-
VaEfeso 1:9-12Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
9 paakaita kuti tizive chakavanzika chitsvene*+ chekuda kwake. Zvaimufadza iye pachake kuti ave nechinangwa 10 chekuva neurongwa hwekuti kana nguva yaakasarudza yanyatsokwana, aunganidze zvinhu zvese muna Kristu, zvinhu zviri kudenga nezvinhu zviri panyika.+ Aunganidzire maari iye 11 watiri pamwe naye uye watichagara nhaka pamwe naye,+ sezvo takagara tagadzwa maererano nechinangwa cheuya anoita zvinhu zvese zvaanosarudza maererano nekuda kwake, 12 kuti isu vakatanga kuva netariro muna Kristu tishumire kuti kubwinya kwake kurumbidzwe.
-
-
VaKorose 1:26, 27Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
26 chakavanzika chitsvene*+ chakanga chakavanzwa kubvira nguva dzekare+ uye kuzvizvarwa zvakapfuura. Asi iye zvino chakaiswa pachena kuvatsvene vake,+ 27 avo Mwari akafarira kuzivisa pakati pemamwe marudzi pfuma inokudzwa yechakavanzika chitsvene,+ iyo inoreva Kristu ari pamwe nemi, tariro yekukudzwa pamwe naye.+
-