Zekariya
9 Mutongo:
“Jehovha ane shoko rekutonga nyika yeHadraki,
Uye paDhamasiko ndipo parakananga,+
Nekuti ziso raJehovha riri pavanhu+
Nepamadzinza ese aIsraeri.
3 Tire yakazvivakira rusvingo runodzivirira.
Yakaunganidza sirivha sevhu
Uye goridhe sevhu remumigwagwa.+
5 Ashkeroni ichazviona yotya;
Gaza icharwadziwa chaizvo,
Uye Ekroni icharwadziwawo nekuti uya wayaivimba naye anyadziswa.
Mambo achaparara muGaza,
Uye Ashkeroni haizogarwi.+
6 Mwanakomana asiri wepamutemo achagara muAshdhodhi,
Uye ndichabvisa kuzvikudza kunoita muFiristiya.+
7 Ndichabudisa zvinhu zvine ropa zviri mukanwa make
Nezvinhu zvinosemesa zvaakaruma nemazino ake,
Uye iye achasara kuti ave waMwari wedu;
Achaita saishe munyika yeJudha,+
Uye vanhu vekuEkroni vachaita sevaJebhusi.+
8 Ndichadzika tende rekuti ndirinde imba yangu,+
Kuti pasava neanopfuura nepo kana anodzoka nepo;
Uye hapana mukuru webasa* achapfuura nepo zvakare,+
Nekuti iye zvino ndazviona* nemaziso angu.
9 Pembera nemufaro, iwe mwanasikana weZiyoni.
Shevedzera nemufaro wekukunda, iwe mwanasikana weJerusarema.
Ona! Mambo wako ari kuuya kwauri.+
10 Ndichabvisa ngoro dzehondo dziri kwaEfremu
Nemabhiza ari muJerusarema.
Uta hwehondo huchabviswa.
Achazivisa marudzi nezverugare;+
Utongi hwake huchabvira kugungwa kusvikira kugungwa
11 Asi iwe mukadzi, ndichabudisa vanhu vako vakasungwa mugomba risina mvura
Ndichishandisa ropa resungano yako.+
12 Dzokai kunhare* imi vasungwa vane tariro.+
Nhasi ndiri kukuudza kuti,
‘Ndichakupa migove miviri iwe mukadzi.+
13 Nekuti ndichakombamisa Judha seuta hwangu.
Ndichaisa Efremu pauta,*
Uye ndichamutsa vanakomana vako, iwe Ziyoni,
Kuti varwise vanakomana vako, iwe Girisi,
Uye ndichaita kuti uite sebakatwa remurwi ane simba.’
14 Jehovha achaonekwa ari pamusoro pavo,
Uye museve wake uchaenda semheni.
Changamire Ishe Jehovha acharidza hwamanda,+
Uye achaenda kunorwisa nemadutu ekumaodzanyemba.
Vachanwa voshevedzera nemufaro sevanhu vanwa waini;
Uye vachaita sendiro yazadzwa,
Semakona eatari ati chakwata.+
16 Zuva iroro, Jehovha Mwari wavo achavaponesa
Sezvinoita mufudzi ari kununura makwai ake;+
Nekuti vachaita sematombo anoshongedza korona ari kupenya munyika yake.+
Zvekudya zvichaita kuti majaya akure,
Uye waini itsva ichaita kuti mhandara dzikure.”+