatsenhama patafura, nevaapostora vaakanga ainavo.+ 15 Zvino akati kwavari: “Ndanga ndichida kwazvo kudya paseka iyi nemi ndisati ndatambura; 16 nokuti ndinokuudzai kuti, Handizoidyizve kusvikira zvazadzika muumambo hwaMwari.”+ 17 Achigamuchira kapu,+ akaonga, akati: “Itorei muipfuudze kune mumwe nomumwe pakati penyu; 18 nokuti ndinokuudzai kuti, Kubvira zvino handichanwi zvakare zvibereko zvomuzambiringa kusvikira umambo hwaMwari hwasvika.”+
19 Akatorawo chingwa,+ akaonga, akachimedura, akavapa, achiti: “Ichi chinomirira muviri wangu+ uchapiwa nokuda kwenyu.+ Rambai muchiita izvi muchindiyeuka.”+ 20 Akatorawo kapu+ sezvaakanga amboita vapedza kudya kwemanheru, achiti: “Kapu iyi inomirira sungano+ itsva muropa rangu,+ ramuchadururirwa.+
21 “Asi tarirai! ruoko rwomutengesi+ wangu runeni patafura.+ 22 Nokuti Mwanakomana womunhu ari kuenda maererano nezvakatarwa;+ asi kunyange zvakadaro, ane nhamo munhu iyeye anomutengesa!”+ 23 Naizvozvo vakatanga kutaurirana nyaya yokuti chokwadi ndiani wavo akanga ava kuda kuita izvi.+
24 Zvisinei, pakavawo nenharo huru pakati pavo pamusoro pokuti ndiani wavo aiita somukuru pane vose.+ 25 Asi iye akati kwavari: “Madzimambo emamwe marudzi anozviita madzishe paari, uye vaya vane simba pamusoro pawo vanonzi Vabatsiri.+ 26 Zvisinei, imi hamufaniri kuva vakadaro.+ Asi mukuru pakati penyu ngaave somuduku pane vose,+ uye anoita somukuru souya anoshumira.+ 27 Nokuti mukuru ndiani, akatsenhama patafura kana uya ari kushumira? Haasi iye akatsenhama patafura here? Asi ini ndiri pakati penyu souya ari kushumira.+
28 “Zvisinei, imi ndimi makaramba muneni+ mumiedzo yangu;+ 29 uye ndinoita sungano nemi, sokuita sungano+ youmambo+ neni kwakaita Baba vangu, 30 kuti mudye+ nokunwa patafura yangu muumambo hwangu,+ mugare pazvigaro zvoumambo+ kuti mutonge madzinza ane gumi nemaviri aIsraeri.
31 “Simoni, Simoni, tarira! Satani+ akarayira kuti ave nemi akuzungurei segorosi.+ 32 Asi ndakakutetererera+ kuti kutenda kwako kurege kupera; uye iwe, kana wangodzoka, simbisa+ hama dzako.” 33 Iye akabva ati kwaari: “Ishe, ndakagadzirira kuenda nemi mujeri nomurufu.”+ 34 Asi iye akati: “Petro, ndinokuudza kuti, Jongwe harizoriri nhasi kusvikira waramba katatu kuti unondiziva.”+
35 Akatiwo kwavari: “Pandakakutumai+ musina chikwama nehomwe yezvokudya nehwashu, pane chamakashayiwa here?” Ivo vakati: “Aiwa!” 36 Akabva ati kwavari: “Asi zvino ane chikwama ngaachitore, uyewo ngaatore homwe yezvokudya; uye uya asina bakatwa ngaatengese nguo yake yokunze aritenge. 37 Nokuti ndinokuudzai kuti izvi zvakanyorwa zvinofanira kuitika kwandiri, zvokuti, ‘Akaverengwa pamwe chete nevasingateereri mutemo.’+ Nokuti icho chine chokuita neni chiri kuitika.”+ 38 Ivo vakabva vati: “Ishe, tarirai! heano mapakatwa maviri.” Iye akati kwavari: “Iwaya akwana.”
39 Paakabuda, akaenda kuGomo reMiorivhi sezvaaigara achiita; uye vadzidzi vakamuteverawo.+ 40 Vasvika panzvimbo yacho akati kwavari: “Rambai muchinyengetera, kuti murege kupinda mumuedzo.”+ 41 Zvino iye akabva pavaiva akaenda kure navo kunenge kunosvika dombo rikakandwa, akapfugama, akatanga kunyengetera, 42 achiti: “Baba, kana muchida, bvisai kapu iyi kwandiri. Kunyange zvakadaro, kuda kwangu ngakurege kuitwa,+ asi kwenyu.”+ 43 Ngirozi yakabva kudenga yakabva yazviratidza kwaari, ikamusimbisa.+ 44 Asi achirwadziwa akaramba achinyengetera nomwoyo wose;+ uye ziya rake rakava semadonhwe eropa richidonhera pasi.+ 45 Akasimuka kubva paainyengetera, akaenda kwaiva nevadzidzi, akavaona vachitsimwaira nokuda kweshungu;+ 46 uye akati kwavari: “Muri kurarirei? Mukai murambe muchinyengetera, kuti murege kupinda mumuedzo.”+
47 Achiri kutaura, tarira! kwaiva neboka revanhu, uye murume ainzi Judhasi, mumwe wevane gumi nevaviri, akanga achivatungamirira;+ uye akaswedera kuna Jesu kuti amutsvode.+ 48 Asi Jesu akati kwaari: “Judhasi, unotengesa Mwanakomana womunhu nokutsvoda here?”+ 49 Vaya vaiva pedyo naye pavakaona zvakanga zvichizoitika, vakati: “Ishe, totema nemapakatwa here?”+ 50 Mumwe wavo akatotema muranda womupristi mukuru akabvisa nzeve yake yokurudyi.+ 51 Asi achipindura, Jesu akati: “Ngazvigumire ipapa.” Akabata nzeve yacho, akamuporesa.+ 52 Jesu akabva ati kuvapristi vakuru nevakuru vakuru vetemberi nevarume vakuru vakanga vamuvinga ikoko: “Mauya nemapakatwa netsvimbo semuri kurwisana negororo here?+ 53 Pandaiva nemi mutemberi+ zuva nezuva hamuna kunditambanudzira maoko enyu.+ Asi ino iawa yenyu+ nesimba+ rerima.”+
54 Vakabva vamusunga, vakaenda+ naye, vakapinda naye mumba momupristi mukuru;+ asi Petro akanga achitevera ari nechokure zvishoma.+ 55 Pavakabatidza moto pakati pechivanze uye vakagara pamwe chete, Petro akanga agere pakati pavo.+ 56 Asi mumwe mushandikadzi akamuona agere pamoto waibvira chaizvo akanyatsomutarira, akati: “Murume uyu aivawo naye.”+ 57 Asi iye akaramba,+ achiti: “Iwe mukadzi, ini handimuzivi.”+ 58 Pashure penguva pfupi mumwe munhu paakamuona akati: “Newewo uri mumwe wavo.” Asi Petro akati: “Iwe murume, handisi.”+ 59 Zvino pashure peinenge awa, mumwe murume akatanga kuomerera kwazvo achiti: “Chokwadi murume uyuwo aiva naye; nokuti, chokwadi, iye muGarireya!”+ 60 Asi Petro akati: “Iwe murume, handizivi zvauri kutaura.” Pakarepo, achiri kutaura, jongwe rakabva rarira.+ 61 Zvino Ishe akatendeuka, akatarira Petro, Petro akabva ayeuka mashoko aIshe paakati kwaari: “Jongwe risati rarira nhasi uchandiramba katatu.”+ 62 Uye akabuda panze, akasvimha misodzi kwazvo.+
63 Zvino varume vakanga vamusunga vakatanga kumuseka,+ vachimurova;+ 64 uye pashure pokunge vamufukidza vaimubvunza, vachiti: “Profita. Ndiani akurova?”+ 65 Vakataura zvimwe zvinhu zvizhinji zvokumumhura.+
66 Pakupedzisira kwaedza, ungano yevarume vakuru vevanhu, vapristi vakuru nevanyori, yakaungana,+ vakaenda naye muimba yavo yeSanihedrini, vachiti:+ 67 “Kana uri iwe Kristu,+ tiudze.” Asi iye akati kwavari: “Kunyange kana ndikakuudzai, hamungambozvitendi.+ 68 Zvakare, kana ndikakubvunzai, hamungambopinduri.+ 69 Zvisinei, kubvira zvino Mwanakomana womunhu+ achange agere kuruoko rwaMwari+ rworudyi rune simba.”+ 70 Vose vakabva vati: “Saka, uri Mwanakomana waMwari here?” Iye akati kwavari: “Imimi ndimi muri kutaura+ kuti ndini.” 71 Ivo vakati: “Tichadireizve humwe uchapupu?+ Nokuti isu tazvinzwira kubva mumuromo make.”+