-
Jeremiya 25:33Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
33 “‘Uye vaya vachaurayiwa naJehovha pazuva iroro vachava panyika yese, kubvira kumugumo wayo kusvika kune mumwe mugumo wayo. Havazochemwi, uyewo havazounganidzwi kana kuvigwa. Vachava semupfudze panyika.’
-
-
Zefaniya 1:15Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
15 Zuva iroro izuva rekushatirwa kukuru,+
Zuva rekutambudzika uye rekunetseka,+
Zuva redutu uye rekuparadzwa,
Zuva rerima uye rakasviba,+
Zuva remakore uye rerima gobvu,+
-
2 Petro 3:11, 12Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
11 Sezvo zvinhu zvese izvi zvichanyungudutswa kudaro, fungai kuti munofanira kuva vanhu vakadii pamararamiro enyu matsvene nepamabasa ekuzvipira kuna Mwari, 12 pamuri kumirira uye kuramba muchifunga* nezvekuvapo kwezuva raJehovha,*+ iro richaparadza matenga+ nemoto, zvinhu zviri mumatenga nepanyika zvichinyungudutswa nekupisa kwacho kukuru!
-
-
-