Isaya
24 Inzwai! Jehovha ari kubvisa zvinhu zvese munyika* achiisiya isina chinhu.+
Anoipidigura+ oparadzira vagari vayo.+
2 Vese vachaitirwa zvakafanana:
Vanhu uyewo mupristi,
Muranda natenzi wake,
Muranda natenzikadzi wake,
Anotenga neanotengesa,
Ari mubhizimisi rekupa zvikwereti neanopiwa chikwereti,
Akakweretesa neakakwereta.+
3 Nyika ichabviswa zvinhu zvese zviri mairi;
Ichapambwa zvinhu zvese,+
Nekuti Jehovha ataura shoko iri.
4 Nyika iri kuchema;*+ iri kuparara.
Nyika iri kusvava; iri kupera basa.
Vanhu vanokudzwa vemunyika yacho vapera simba.
Ndokusaka vagari vemunyika yacho vava vashoma,
Uye pasara varume vashomanana.+
7 Waini itsva iri kuchema,* muzambiringa uri kuoma,+
Uye vaya vese vane mwoyo iri kufara vari kugomera.+
8 Mufaro wekurira kwematambureni wapera;
Ruzha rwevaya vanoita mafaro akanyanyisa rwaguma;
Kurira kunonakidza kwerudimbwa kwapera.+
9 Vanonwa waini pasina rwiyo,
Uye doro ravari kunwa riri kuvava.
11 Vanochemera waini mumigwagwa.
Kufara kwese kwanyangarika;
Mufaro wenyika yacho wapera.+
13 Nekuti izvi ndizvo zvazvichange zvakaita munyika yacho pakati pemarudzi:
14 Vachakwidza inzwi ravo,
Vachashevedzera vachifara.
Vachazivisa nezveukuru hwaJehovha vari kugungwa.*+
15 Ndokusaka vachakudza Jehovha vari munharaunda yechiedza;*+
Vachakudza zita raJehovha Mwari waIsraeri muzvitsuwa zvegungwa.+
16 Tiri kunzwa nziyo kumigumo yenyika, dzichiti:
Asi ndinoti: “Ndiri kuperezeka, ndiri kuperezeka!
Ndine nhamo! Vanyengeri vanyengera;
Neunyengeri hwavo, vanyengeri varatidza unyengeri.”+
17 Kutya kukuru nemakomba nezviteyeso zvakakumirira, iwe mugari wemunyika.+
18 Wese anenge achitiza ruzha runotyisa achawira mugomba,
Uye wese anenge achibuda mugomba achabatwa nechiteyeso.+
Nekuti magedhi emvura ari kumusoro achavhurwa,
Uye nheyo dzenyika dzichazununguka.
20 Nyika iri kudzedzereka sechidhakwa,
Uye iri kuzunguzika sekaimba kari kuzunguzwa nemhepo.
Kukanganisa kwayo kuri kuiremera chaizvo,+
Uye ichawa, zvekuti haizosimukizve.
21 Zuva iroro Jehovha achafunga nezvekutonga uto rekumusoro
Uye madzimambo enyika ari panyika.
22 Uye vachaunganidzwa
Sevasungwa vakaunganidzwa mugomba,
Uye vachavharirwa mujeri repasi;
Papera mazuva mazhinji, vachaonekwa kuti voitwa sei.