Mateu
4 Zvino Jesu akatungamirirwa nomudzimu kuti apinde murenje+ kunoedzwa+ naDhiyabhorosi. 2 Pashure pokunge atsanya mazuva ane makumi mana nousiku hune makumi mana,+ akatanga kunzwa nzara. 3 Uyewo, Muedzi+ akauya akati kwaari: “Kana uri mwanakomana waMwari,+ udza matombo aya kuti ave zvingwa.” 4 Asi achipindura, iye akati: “Zvakanyorwa kuti, ‘Munhu haangararami nechingwa chete, asi nemashoko ose anobuda mumuromo maJehovha.’”+
5 Dhiyabhorosi akabva aenda naye muguta dzvene,+ akamumisa pamusoro porusvingo rwetemberi, 6 akati kwaari: “Kana uri mwanakomana waMwari, zviwisire pasi;+ nokuti zvakanyorwa kuti, ‘Iye acharayira ngirozi dzake pamusoro pako, uye dzichakutakura pamaoko adzo, kuti tsoka yako irege kumbogumburwa nedombo.’”+ 7 Jesu akati kwaari: “Zvakare zvakanyorwa kuti, ‘Usaedza Jehovha Mwari wako.’”+
8 Zvakare Dhiyabhorosi akaenda naye kugomo refu refu, akamuratidza umambo hwose hwenyika+ nokubwinya kwahwo, 9 akati kwaari: “Ndichakupa zvinhu zvose izvi+ kana ukawira pasi wongondinamata kamwe chete.”+ 10 Jesu akabva ati kwaari: “Ibva, Satani! Nokuti zvakanyorwa kuti, ‘Jehovha Mwari wako ndiye waunofanira kunamata,+ uye ndiye oga+ waunofanira kuitira basa dzvene.’”+ 11 Dhiyabhorosi akabva amusiya,+ uye tarira! ngirozi dzakauya, dzikatanga kumushumira.+
12 Zvino paakanzwa kuti Johani akanga asungwa,+ akabva, akaenda kuGarireya.+ 13 Uyezve, abva kuNazareta, akasvika akagara muKapenaume+ pedyo negungwa mumaruwa aZebhuruni neaNaftari,+ 14 kuti zvizadzike zviya zvakataurwa pachishandiswa muprofita Isaya, achiti: 15 “Haiwa iwe nyika yaZebhuruni nenyika yaNaftari, iri nechomumugwagwa wegungwa, mhiri kwaJodhani, Garireya+ yemamwe marudzi! 16 vanhu vagere murima+ vakaona chiedza chikuru,+ uye vaya vagere munzvimbo yomumvuri worufu, chiedza+ chakavabudira.”+ 17 Kubvira panguva iyoyo Jesu akatanga kuparidza, achiti: “Pfidzai,+ nokuti umambo+ hwokumatenga hwaswedera pedyo.”
18 Achifamba murutivi megungwa reGarireya, akaona mukoma nomunun’una, Simoni+ anonzi Petro+ naAndreya munun’una wake, vachidzikisa mambure okubatisa hove mugungwa, nokuti vaiva vabati vehove. 19 Iye akati kwavari: “Nditeverei, uye ndichakuitai vabati vevanhu.”+ 20 Vakabva vangosiya mambure acho,+ vakamutevera. 21 Achibvawo ipapo akaona vamwe vaviri+ vakanga vari mukoma nomunun’una, Jakobho mwanakomana waZebhedhi+ naJohani munun’una wake, vari muchikepe vaina Zebhedhi baba vavo, vachigadzira mambure avo, uye akavashevedza. 22 Vakabva vangosiya chikepe chacho nababa vavo, vakamutevera.
23 Zvino akapota+ neGarireya yose,+ achidzidzisa mumasinagogi+ avo nokuparidza mashoko akanaka oumambo uye achirapa hosha dzemarudzi ose+ noundonda hwemarudzi ose pakati pevanhu. 24 Mashoko ane chokuita naye akapararira muSiriya+ yose; uye vakamuunzira vose vakanga vachinetseka,+ vachitambudzwa nehosha dzakasiyana-siyana nemarwadzo, vaiva nemadhimoni nevaiva netsviyo+ nevakanga vakaoma rutivi rwomuviri, iye akavarapa. 25 Naizvozvo mapoka makuru evanhu akamutevera achibva kuGarireya+ neDhekaporisi neJerusarema+ neJudhiya uye achibva mhiri kwaJodhani.