RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • 2 Madzimambo 14
  • Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

2 Madzimambo 14:1

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 13:10
  • +1Mak 3:12

2 Madzimambo 14:2

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mak 25:1

2 Madzimambo 14:3

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mak 25:2
  • +1Mad 15:5
  • +2Mak 24:2, 18; Zek 1:4

2 Madzimambo 14:4

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 15:14; 2Mad 12:3
  • +2Mad 15:4, 35

2 Madzimambo 14:5

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 9:6; Eks 21:12; Re 24:17; Nu 35:33
  • +2Mad 12:20; 2Mak 24:25; 25:3

2 Madzimambo 14:6

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mak 25:4
  • +Dhe 24:16; Eze 18:20

2 Madzimambo 14:7

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 8:20; 2Mak 25:11
  • +2Sa 8:13; 1Mak 18:12; Pis 60:mashoko ekusuma

2 Madzimambo 14:8

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Sa 2:14; 2Mak 25:17; Zvi 13:10; 18:6

2 Madzimambo 14:9

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Vat 9:15
  • +2Mak 25:18

2 Madzimambo 14:10

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 14:7
  • +2Mak 26:16; Zvi 16:18; Ha 2:4; VaG 6:3; Jak 4:6
  • +1Sa 18:8
  • +2Mak 35:21; Zvi 3:30; 20:3
  • +Ru 14:31

2 Madzimambo 14:11

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mak 25:16, 20
  • +2Mak 25:21
  • +Jos 15:10; 21:16; 1Sa 6:9; 1Mak 6:59

2 Madzimambo 14:12

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mak 25:22; Zvi 16:18

2 Madzimambo 14:13

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mak 25:23; Ne 8:16; 12:39
  • +Jer 31:38; Zek 14:10

2 Madzimambo 14:14

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 12:13

2 Madzimambo 14:15

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 14:19; 2Mad 13:12

2 Madzimambo 14:16

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 10:35
  • +2Mad 13:9
  • +2Mad 13:13; Ho 1:1; Amo 1:1; 7:10

2 Madzimambo 14:17

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 14:1
  • +2Mad 13:10
  • +2Mak 25:25

2 Madzimambo 14:18

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 14:29; 2Mad 12:19; 20:20
  • +2Mak 25:26

2 Madzimambo 14:19

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 12:20
  • +Jos 10:31; Mik 1:13
  • +2Mak 25:27

2 Madzimambo 14:20

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mak 25:28
  • +1Mad 2:10; 2Mad 12:21

2 Madzimambo 14:21

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mak 26:1; Mt 1:8
  • +2Mad 15:2
  • +1Mak 3:12

2 Madzimambo 14:22

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 2:8; 1Mad 9:26; 2Mad 16:6; 2Mak 26:2

2 Madzimambo 14:23

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ho 1:1; Amo 1:1

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    “Rugwaro Rwose,” p. 153

2 Madzimambo 14:24

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 12:28; 13:34; Pis 106:20

2 Madzimambo 14:25

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Nu 13:21; 34:8; Eze 47:16; Amo 6:14
  • +Ge 14:3; Dhe 3:17
  • +Jon 1:1; Mt 12:39
  • +Jos 19:13

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Tevedzera, p. 109

    Nharireyomurindi,

    1/1/2009, p. 25

    “Rugwaro Rwose,” p. 153

2 Madzimambo 14:26

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 3:7; Vat 10:16; Pis 106:44
  • +1Mad 14:10; 21:21

2 Madzimambo 14:27

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 25:19; 29:20
  • +2Mad 13:5; Pis 86:15; Jer 31:20; Ho 1:7

2 Madzimambo 14:28

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Sa 8:6
  • +2Mak 8:3

2 Madzimambo 14:29

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 15:8

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

2 Madz. 14:12Mad 13:10
2 Madz. 14:11Mak 3:12
2 Madz. 14:22Mak 25:1
2 Madz. 14:32Mak 25:2
2 Madz. 14:31Mad 15:5
2 Madz. 14:32Mak 24:2, 18; Zek 1:4
2 Madz. 14:41Mad 15:14; 2Mad 12:3
2 Madz. 14:42Mad 15:4, 35
2 Madz. 14:5Ge 9:6; Eks 21:12; Re 24:17; Nu 35:33
2 Madz. 14:52Mad 12:20; 2Mak 24:25; 25:3
2 Madz. 14:62Mak 25:4
2 Madz. 14:6Dhe 24:16; Eze 18:20
2 Madz. 14:72Mad 8:20; 2Mak 25:11
2 Madz. 14:72Sa 8:13; 1Mak 18:12; Pis 60:mashoko ekusuma
2 Madz. 14:82Sa 2:14; 2Mak 25:17; Zvi 13:10; 18:6
2 Madz. 14:9Vat 9:15
2 Madz. 14:92Mak 25:18
2 Madz. 14:102Mad 14:7
2 Madz. 14:102Mak 26:16; Zvi 16:18; Ha 2:4; VaG 6:3; Jak 4:6
2 Madz. 14:101Sa 18:8
2 Madz. 14:102Mak 35:21; Zvi 3:30; 20:3
2 Madz. 14:10Ru 14:31
2 Madz. 14:112Mak 25:16, 20
2 Madz. 14:112Mak 25:21
2 Madz. 14:11Jos 15:10; 21:16; 1Sa 6:9; 1Mak 6:59
2 Madz. 14:122Mak 25:22; Zvi 16:18
2 Madz. 14:132Mak 25:23; Ne 8:16; 12:39
2 Madz. 14:13Jer 31:38; Zek 14:10
2 Madz. 14:142Mad 12:13
2 Madz. 14:151Mad 14:19; 2Mad 13:12
2 Madz. 14:162Mad 10:35
2 Madz. 14:162Mad 13:9
2 Madz. 14:162Mad 13:13; Ho 1:1; Amo 1:1; 7:10
2 Madz. 14:172Mad 14:1
2 Madz. 14:172Mad 13:10
2 Madz. 14:172Mak 25:25
2 Madz. 14:181Mad 14:29; 2Mad 12:19; 20:20
2 Madz. 14:182Mak 25:26
2 Madz. 14:192Mad 12:20
2 Madz. 14:19Jos 10:31; Mik 1:13
2 Madz. 14:192Mak 25:27
2 Madz. 14:202Mak 25:28
2 Madz. 14:201Mad 2:10; 2Mad 12:21
2 Madz. 14:212Mak 26:1; Mt 1:8
2 Madz. 14:212Mad 15:2
2 Madz. 14:211Mak 3:12
2 Madz. 14:22Dhe 2:8; 1Mad 9:26; 2Mad 16:6; 2Mak 26:2
2 Madz. 14:23Ho 1:1; Amo 1:1
2 Madz. 14:241Mad 12:28; 13:34; Pis 106:20
2 Madz. 14:25Nu 13:21; 34:8; Eze 47:16; Amo 6:14
2 Madz. 14:25Ge 14:3; Dhe 3:17
2 Madz. 14:25Jon 1:1; Mt 12:39
2 Madz. 14:25Jos 19:13
2 Madz. 14:26Eks 3:7; Vat 10:16; Pis 106:44
2 Madz. 14:261Mad 14:10; 21:21
2 Madz. 14:27Dhe 25:19; 29:20
2 Madz. 14:272Mad 13:5; Pis 86:15; Jer 31:20; Ho 1:7
2 Madz. 14:282Sa 8:6
2 Madz. 14:282Mak 8:3
2 Madz. 14:292Mad 15:8
  • Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
  • 19
  • 20
  • 21
  • 22
  • 23
  • 24
  • 25
  • 26
  • 27
  • 28
  • 29
Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
2 Madzimambo 14:1-29

2 Madzimambo

14 Mugore rechipiri raJehoashi+ mwanakomana waJehoahazi mambo waIsraeri, Amaziya+ mwanakomana waJehoashi mambo waJudha akava mambo. 2 Akanga aine makore makumi maviri nemashanu paakatanga kutonga, uye akatonga kwemakore makumi maviri nemapfumbamwe ari muJerusarema. Amai vake vainzi Jehoadhini+ wokuJerusarema. 3 Akaramba achiita zvakarurama pamberi paJehovha,+ asi kwete satateguru vake Dhavhidhi.+ Akaita maererano nezvose zvakanga zvaitwa nababa vake Jehoashi.+ 4 Asi nzvimbo dzakakwirira hadzina kubviswa.+ Vanhu vakanga vachiri kubayira zvibayiro nokukwidzira utsi hwezvibayiro panzvimbo dzakakwirira.+ 5 Zvino umambo hwacho pahwakanga hwangosimba muruoko rwake, akatanga kuuraya+ vashandi vake vakanga vauraya mambo, ivo baba vake.+ 6 Asi haana kuuraya vanakomana vevaurayi vacho, maererano nezvakanyorwa mubhuku romutemo waMosesi zvakarayirwa naJehovha, achiti:+ “Madzibaba haafaniri kuurayiwa nokuda kwevanakomana, uye vanakomana havafaniri kuurayiwa nokuda kwemadzibaba; asi mumwe nomumwe achaurayirwa chivi chake.”+ 7 Akauraya vaEdhomu+ muMupata woMunyu,+ varume zviuru gumi, akatora Sera pakurwa, rikatumidzwa kuti Jokteeri kusvikira nhasi.

8 Panguva iyoyo Amaziya akatuma nhume kuna Jehoashi mwanakomana waJehoahazi mwanakomana waJehu mambo waIsraeri, achiti: “Uya. Ngatirwisane takarirana chiso nechiso.”+ 9 Jehoashi mambo waIsraeri akabva atumira shoko kuna Amaziya mambo waJudha, achiti: “Utumbambeva hwaiva muRebhanoni hwakatumira shoko kumusidhari+ waiva muRebhanoni, huchiti, ‘Ipa mwanakomana wangu mwanasikana wako kuti ave mudzimai wake.’ Asi imwe mhuka yomusango yaiva muRebhanoni yakapfuura nepo ikatsika-tsika utumbambeva hwacho.+ 10 Chokwadi, iwe wakaparadza+ Edhomu, zvino mwoyo wako waita kuti uzvikwidziridze.+ Gara nokukudzwa kwako,+ ugare mumba mako. Unodirei kukakavara+ izvo zvinhu zvisina kumira zvakanaka,+ woparara iwe nevaJudha vauinavo?” 11 Asi Amaziya haana kuteerera.+

Naizvozvo Jehoashi mambo waIsraeri akauya, vakarwisana vakatarirana chiso nechiso,+ iye naAmaziya mambo waJudha, kuBheti-shemeshi+ raJudha. 12 Judha akakundwa naIsraeri,+ zvokuti mumwe nomumwe akatizira kutende rake. 13 Jehoashi mambo waIsraeri akabata Amaziya mambo waJudha mwanakomana waJehoashi mwanakomana waAhaziya kuBheti-shemeshi, vachibva vazosvika kuJerusarema, akaputsa rusvingo rweJerusarema kubvira paGedhi raEfremu+ kusvikira kuGedhi Repakona,+ makubhiti mazana mana. 14 Akatora ndarama yose nesirivha nezvinhu zvose zvaiva muimba yaJehovha+ nomunzvimbo dzaichengeterwa pfuma yeimba yamambo pamwe chete nevasungwa, akabva adzokera kuSamariya.

15 Mamwe mabasa ose aJehoashi, zvaakaita uye kuva kwake nesimba nokurwa kwaakaita naAmaziya mambo waJudha, hazvina kunyorwa here mubhuku+ remabasa emazuva emadzimambo aIsraeri? 16 Jehoashi akazorara nemadzitateguru ake,+ akavigwa muSamariya+ pamwe chete nemadzimambo aIsraeri, mwanakomana wake Jerobhoamu+ akatanga kutonga panzvimbo pake.

17 Amaziya+ mwanakomana waJehoashi mambo waJudha akararama kwemakore gumi nemashanu pashure pokufa kwaJehoashi+ mwanakomana waJehoahazi mambo waIsraeri.+ 18 Mamwe mabasa ose aAmaziya, haana kunyorwa here mubhuku+ remabasa emazuva emadzimambo aJudha?+ 19 Vakazobatana kuti vamumukire+ vari kuJerusarema, iye akatizira kuRakishi;+ asi vakatuma vanhu, vakamutevera kuRakishi, vakamuurayira ikoko.+ 20 Naizvozvo vakamutakura nemabhiza, iye akavigwa+ muJerusarema pamwe chete nemadzitateguru ake muGuta raDhavhidhi.+ 21 Vanhu vose vaJudha vakabva vatora Azariya,+ panguva yaaiva nemakore gumi nematanhatu,+ vakamugadza kuti ave mambo panzvimbo pababa vake Amaziya.+ 22 Iye akavaka Erati,+ akaridzorera kuna Judha pashure pokunge mambo arara nemadzitateguru ake.

23 Mugore rechigumi nemashanu raAmaziya mwanakomana waJehoashi mambo waJudha, Jerobhoamu+ mwanakomana waJehoashi mambo waIsraeri akava mambo muSamariya kwemakore makumi mana nerimwe chete. 24 Akaramba achiita zvakaipa pamberi paJehovha. Haana kurega zvivi zvose zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, zvaakatadzisa Israeri nazvo.+ 25 Iye ndiye akadzorera muganhu waIsraeri kubvira kumuganhu weHamati+ kusvikira kugungwa reArabha,+ maererano neshoko raJehovha Mwari waIsraeri uyo akataura achishandisa mushumiri wake Jona+ mwanakomana waAmitai, muprofita wokuGati-heferi.+ 26 Nokuti Jehovha akanga aona kutambudzika kukuru kwaIsraeri.+ Kwakanga kusina asina mubatsiri kana asina zvaanobatsira, uye kwakanga kusina anobatsira Israeri.+ 27 Jehovha akanga apikira kusaparadza zita raIsraeri pasi pematenga.+ Naizvozvo akavaponesa+ noruoko rwaJerobhoamu mwanakomana waJehoashi.

28 Mamwe mabasa ose aJerobhoamu nezvose zvaakaita nokuva kwake nesimba, kurwa kwaakaita nokudzorera kwaakaita Dhamasiko+ neHamati+ kuJudha iri muIsraeri, hazvina kunyorwa here mubhuku remabasa emazuva emadzimambo aIsraeri? 29 Jerobhoamu akazorara nemadzitateguru ake, pamwe chete nemadzimambo aIsraeri, mwanakomana wake Zekariya+ akatanga kutonga panzvimbo pake.

Mabhuku eChiShona (1973-2026)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe