Rwiyo rwaAsafi.+
50 Ane Simba,+ iye Mwari, Jehovha,+ akataura,+
Anoshevedza nyika,+
Kubva pakubuda kwezuva kusvikira pakuvira kwaro.+
2 Mwari pachake akapenya+ ari muZiyoni, iro kukwana kworunako.+
3 Mwari wedu achauya uye haagoni kuramba akanyarara.+
Moto unoparadza uri pamberi pake,+
Uye kumativi ake ose kwava nedutu guru rakanyanya.+
4 Anoshevedzera kumatenga ari kumusoro nepanyika+
Kuti atonge vanhu vake:+
5 “Unganidzai vakavimbika vangu kwandiri,+
Vaya vanoita sungano yangu nechibayiro.”+
6 Matenga anozivisa nezvokururama kwake,+
Nokuti Mwari ndiye Mutongi.+ Sera.
7 “Teererai, haiwa imi vanhu vangu, uye ini ndichataura,+
Haiwa iwe Israeri, uye ndichapupurira nezvako.+
Ndini Mwari, iye Mwari wako.+
8 Handikutsiuri nokuda kwezvibayiro zvako,+
Kana kuti nokuda kwezvinopiwa zvinopiswa zviri pamberi pangu nguva dzose.+
9 Handizotori nzombe mumba mako,+
Kana nhongo mumatanga ako.
10 Nokuti mhuka dzose dzomusango ndedzangu,+
Idzo mhuka dziri mumakomo ane chiuru.+
11 Ndinonyatsoziva zvisikwa zvose zvomumakomo zvine mapapiro,+
Uye ndine mapoka makuru emhuka ari musango.+
12 Kudai ndaiva nenzara, ndaisazozvitaura kwauri;
Nokuti nyika inobereka+ nezvose zvizere mairi ndezvangu.+
13 Ndingadya nyama yenzombe+ dzine simba here,
Uye ndinganwa ropa renhongo here?+
14 Ipa kuonga sechibayiro chako kuna Mwari,+
Ripa mhiko dzako kune Wokumusorosoro;+
15 Ndishevedze pazuva rokutambudzika.+
Ndichakununura, uye iwe uchandikudza.”+
16 Asi Mwari achati kune munhu akaipa:+
“Une kodzero ipi yokuverenga mirau yangu,+
Kuti utakure sungano yangu mumuromo mako?+
17 Chokwadi, iwe—wakavenga kurangwa,+
Unoramba uchirasira mashoko angu shure kwako.+
18 Pose pawaiona mbavha, waitofadzwa nayo;+
Waishamwaridzana nemhombwe.+
19 Wakabvumira muromo wako kutaura zvakaipa,+
Unoramba wakanamatidza rurimi rwako kuunyengeri.+
20 Unogara pasi wotaura zvakaipa nezvehama yako,+
Unopa mwanakomana waamai vako mhosva.+
21 Wakaita zvinhu izvi, ini ndikaramba ndakanyarara.+
Wakafunga kuti chokwadi ndaizoita sewe.+
Ndichakutsiura,+ uye ndichaisa zvinhu zvako pamberi pako.+
22 Ndapota nzwisisai izvi, imi vanokanganwa Mwari,+
Kuti ndirege kukubvamburai-bvamburai pasina kana mununuri.+
23 Munhu anopa kuonga sechibayiro chake ndiye anondikudza;+
Uye uya anoramba ari munzira yakarongwa,
Ndichaita kuti aone ruponeso runoitwa naMwari.”+