RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Zvirevo 17
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri Mubhuku raZvirevo

    • ZVIREVO ZVASOROMONI (10:1–24:34)

        • Usatsiva chakanaka nechakaipa (13)

        • Ibva kupopotedzana kusati kwatanga (14)

        • Shamwari yechokwadi ine rudo nguva dzese (17)

        • “Mwoyo unofara mushonga wakanaka” (22)

        • Munhu akangwara anodzora mashoko ake (27)

Zvirevo 17:1

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “kudya chingwa chakaoma.”

  • *

    Kana kuti “rugare.”

  • *

    ChiHeb., “izere zvibayiro.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Pis 37:16
  • +Zvi 15:16, 17; 21:9, 19

Zvirevo 17:3

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Zvi 27:21
  • +Pis 26:2; Zvi 21:2; 24:12

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Ucharatidza Sei Kuti Unotenda Rudzikinuro?

    w26.01 p. 21 ndim. 4

Zvirevo 17:4

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 5:31

Zvirevo 17:5

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Zvi 14:31
  • +Zvi 24:17; Obh 12

Zvirevo 17:6

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “Vazukuru.”

  • *

    Kana kuti “vabereki.”

  • *

    Kana kuti “kwevana.”

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Zvinorevei ‘Kukudza Baba Naamai Vako’?

    ijwbq nyaya 130 ndim. 2

Zvirevo 17:7

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “kwakanaka.”

  • *

    Kana kuti “negurukota.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Zvi 26:7
  • +Zvi 16:10

Zvirevo 17:8

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 32:20; 2Sa 16:1
  • +1Sa 25:18, 35; Zvi 18:16; 19:6

Zvirevo 17:9

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “anofukidza.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Zvi 10:12; 1Pe 4:8
  • +Zvi 16:28

Zvirevo 17:10

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Pis 141:5; Zvi 9:8
  • +Zvi 27:22

Zvirevo 17:11

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Sa 18:15; 20:1, 22; 1Mad 2:22, 24

Zvirevo 17:12

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Zvi 27:3

Zvirevo 17:13

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Sa 12:8-10

Zvirevo 17:14

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “mvura.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 13:8, 9; Zvi 25:8; Mt 5:39; VaR 12:18

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Bhaibheri Rinotii Nezvehasha?

    ijwbq nyaya 152

Zvirevo 17:15

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 23:7; 1Mad 21:13; Isa 5:22, 23

Zvirevo 17:16

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “iro risina njere.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Zvi 1:22; VaR 1:20, 21

Zvirevo 17:17

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Zvi 18:24; Joh 15:13
  • +Rut 1:16, 17; 1Sa 19:2

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Zvaungaita Kuti Uve Shamwari Yechokwadi

    w25.02 pp. 28-29

    Zvirevo 17:17—“Shamwari Ishamwari Nguva Dzose”

    ijwbv nyaya 60

    Kubatsira Vaya Vane Zvirwere Zvepfungwa

    wp23 nha. 1 pp. 14-15

    Bhaibheri Rinotii Nezveushamwari?

    ijwbq nyaya 183

    Ndiri Kufunga Kuzviuraya—Bhaibheri Rinogona Kundibatsira Here?

    ijwbq nyaya 158 ndim. 2-4

    Ndingaita Sei Kuti Ndidzore Manzwiro Andinoita?

    ijwyp nyaya 70 ndim. 4-5

    Kurarama Upenyu Hune Chinangwa Iye Zvino Uye Nokusingaperi

    w11 7/1 p. 8

    Bhaibheri Rinogona Kukubatsira Kuti Ufare

    w05 8/1 pp. 6-7

Zvirevo 17:18

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Zvi 11:15; 22:26, 27

Zvirevo 17:19

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jak 3:16
  • +2Sa 15:2-4

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Dzivisa Mudzimu Wokuzvikudza!

    w93 5/15 p. 30

Zvirevo 17:20

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “haazowani zvakanaka.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Pis 18:26; Zvi 6:14, 15

Zvirevo 17:21

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 2:22-25; 8:1-3; 2Sa 15:14

Zvirevo 17:22

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “Mwoyo unofara unorapa.”

  • *

    Kana kuti “mweya wakaputsika unopedza.”

  • *

    Kana kuti “kunoomesa mapfupa.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Zvi 12:25; 15:13
  • +Zvi 18:14

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Bhaibheri Rinotipa Tariro

    lff chidzidzo 2 pfungwa 5

    Ndiri Kufunga Kuzviuraya—Bhaibheri Rinogona Kundibatsira Here?

    ijwbq nyaya 158 ndim. 22-24

    Apo Makemikari Anokurwarisa

    g00 8/8 p. 24

    Ndinogona Sei Kugonana Nokurwara Kwazvo?

    g97 7/8 p. 18

    Chikonzero Nei Mugariro Womunyunyuti Usingafadzi

    w93 3/15 p. 22

    Unogona Kuwana Mufaro Munyika Inoodza Mwoyo!

    w90 3/1 p. 4

Zvirevo 17:23

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “chiokomuhomwe chepachipfuva.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 23:8

Zvirevo 17:24

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Mup 2:14

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Pfungwa Huru Dzatinowana Mubhuku raZvirevo

    w06 9/15 p. 19 ndim. 10

Zvirevo 17:25

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Zvi 15:20

Zvirevo 17:26

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “Kuripisa.”

Zvirevo 17:27

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Zvi 10:19; Jak 1:19
  • +Zvi 15:4; Mup 9:17; Jak 3:13

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Kukunda Dambudziko Rekushushikana

    g20 nha. 1 p. 9

    Rerekera Mwoyo Wako Kunzwisiso

    w97 3/15 p. 14 ndim. 9

    Dzora Mudzimu Wako!

    w90 9/15 p. 22

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

Zvir. 17:1Pis 37:16
Zvir. 17:1Zvi 15:16, 17; 21:9, 19
Zvir. 17:3Zvi 27:21
Zvir. 17:3Pis 26:2; Zvi 21:2; 24:12
Zvir. 17:4Jer 5:31
Zvir. 17:5Zvi 14:31
Zvir. 17:5Zvi 24:17; Obh 12
Zvir. 17:7Zvi 26:7
Zvir. 17:7Zvi 16:10
Zvir. 17:8Ge 32:20; 2Sa 16:1
Zvir. 17:81Sa 25:18, 35; Zvi 18:16; 19:6
Zvir. 17:9Zvi 10:12; 1Pe 4:8
Zvir. 17:9Zvi 16:28
Zvir. 17:10Pis 141:5; Zvi 9:8
Zvir. 17:10Zvi 27:22
Zvir. 17:112Sa 18:15; 20:1, 22; 1Mad 2:22, 24
Zvir. 17:12Zvi 27:3
Zvir. 17:132Sa 12:8-10
Zvir. 17:14Ge 13:8, 9; Zvi 25:8; Mt 5:39; VaR 12:18
Zvir. 17:15Eks 23:7; 1Mad 21:13; Isa 5:22, 23
Zvir. 17:16Zvi 1:22; VaR 1:20, 21
Zvir. 17:17Zvi 18:24; Joh 15:13
Zvir. 17:17Rut 1:16, 17; 1Sa 19:2
Zvir. 17:18Zvi 11:15; 22:26, 27
Zvir. 17:19Jak 3:16
Zvir. 17:192Sa 15:2-4
Zvir. 17:20Pis 18:26; Zvi 6:14, 15
Zvir. 17:211Sa 2:22-25; 8:1-3; 2Sa 15:14
Zvir. 17:22Zvi 12:25; 15:13
Zvir. 17:22Zvi 18:14
Zvir. 17:23Eks 23:8
Zvir. 17:24Mup 2:14
Zvir. 17:25Zvi 15:20
Zvir. 17:27Zvi 10:19; Jak 1:19
Zvir. 17:27Zvi 15:4; Mup 9:17; Jak 3:13
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
  • 19
  • 20
  • 21
  • 22
  • 23
  • 24
  • 25
  • 26
  • 27
  • 28
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Zvirevo 17:1-28

Zvirevo

17 Zviri nani kutemura chingwa* paine runyararo,*+

Pane kuva neimba iri kuitwa mabiko* vanhu vachipopotedzana.+

 2 Mushandi ane njere achatonga mwanakomana anoita zvinonyadzisa;

Achagoverwa nhaka semumwe wevanakomana vacho.

 3 Sirivha inonatsirwa muhari yekunatsira uye goridhe rinonatsirwa muchoto chekunatsira,+

Asi Jehovha ndiye muongorori wemwoyo.+

 4 Munhu akaipa anoteerera mashoko akashata,

Uye munhu anonyengera anoteerera rurimi runotaura makuhwa.+

 5 Munhu wese anotuka murombo anenge achishora Muiti wake,+

Uye munhu wese anofarira njodzi yemumwe haazoregi kurangwa.+

 6 Vazukurukomana* ikorona yevakwegura,

Uye madzibaba* ndivo kukudzwa kwevanakomana* vavo.

 7 Kana kutaura kwakarurama* kusina kukodzera benzi,+

Ko kuzoti nhema dzichitaurwa nemutongi!*+

 8 Chipo chakaita sedombo rinokosha kumuridzi wacho;+

Kwese kwaanoenda, chinoita kuti abudirire.+

 9 Munhu wese anoregerera* kutadzirwa kwaaitwa anenge achitsvaga rudo,+

Asi uya anoramba achingodzokorora nyaya anoparadzanisa shamwari dzepedyo.+

10 Kutsiura kunobatsira chaizvo kumunhu anonzwisisa+

Kupfuura kurova benzi kane zana.+

11 Munhu akaipa anongotsvaga kupanduka,

Asi achatumirwa mutumwa ane utsinye kuti amurange.+

12 Zviri nani kusangana nebheya rafirwa nevana varo

Pane kusangana nebenzi neupenzi hwaro.+

13 Kana munhu akatsiva zvakanaka nezvakaipa,

Zvakaipa hazvizobvi mumba make.+

14 Kutanga nharo kwakaita sekuvhurira mapopoma;*

Ibva kupopotedzana kusati kwatanga.+

15 Munhu anoti akaipa haana mhosva uye anoti munhu akarurama ane mhosva,+

Vese vanosemesa Jehovha.

16 Zvinobatsirei kuti benzi rive nezvinhu zvinogona kuribatsira kuva neuchenjeri,

Asi iro risina mwoyo unogamuchira uchenjeri hwacho?*+

17 Shamwari yechokwadi ine rudo nguva dzese+

Uye ihama yakaberekerwa kubatsira panguva yekutambudzika.+

18 Munhu asina njere anobatana maoko nemumwe achibvuma

Kuti mumwe atore chikwereti muzita rake pamberi pemuvakidzani wake.+

19 Munhu anoda zvegakava anoda kudarika.+

Munhu anoita kuti pasuo rake pave pakakwirira anotsvaga kuwa.+

20 Munhu ane mwoyo usina kururama haazobudiriri,*+

Uye munhu anotaura zveunyengeri achaparara.

21 Murume anova nemwana benzi achashungurudzika;

Uye baba vemwana benzi havana mufaro.+

22 Mwoyo unofara mushonga wakanaka,*+

Asi kusuruvara kunopedza* simba remunhu.*+

23 Munhu akaipa achabvuma chiokomuhomwe pachivande*

Kuti atsaudzire pakutonga.+

24 Uchenjeri huri pamberi chaipo pemunhu anonzwisisa,

Asi maziso ebenzi anodzungaira nenyika.+

25 Mwanakomana benzi anoshungurudza baba vake

Uye anotemesa musoro munhu akamubereka.+

26 Kuranga* munhu akarurama hakuna kunaka,

Uye kurova vanhu vanokudzwa kunopesana nezvakarurama.

27 Munhu ane ruzivo anodzora mashoko ake,+

Uye munhu ane ungwaru acharamba akadzikama.+

28 Kunyange benzi rinoramba rakanyarara richanzi rakachenjera,

Uye munhu anosona muromo wake, achanzi anonzwisisa.

Mabhuku eChiShona (1973-2027)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe