RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Mateu 10:17
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 17 Chenjererai vanhu, nekuti vachakuendesai kumatare ekwamunogara+ uye vachakurovai zvakasimba+ mumasinagogi avo.+

  • Mateu 10:22
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 22 Uye muchavengwa nevanhu vese nekuda kwezita rangu,+ asi anenge atsungirira kusvikira kumugumo achaponeswa.+

  • Mako 13:9
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 9 “Asi imi, zvichenjererei. Vanhu vachakuendesai kumatare ekwamunogara,+ uye mucharohwa mumasinagogi+ momiswa pamberi pemagavhuna nemadzimambo nekuda kwangu, kuti zvive uchapupu kwavari.+

  • Mako 13:13
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 13 Uye muchavengwa nevanhu vese nekuda kwezita rangu.+ Asi anenge atsungirira kusvikira kumugumo+ achaponeswa.+

  • Ruka 21:12, 13
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 12 “Asi zvinhu izvi zvese zvisati zvaitika, vanhu vachakubatai, vokutambudzai,+ vachikuendesai kumasinagogi nekumajeri. Muchaendeswa pamberi pemadzimambo nemagavhuna pamusana pezita rangu.+ 13 Izvi zvichaita kuti mupe uchapupu.

  • Ruka 21:17
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 17 uye muchavengwa nevanhu vese pamusana pezita rangu.+

  • Johani 15:21
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 21 Asi vachakuitirai zvese izvi nekuda kwezita rangu, nekuti havazivi akandituma.+

  • 2 Timoti 3:12
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 12 Ndingatoti, vese vanoda kurarama vachizvipira kuna Mwari muna Kristu Jesu vachatambudzwawo.+

Mabhuku eChiShona (1973-2026)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe