Mapisarema
Rwiyo rwaDhavhidhi.
2 Ndiye rudo rwangu rusingachinji uye nhare yangu,
Nzvimbo yangu yekupotera* uye mununuri wangu,
Nhoo yangu uye ndiye wandakapotera kwaari,+
Iye anokunda marudzi achiaisa pasi pangu.+
7 Tambanudzai maoko enyu muri kumusoro;
Ndinunurei mundiponese pamvura ine simba,
Paruoko rwevatorwa,+
8 Vane miromo inoreva nhema
Uye vanosimudza ruoko rwavo rwerudyi vachipika zvenhema.*
9 Haiwa Mwari, ndichakuimbirai rwiyo rutsva.+
Ndichaimba ndichikurumbidzai,* ndichiridza chiridzwa chine tambo gumi,
10 Ndichiridzira iye anoita kuti madzimambo akunde,+
Anonunura mushumiri wake Dhavhidhi pabakatwa rinouraya.+
11 Ndinunurei mundiponese paruoko rwevatorwa,
Vane miromo inoreva nhema
Uye vanosimudza ruoko rwavo rwerudyi vachipika zvenhema.
12 Vanakomana vedu vachabva vaita sezvirimwa zvidiki zvinokurumidza kukura,
Vanasikana vedu vova sembiru dzepakona dzepamuzinda dzakavezwa.
13 Matura edu achafashukira nezvirimwa zvakasiyana-siyana;
Makwai edu ari mumafuro achawedzera nezviuru, nemakumi ezviuru.
14 Pamombe dzedu dzine mazamu, hapana dzichatadza kubereka kana dzichasvodza;
Hapazovi nekuridza mhere mumisika yedu.
15 Vanofara vanhu vanoitirwa izvi!
Vanofara vanhu vana Jehovha saMwari wavo!+