Isaya
3 Nokuti, tarirai! Ishe wechokwadi,+ Jehovha wemauto, ari kubvisa muJerusarema+ nomuJudha zvinoraramisa nezvinosimbisa, zvokudya zvose zvinoraramisa nemvura yose inoraramisa,+ 2 murume ane simba nomurwi, mutongi nomuprofita,+ anoshopera nomukweguru,+ 3 mukuru wemakumi mashanu+ nomurume anoremekedzwa kwazvo, anopa mazano nenyanzvi yezvemashiripiti, uye nen’anga ine unyanzvi.+ 4 Ndichaita kuti vakomana vave machinda avo, uye vane simba vasina hanya vachavatonga.+ 5 Vanhu vachadzvinyirirana, mumwe nomumwe achidzvinyirira wokwake.+ Vachamukirana, mukomana neharahwa,+ anozvidzwa neanofanira kukudzwa.+ 6 Nokuti mumwe nomumwe achabata hama yake mumba mababa vake, achiti: “Iwe une jasi. Iva mutungamiriri+ wedu, uye tarisira murwi uyu wezvakaparadzwa.” 7 Iye achashevedzera pazuva iroro, achiti: “Handizovi murapi wemaronda; uye mumba mangu hamuna zvokudya kana jasi. Musandigadza kuti ndive mutungamiriri wevanhu.”
8 Nokuti Jerusarema ragumburwa uye Judha rawa,+ nokuti rurimi rwavo nezvavakaita zvinorwisana naJehovha,+ pakupandukira mumaziso ake anobwinya.+ 9 Zviso zvavo zvinovapupurira,+ uye vanozivisa nezvechivi chavo sechiya cheSodhoma.+ Havana kuchivanza. Mweya yavo ine nhamo! Nokuti vakazvipa dambudziko.+
10 Taurai, kuti zvichava zvakanaka kumunhu akarurama,+ nokuti vachadya zvibereko zvezvavakaita.+ 11 Munhu akaipa ane nhamo!—Ane dambudziko; nokuti achaitirwa sezvaakaitawo nemaoko ake!+ 12 Vanhu vangu vanoitirwa zvinorwadza nevanovapa basa, uye vanotongwa nevakadziwo zvavo.+ Haiwa vanhu vangu, vaya vanokutungamirirai vari kukudzungairisai,+ uye vakakanganisa nzira yemakwara enyu.+
13 Jehovha ari kumira kuti arwise uye ari kusimuka kuti ape marudzi mutongo.+ 14 Jehovha achatonga vakwegura vevanhu vake nemachinda avo.+
“Imi makapisa munda wemizambiringa. Zvakatorerwa anotambudzika nougororo zviri mudzimba dzenyu.+ 15 Munorevei zvamunopwanya vanhu vangu, uye zvamunokuya zviso zvevanotambudzika?”+ ndizvo zvinotaura Changamire Ishe, Jehovha wemauto.
16 Jehovha anoti: “Nokuti vanasikana veZiyoni vava kuzvikudza uye vanofamba huro dzavo dzakarebeswa vachiita mesomeso, vanofamba vachidyadaira, uye vanoti ngwere-ngwere nezviri mutsoka dzavo,+ 17 Jehovha achaitawo kuti nhongonya dzemisoro yevanasikana veZiyoni dzizare nemhezi,+ uye Jehovha achafukura huma dzavo.+ 18 Nezuva iroro Jehovha achabvisa runako rwendarira nemachira anosungwa mumusoro nezvishongo zvakaita somwedzi,+ 19 mhete dzinorembera nezvishongo zvemaoko nezvifukidziro,+ 20 zvishongo zvomusoro nouketani hwomumakumbo nemachira anosungwa nechomumazamu+ ne‘dzimba dzomweya’ nemazango anoshongwa,+ 21 marin’i epaminwe nemarin’i epamhino,+ 22 nguo refu dzomutambo nemajasi nemachari nezvikwama, 23 magirazi omumaoko+ nenguo dzomukati nengowani+ nezvifukidziro zvikuru.+
24 “Panzvimbo pemafuta ebharisamu+ pachava nomweya unonhuhwa; panzvimbo pebhandi, tambo; panzvimbo pebvudzi rakarukwa nounyanzvi, mhanza;+ panzvimbo penguo yakanaka kwazvo, kusungira masaga;+ panzvimbo porunako, vanga.+ 25 Vanhu vako vachaparadzwa nebakatwa, uye simba rako richaparadzwa nehondo.+ 26 Masuo aro achachema+ nokusuruvara, uye richatsvairwa. Richagara pasi chaipo.”+