Isaya
58 “Shevedzera kwazvo; usarega!
Simudza inzwi rako sehwamanda.
Zivisa vanhu vangu nezvekupanduka kwavo,+
Iyo imba yaJakobho nezvezvivi zvayo.
2 Vanonditsvaga zuva nezuva,
Uye vanoratidza kuti vanofarira kuziva nzira dzangu,
Sekunge kuti ivo rudzi rwaiita zvakarurama
Uye rwakanga rusina kusiya kururama kwaMwari warwo.+
Vanondikumbira mitongo yakarurama,
Vachifarira kuswedera pedyo naMwari vachiti:+
3 ‘Nei musingazvioni patinotsanya?+
Uye nei musingacherechedzi patinozvirwadzisa?’*+
4 Kutsanya kwenyu kunoguma nekupopotedzana nekurwisana,
Uye munorova nechibhakera chezvakaipa.
Inzwi renyu haringanzwiki kudenga imi muchitsanya sezvamuri kuita nhasi.
5 Kutsanya kwandinofarira kunofanira kunge kwakadai here,
Sezuva rekuti munhu azvirwadzise* here,
Rekukotamisa musoro wake senhokwe here,
Kuti saga nemadota zvive mubhedha wake here?
Ndiko kwamunoti kutsanya uye zuva rinofadza Jehovha here?
6 Aiwa! Uku ndiko kutsanya kwandinofarira:
Kubvisa zvisungo zvemumakumbo zvekuita zvakaipa,
Kusunungura zvitirobho zvejoko,+
Kusunungura vakadzvinyirirwa,+
Uye kutyora majoko ese nepakati;
7 Ndekwekupawo ane nzara zvekudya zvako,+
Kupinza varombo nevasina misha mumba mako,
Kupa zvipfeko kune uya waunoona asina zvekupfeka,+
Uye kurega kupira gotsi hama dzako.
Kururama kwako kuchakutungamirira,
Uye kubwinya kwaJehovha kuchava murindi wako weshure.+
9 Uchabva washevedza, uye Jehovha achapindura;
Uchachemera kubatsirwa, uye iye achati, ‘Ndiri pano!’
Kana ukabvisa joko pakati pako,
Uye ukarega kunongedza nemunwe wako nekutaura zvinhu zvakaipa,+
10 Kana ukapa ane nzara zvinhu zvaunoda,*+
Uye ukagutsa vaya vari kutambudzika,*
Chiedza chako chichabva chapenya kunyange murima,
Uye rima rako richaita semasikati.+
11 Jehovha achagara achikutungamirira
Uye achakugutsa* kunyange uri munyika yakaoma;+
Achasimbisa mapfupa ako,
Uye uchava semunda unowana mvura yakakwana,+
Sechitubu chisingapwi mvura.
Uchanzi mugadziri wemasvingo akaputsika,+
Mumutsidziri wemigwagwa yekugara pedyo nayo.
13 Kana ukarega kuita* zvido zvako* pazuva rangu dzvene uchichengeta Sabata+
Woshevedza Sabata kuti mufaro mukuru, zuva dzvene raJehovha, zuva rinofanira kukudzwa,+
Uye worikudza pane kuita zvaunoda uye kutaura mashoko asina maturo,
14 Uchabva wafarira Jehovha kwazvo,
Uye ndichakukwidza panzvimbo dzakakwirira dzenyika.+