Hosiya
9 “Rega kufara, haiwa iwe Israeri.+ Rega kufara sezvinoita mamwe marudzi.+ Nokuti wakasiya Mwari wako nokuita ufeve.+ Wakada mubhadharo wokufeva pamapuriro ose ezviyo.+ 2 Buriro nechisviniro chewaini hazvivapi zvokudya,+ uye waini inotapira inomuodza mwoyo.+ 3 Havazorambi vachigara munyika yaJehovha,+ Efremu achadzokera kuIjipiti+ uye vachadya zvinhu zvisina kuchena vari kuAsiriya.+ 4 Havazorambi vachidururira Jehovha waini.+ Zvibayiro zvavo hazvizomufadzi;+ kwavari zvakaita sezvokudya zvomunguva yokuchema;+ vose vanozvidya vachazvisvibisa. Nokuti zvokudya zvavo ndezvemweya yavo; hazvizopindi muimba yaJehovha.+ 5 Muchaiteiko pazuva rokusangana nepazuva rokuitira Jehovha mutambo?+ 6 Nokuti tarirai! vachaenda nokuda kwokupambwa kwenyika.+ Ijipiti ichavaunganidza;+ Memfisi+ ichavaviga. Zvinhu zvavo zvinokosha zvesirivha, zvichatorwa norukato;+ makwenzi ane minzwa achava mumatende avo.+
7 “Mazuva okufungwa nezvawo achasvika;+ mazuva okutsiva zvakakodzera achasvika.+ Vaya vaIsraeri vachazviziva.+ Muprofita achava benzi,+ munhu anotaura zvakafuridzirwa achapengeswa nokuwanda kwokukanganisa kwako,+ uyewo ruvengo ruchawanda.”
8 Murindi+ waEfremu aiva naMwari wangu.+ Kana ari muprofita,+ chiteyeso chomubati weshiri chiri panzira dzake dzose;+ muimba yaMwari wake mune ruvengo. 9 Vanyanyisa kuita zvakashata,+ somumazuva eGibhiya.+ Iye achayeuka kukanganisa kwavo;+ achafunga nezvezvivi zvavo.
10 “Ndakawana Israeri akaita semazambiringa ari murenje.+ Ndakaona madzitateguru enyu+ akaita seonde rokutangatanga riri pamuonde panguva yawo yokutanga kubereka. Ivo vakapinda maiva naBhaari wePeori,+ vakazvitsaurira kuchinhu chinonyadzisa,+ uye vakava vanonyangadza sechinhu chavaida.+ 11 Kana ari Efremu, kukudzwa kwake kunobhururuka kwoenda+ sezvinoita chisikwa chinobhururuka, zvokuti hapana anozobereka, hapana dumbu rinozova nomwana uye hapazovi nokubata pamuviri.+ 12 Nokuti kunyange zvazvo vachirera vanakomana vavo, ndichaita kuti vashayikirwe nevana zvokuti hakuzovi nomunhu;+ nokuti—vachava nenhamo pandinovasiya!+ 13 Efremu, wandakaona akaita seTire rakaiswa mumafuro,+ iye Efremu achabudisira muurayi vanakomana vake.”+
14 Haiwa Jehovha, vapei zvamunofanira kuvapa.+ Vapei zvibereko zvinoita kuti pamuviri pabve+ nemazamu anoputana.
15 “Zvakaipa zvavo zvose zvaiva muGirigari,+ nokuti ndaitofanira kuvavenga vari imomo.+ Ndichavadzinga mumba mangu nokuda kwokuipa kwezvavakaita.+ Handizorambi ndichivada.+ Machinda avo ose akasindimara.+ 16 Efremu anofanira kurohwa.+ Mudzi wavo uchaoma.+ Havazobereki zvibereko.+ Uyewo, kana vakabereka, ndichauraya zvinhu zvinodiwa zvedumbu ravo.”+
17 Mwari wangu+ achavaramba, nokuti havana kumuteerera,+ vachava vapoteri pakati pemamwe marudzi.+