Mateu
3 Mumazuva iwayo Johani Mubhabhatidzi+ akauya achiparidza murenje+ reJudhiya, 2 achiti: “Pfidzai,+ nokuti umambo hwokumatenga hwaswedera pedyo.”+ 3 Chokwadi, uyu ndiye akataurwa nezvake pachishandiswa muprofita Isaya+ nemashoko aya zvichinzi: “Teererai! Mumwe munhu ari kushevedzera ari murenje, achiti, ‘Gadzirai+ nzira yaJehovha! Ruramisai migwagwa yake.’” 4 Asi Johani uyu aipfeka chipfeko chemvere+ dzengamera uye aisunga bhandi reganda+ muchiuno chake; zvokudya zvakewo zvakanga zviri mhashu+ nouchi hwomusango.+ 5 Vanhu vomuJerusarema neJudhiya yose nenyika yose yakapoteredza Jodhani vakabva vabuda, vakaenda kwaaiva, 6 uye vanhu vakabhabhatidzwa naye muRwizi rwaJodhani,+ vachireurura pachena zvivi zvavo.
7 Paakaona vaFarisi nevaSadhusi+ vazhinji vachiuya kwaaibhabhatidzira, iye akati kwavari: “Imi vana venyoka,+ ndiani akakunyeurirai kuti mutize hasha dzinouya?+ 8 Naizvozvo berekai zvibereko zvakakodzera rupfidzo;+ 9 uye regai kuti, ‘Abrahamu ndiye baba vedu.’+ Nokuti ndinoti kwamuri Mwari anokwanisa kumutsira Abrahamu vana+ pamatombo aya. 10 Demo+ ratova pamidzi yemiti; saka, muti wose usingabereki zvibereko zvakanaka unofanira kutemerwa pasi+ wokandwa mumoto.+ 11 Ini ndinokubhabhatidzai nemvura+ nokuda kwokupfidza+ kwenyu; asi uyo anouya+ pashure pangu akasimba kupfuura zvandakaita, ane hwashu dzandisina kukodzera kubvisa.+ Iyeye achakubhabhatidzai nomudzimu mutsvene+ uye nomoto.+ 12 Foshoro yake yokuurutsisa iri muruoko rwake, achanyatsochenesa buriro rake, uye achaunganidzira gorosi rake mudura,+ asi achapisa hundi+ nomoto usingagoni kudzimwa.”
13 Zvino Jesu akabva kuGarireya+ akaenda kuJodhani kuna Johani, kuti anobhabhatidzwa+ naye. 14 Asi Johani akaedza kumudzivisa, achiti: “Ndini ndinofanira kubhabhatidzwa nemi, nei mava kuuya kwandiri?” 15 Achipindura, Jesu akati kwaari: “Rega zvive zvakadaro, nguva ino, nokuti saizvozvo zvakakodzera kuti tiite zvose zvakarurama.”+ Ipapo haana kuzomurambidza. 16 Achangobva kubhabhatidzwa, Jesu akabuda mumvura; uye tarira! matenga akavhurika,+ Johani akaona mudzimu waMwari uchiburuka wakaita senjiva+ uchiuya paari.+ 17 Tarira! Kwaivawo neinzwi+ rakabva kumatenga rakati: “Uyu ndiye Mwanakomana wangu,+ anodiwa,+ wandafarira.”+