Rwiyo rwaDhavhidhi.
143 Haiwa Jehovha, inzwai munyengetero wangu;+
Teererai kuteterera kwangu kuti ndibatsirwe.
Ndipindurei mukutendeka kwenyu uye mukururama kwenyu.
2 Musatonga mushumiri wenyu,
Nekuti hapana munhu mupenyu anogona kuva akarurama pamberi penyu.+
3 Nekuti muvengi ari kundidzingirira;
Andipwanyira pasi.
Akaita kuti ndigare murima sevaya vakafa kare kare.
4 Simba rangu riri kupera;+
Mwoyo wangu wakarukutika mukati mangu.+
5 Ndinoyeuka mazuva ekare;
Ndinofungisisa mabasa enyu ese;+
Ndinonyatsofungisisa mabasa emaoko enyu.
6 Ndinotambanudzira maoko angu kwamuri;
Ndine nyota yekuva nemi senyika yakaoma iri kuda mvura.+ (Sera)
7 Kurumidzai kundipindura, haiwa Jehovha;+
Simba rangu rapera.+
Musandivanzira chiso chenyu,+
Nekuti ndinozofanana nevaya vari kudzika kugomba.+
8 Itai kuti mangwanani ndinzwe rudo rwenyu rusingachinji,
Nekuti ndinovimba nemi.
Ndizivisei nzira yandinofanira kufamba nayo,+
Nekuti ndinotendeukira kwamuri.
9 Ndinunureiwo pavavengi vangu, Jehovha.
Ndiri kutsvaga kudzivirirwa nemi.+
10 Ndidzidzisei kuita kuda kwenyu,+
Nekuti ndimi Mwari wangu.
Mweya wenyu wakanaka;
Ngaunditungamirire panzvimbo yakati sandara.
11 Ndichengetedzeiwo ndiri mupenyu, Jehovha, nekuda kwezita renyu.
Mukururama kwenyu, ndinunurei pakutambudzika.+
12 Nerudo rwenyu rusingachinji, nyararidzai vavengi vangu;+
Paradzai vese vari kundishungurudza,+
Nekuti ndiri mushumiri wenyu.+