RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Mateu 3:1-3
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 3 Mumazuva iwayo Johani+ Mubhabhatidzi akauya achiparidza+ murenje* reJudhiya, 2 achiti: “Pfidzai zvivi zvenyu, nekuti Umambo hwekudenga hwaswedera pedyo.”+ 3 Uyu ndiye wacho akataurwa nezvake nekumuprofita Isaya+ zvichinzi: “Inzwi reari kushevedzera murenje riri kuti: ‘Gadzirai nzira yaJehovha!* Itai kuti migwagwa yake iti twasu.’”+

  • Mateu 11:7
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 7 Ava pavakanga vachienda, Jesu akatanga kubvunza vanhu nezvaJohani achiti: “Pamakabuda muchienda kurenje maienda kunoonei?+ Tsanga yaizununguswa nemhepo here?+

  • Mateu 11:10
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 10 Uyu ndiye akanyorwa nezvake kuti: ‘Inzwa! Ndiri kutuma nhume yangu ichafanokugadzirira nzira pamberi pako!’+

  • Mako 1:2-4
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 2 Sekunyorwa kwazvakaitwa nemuprofita Isaya, kuti: “(Inzwa! Ndiri kutuma nhume yangu pamberi pako, ichafanogadzira nzira yako.)+ 3 Inzwi reari kushevedzera murenje riri kuti: ‘Gadzirai nzira yaJehovha!* Itai kuti migwagwa yake iti twasu.’”+ 4 Johani Mubhabhatidzi aiva murenje,* achiparidza rubhabhatidzo rwekuratidza kupfidza kuti zvivi zvikanganwirwe.+

  • Ruka 1:76
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 76 Asi kana uri iwe mwanangu, uchanzi muprofita weWekumusorosoro, nekuti uchafanotungamira pamberi paJehovha* kuti ugadzirire nzira dzake,+

  • Johani 1:6
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 6 Kwaiva nemumwe murume akatumwa semumiririri waMwari; iye ainzi Johani.+

  • Johani 1:23
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 23 Iye akati: “Ndiri inzwi remumwe munhu ari kushevedzera ari murenje, achiti, ‘Itai kuti nzira yaJehovha* iti twasu,’+ sezvakataurwa nemuprofita Isaya.”+

  • Johani 3:28
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 28 Imi pachenyu makandinzwa ndichiti, ‘Handisi ini Kristu,+ asi ndakafanotumwa asati auya.’+

Mabhuku eChiShona (1973-2026)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe