Mapisarema
Rumbidzai zita raJehovha,+
Murumbidzei, haiwa imi vashumiri vaJehovha,+
2 Imi makamira muimba yaJehovha,+
Muzvivanze zveimba yaMwari wedu.+
5 Nokuti ini ndinonyatsoziva kuti Jehovha mukuru,+
Uye kuti Ishe wedu anopfuura vamwe vanamwari vose.+
6 Jehovha akaita zvinhu zvose zvaaifarira kuita+
Kumatenga nepanyika, mumakungwa nomumvura yose yakadzika.+
7 Anokwidza mhute kubva kumugumo wenyika;+
Akagadzirira mvura inonaya pokubuda napo;+
Anobudisa mhepo mumatura ake,+
8 Iye akauraya matangwe eIjipiti,+
Zvose munhu nemhuka.+
9 Akatuma zviratidzo nezvishamiso pakati pako, haiwa iwe Ijipiti,+
Pana Farao nepavashandi vake vose;+
10 Ndiye akaparadza marudzi mazhinji+
Akauraya madzimambo aiva nesimba,+
11 Kunyange Sihoni mambo wevaAmori+
NaOgi mambo weBhashani+
Noumambo hwose hweKenani,+
12 Ndiye akapa nyika yavo kuti ive nhaka,+
Kuti ive nhaka yevanhu vake vaIsraeri.+
13 Haiwa Jehovha, zita renyu rinogara nokusingagumi.+
Haiwa Jehovha, chiyeuchidzo chenyu chinogara kwezvizvarwa nezvizvarwa.+