Jobho
9 Jobho akapindura achiti:
2 “Chokwadi ndinoziva kuti ndizvo zvazvakaita.
Asi munhu anofawo zvake angatongana naMwari akanzi akarurama here?+
3 Kana munhu akada kuita nharo naye,*+
Haangambokwanisi kumupindura kunyange mubvunzo mumwe chete pane ine chiuru.
4 Iye ane mwoyo wakachenjera uye ane simba guru.+
Ndiani angamirisana naye akasakuvadzwa?+
7 Anoudza zuva kuti rirege kupenya
Uye anovhara chiedza chenyeredzi;+
8 Anotambanudza denga ari ega,+
Uye anotsika pamusoro pemafungu makuru egungwa.+
9 Akasika nyeredzi dzeAshi, dzeKesiri, uye dzeKima,*+
Uye nyeredzi dzedenga rekumaodzanyemba;*
10 Anoita zvinhu zvikuru zvisingagoni kuongororwa,+
Zvinhu zvinoshamisa zvisingagoni kuverengwa.+
11 Anopfuura nepandiri, asi handigoni kumuona;
Anopfuura nepandiri, asi handigoni kumuziva.
12 Paanobvuta chinhu, ndiani angaramba nacho?
Ndiani angati kwaari, ‘Uri kuitei?’+
14 Ko kuzoti kana ini ndava kumupindura
Ndinotofanira kungwarira zvakadii kusarudza mashoko!
15 Kunyange dai ndanga ndakarurama, ndaisazomupindura.+
Ndaizongokumbira kuti mutongi wangu* andinzwirewo tsitsi.
16 Kana ndikamushevedza, achandipindura here?
Handifungi kuti achateerera inzwi rangu,
17 Nekuti anondipwanya nedutu
Uye anoita kuti maronda angu awedzere pasina chikonzero.+
18 Haandipi mukana wekufema;
Anoramba achindizadza nezvinhu zvinovava.
19 Kana pari panyaya yesimba, iye ndiye akasimba.+
Kana pari panyaya yekutonga zvakarurama, iye anoti: ‘Ndiani anogona kundibvunza zvandinenge ndaita?’*
20 Dai ndakarurama, muromo wangu waizondipa mhosva;
Kunyange dai ndikaramba ndakaperera,* achanditi ndine mhosva.
21 Kunyange dai ndikaramba ndakaperera,* handina chivimbo nezvandinoita;*
Ndinoramba* upenyu uhwu hwandiinahwo.
23 Kana mafashamo akakonzera rufu,
Angatotsvinyira vasina mhosva vanenge vapererwa nezano.
Kana asiri iye, saka ndiani?
26 Anofamba nekukurumidza sezvikepe zvetsanga,
Semakondo anodzika akananga kunobata nyama.
27 Kana ndikati, ‘Regai ndikanganwe kugunun’una kwangu,
Ndichinje chiso changu, nditange kufara,’
28 Ndinongoramba ndichitya nemhaka yekurwadziwa kwangu kwese,+
Uye ndinoziva kuti hamumbondiwani ndisina mhosva.
29 Ndinongowanikwa ndiine mhosva.*
Saka ndinorambirei ndichizvinetsa?+