14 Mukadzi akachenjera anovaka imba yake,+
Asi benzi rinoiputsa nemaoko aro.
2 Munhu anofamba mukururama anotya Jehovha,
Asi munhu anofamba muunyengeri anomuzvidza.
3 Kutaura kwekuzvikudza kwebenzi kwakafanana neshamhu iri mumuromo maro,
Asi miromo yevakachenjera ichavadzivirira.
4 Kana pasina mombe chidyiro chezvipfuwo chinenge chakachena,
Asi simba remikono yemombe rinoita kuti goho riwande.
5 Chapupu chakatendeka hachinyepi,
Asi chapupu chenhema chinongotaura zvekunyepa chete.+
6 Museki anotsvaga uchenjeri asi haahuwani,
Asi ruzivo runongouya nyore nyore kumunhu anonzwisisa.+
7 Tambira kure nebenzi,
Nekuti hauzowani ruzivo pamiromo yaro.+
8 Uchenjeri hunoita kuti munhu ane njere anzwisise nzira dzake,
Asi mapenzi anonyengerwa neupenzi hwawo.+
9 Mapenzi anotoita zvekutamba nekuva nemhosva,+
Asi vakarurama vane chido chekuyanana.
10 Mwoyo ndiwo unoziva zviri kuurwadza,
Uye hapana mumwe munhu angaziva kufara kwawo.
11 Imba yevakaipa ichaparadzwa,+
Asi tende revakarurama richabudirira.
12 Kune nzira inoita seyakarurama kumunhu,+
Asi inoguma nerufu.+
13 Kunyange munhu achiseka, mwoyo wake unogona kunge uchirwadziwa,
Uye kufara kunogona kuguma nekushungurudzika.
14 Munhu ane mwoyo wakatsauka achakohwa mubayiro wenzira dzake,+
Asi munhu akanaka anokohwa mubayiro wezvaanoita.+
15 Munhu asina kuchenjera anongotenda shoko rese rese,
Asi munhu ane njere anofungisisa nhanho imwe neimwe.+
16 Munhu akachenjera anongwarira obva pane zvakaipa,
Asi benzi harifungi uye rinozvivimba.
17 Munhu anokurumidza kutsamwa anoita zveupenzi,+
Asi munhu anotanga afunga anovengwa.
18 Vasina kuchenjera vachagara nhaka yeupenzi,
Asi vane njere vanopfekedzwa korona yeruzivo.+
19 Vanhu vakashata vachakotamira vakanaka,
Uye vanhu vakaipa vachakotama pamagedhi evakarurama.
20 Murombo anovengwa kunyange nevavakidzani vake,+
Asi mupfumi ane shamwari zhinji.+
21 Munhu anoshora muvakidzani wake anenge achitadza,
Asi munhu wese anonzwira nyasha vakaderera anofara.+
22 Vaya vanoronga kuita zvakaipa havazotsauki here?
Asi vaya vanofunga kuita zvakanaka vachawana rudo rusingachinji uye kutendeka.+
23 Kushanda zvakaoma kwese kune zvakunobatsira,
Asi kungotaura zvisina basa kunounza urombo.+
24 Korona yevakachenjera ipfuma yavo;
Asi upenzi hwemafuza hunongova upenzi.+
25 Chapupu chechokwadi chinoponesa vanhu,
Asi chiya chinonyengera chinongotaura zvekunyepa chete.
26 Mukutya Jehovha mune chivimbo chakasimba,+
Uye vana vake vachapotera imomo.+
27 Kutya Jehovha itsime reupenyu,
Kunobvisa munhu pamisungo yerufu.
28 Vanhu vakawanda ndivo kukudzwa kwamambo,+
Asi mutongi anoparara kana asina vanhu vekutonga.
29 Munhu anononoka kutsamwa ane ungwaru kwazvo,+
Asi asina mwoyo murefu anoratidza upenzi hwake.+
30 Mwoyo wakadzikama unopa upenyu kumuviri,
Asi godo rinoodza mapfupa.+
31 Uya anobiridzira munhu akaderera anoshora Muiti wake,+
Asi wese anonzwira murombo tsitsi anomukudza.+
32 Munhu akaipa achawisirwa pasi nezvakaipa zvake,
Asi munhu akarurama achapotera mukururama kwake.+
33 Uchenjeri hunogara hwakadzikama mumwoyo memunhu anonzwisisa,+
Asi hunofanira kutoita zvekuzvizivisa pakati pemapenzi.
34 Kururama kunokwidziridza rudzi,+
Asi chivi chinonyadzisa rudzi.
35 Mambo anofadzwa nemushandi anoshandisa njere,+
Asi hasha dzake dziri pamunhu anoita zvinonyadzisa.+