-
Mateu 3:1-3Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
3 Mumazuva iwayo Johani+ Mubhabhatidzi akauya achiparidza+ murenje* reJudhiya, 2 achiti: “Pfidzai zvivi zvenyu, nekuti Umambo hwekudenga hwaswedera pedyo.”+ 3 Uyu ndiye wacho akataurwa nezvake nekumuprofita Isaya+ zvichinzi: “Inzwi reari kushevedzera murenje riri kuti: ‘Gadzirai nzira yaJehovha!* Itai kuti migwagwa yake iti twasu.’”+
-
-
Mako 1:2-4Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
2 Sekunyorwa kwazvakaitwa nemuprofita Isaya, kuti: “(Inzwa! Ndiri kutuma nhume yangu pamberi pako, ichafanogadzira nzira yako.)+ 3 Inzwi reari kushevedzera murenje riri kuti: ‘Gadzirai nzira yaJehovha!* Itai kuti migwagwa yake iti twasu.’”+ 4 Johani Mubhabhatidzi aiva murenje,* achiparidza rubhabhatidzo rwekuratidza kupfidza kuti zvivi zvikanganwirwe.+
-