Mapisarema
136 Ongai Jehovha, nokuti akanaka:+
Nokuti mutsa wake worudo unogara nokusingagumi;+

4 Iye Muiti wezvinhu zvinoshamisa, zvinhu zvikuru zvaanoita ari oga:+
Nokuti mutsa wake worudo unogara nokusingagumi;+
5 Iye akaita matenga nokunzwisisa:+
Nokuti mutsa wake worudo unogara nokusingagumi;+
6 Iye akatambanudza nyika pamusoro pemvura:+
Nokuti mutsa wake worudo unogara nokusingagumi;+
7 Iye akaita zviedza zvikuru:+
Nokuti mutsa wake worudo unogara nokusingagumi;+
8 Zuva, kuti ritonge masikati:+
Nokuti mutsa wake worudo unogara nokusingagumi;+
9 Mwedzi nenyeredzi, kuti zvitonge pamwe chete usiku:+
Nokuti mutsa wake worudo unogara nokusingagumi;+
10 Iye akauraya matangwe eIjipiti:+
Nokuti mutsa wake worudo unogara nokusingagumi;+
11 Iye akabudisa vaIsraeri pakati pavo:+
Nokuti mutsa wake worudo unogara nokusingagumi;+
12 Noruoko rune simba uye noruoko rwakatambanudzwa:+
Nokuti mutsa wake worudo unogara nokusingagumi;
13 Iye akakamura Gungwa Dzvuku nepakati:+
Nokuti mutsa wake worudo unogara nokusingagumi;+
14 Iye akaita kuti vaIsraeri vapfuure nepakati paro:+
Nokuti mutsa wake worudo unogara nokusingagumi;+
15 Iye akazunzira Farao neuto rake rehondo muGungwa Dzvuku:+
Nokuti mutsa wake worudo unogara nokusingagumi;+
16 Iye akafambisa vanhu vake nomurenje:+
Nokuti mutsa wake worudo unogara nokusingagumi;+
17 Iye akaparadza madzimambo makuru:+
Nokuti mutsa wake worudo unogara nokusingagumi;+
18 Iye akauraya madzimambo ane simba:+
Nokuti mutsa wake worudo unogara nokusingagumi;+
19 Kunyange Sihoni mambo wevaAmori:+
Nokuti mutsa wake worudo unogara nokusingagumi;+
Nokuti mutsa wake worudo unogara nokusingagumi;+
21 Iye akavapa nyika yavo kuti ive nhaka:+
Nokuti mutsa wake worudo unogara nokusingagumi;+
22 Kuti ive nhaka kumushumiri wake Israeri:+
Nokuti mutsa wake worudo unogara nokusingagumi;+
23 Iye akatiyeuka patakanga takaderera:+
Nokuti mutsa wake worudo unogara nokusingagumi;+
24 Iye airamba achitibvuta kumhandu dzedu:+
Nokuti mutsa wake worudo unogara nokusingagumi;+
25 Iye anopa zvipenyu zvose zvenyama zvokudya:+
Nokuti mutsa wake worudo unogara nokusingagumi;+
Nokuti mutsa wake worudo unogara nokusingagumi.+