Mapisarema
Rwiyo rwaDhavhidhi.
141 Haiwa Jehovha, ndinodana kwamuri.+
Kurumidzai kuuya kuzondibatsira.+
Teererai pandinodana kwamuri.+
4 Musarega mwoyo wangu uchirerekera kuzvinhu zvakaipa,+
Kuti ndiite mabasa akaipa nevanhu vakaipa;
Ngandirege kudya zvekudya zvavo zvinonaka.
5 Kana munhu akarurama akandirova, kunenge kuri kundiratidza mutsa;*+
Kana akanditsiura, zvakafanana nemafuta mumusoro wangu,+
Uye musoro wangu haumboarambi.+
Ndicharamba ndichinyengetera kunyange munguva yekutambudzika kwavo.
6 Kunyange vatongi vavo vakawisirwa pasi nepamawere,
Vanhu vachateerera mashoko angu, nekuti anofadza.
7 Sezvinoita munhu paanorima achipunza-punza mavhinga,
Ndiko kupararira kwaita mapfupa edu pamuromo weGuva.*
8 Asi maziso angu anotarisa kwamuri, haiwa Changamire Ishe Jehovha.+
Ndakapotera kwamuri.
Musatora upenyu hwangu.*
9 Ndidzivirirei ndirege kubatwa nechiteyeso chavakanditeyera,
Ndirege kubatwa nemisungo yevanoita zvakaipa.