Mako
8 Mumazuva iwayo, pakwakanga kuine boka guru revanhu zvakare uye pavakanga vasina chinhu chokudya, akashevedza vadzidzi akati kwavari:+ 2 “Ndinosiririswa+ neboka iri revanhu, nokuti atova mazuva matatu avaramba vari pedyo neni uye havana chokudya; 3 kana ndikavaendesa kumisha yavo vasina kudya, vachaziya mumugwagwa. Chokwadi, vamwe vavo vanobva kure.” 4 Asi vadzidzi vake vakamupindura kuti: “Munhu angakwanisa kugutisa vanhu ava nezvingwa zvinobva kupi munzvimbo ino isina vanhu?”+ 5 Zvisinei iye akavabvunza kuti: “Mune zvingwa zvingani?” Ivo vakati: “Zvinomwe.”+ 6 Zvino akarayira boka revanhu kuti ritsenhame pasi, akatora zvingwa zvinomwe, akaonga,+ akazvimedura, akatanga kuzvipa vadzidzi vake kuti vazvipe vanhu, ivo vakazvipa boka racho revanhu.+ 7 Vaivawo nehove duku shoma; uye, adzikomborera, akavaudzawo kuti vadzipe vanhu.+ 8 Naizvozvo vakadya, vakaguta, uye vakaunganidza zvimedu zvakasara, zvikaita matengu manomwe akazara.+ 9 Asi pakanga paine varume vanenge zviuru zvina. Pakupedzisira akavaendesa.+
10 Akabva angokwira muchikepe nevadzidzi vake, vakapinda mumativi eDharimanuta.+ 11 Zvino vaFarisi vakauya, vakatanga kuita nharo naye, vachitsvaka kwaari chiratidzo chinobva kudenga, kuti vamuedze.+ 12 Naizvozvo akagomera+ neshungu, akati: “Chizvarwa ichi chinotsvakirei chiratidzo? Chokwadi ndinoti, Hapana chiratidzo chichapiwa chizvarwa ichi.”+ 13 Naizvozvo akavasiya, akakwirazve muchikepe, akaenda mhiri.
14 Sezvineiwo, vakakanganwa kuenda nezvingwa, uye vakanga vasina chinhu muchikepe kunze kwechingwa chimwe chete.+ 15 Zvino akatanga kuvarayira zvakajeka achiti: “Rambai makasvinura, chenjererai mbiriso yevaFarisi nembiriso yaHerodhi.”+ 16 Naizvozvo vakatanga kuitirana nharo pamusoro pokuti vakanga vasina zvingwa.+ 17 Achiona izvi, akati kwavari: “Nei muchiitirana nharo pamusoro pokusava kwenyu nezvingwa?+ Hamusati mava kunzwisisa nokuwana zvazvinoreva here? Mwoyo yenyu yakagomara pakunzwisisa here?+ 18 ‘Kunyange muine maziso, hamuoni here; uye kunyange muine nzeve, hamunzwi here?’+ Uye hamuyeuki here, 19 pandakamedurira varume zviuru zvishanu zvingwa zvishanu,+ tswanda ngani dzakazara nezvimedu zvamakanhonga?” Ivo vakati kwaari: “Gumi nembiri.”+ 20 “Pandakamedurira varume zviuru zvina zvingwa zvinomwe, makaunganidza matengu mangani akazara nezvimedu?” Ivo vakati kwaari: “Manomwe.”+ 21 Naizvozvo akati kwavari: “Hamusati mava kunzwisisa here?”+
22 Zvino vakasvika kuBhetisaidha. Uye vanhu vakauya kwaari nebofu, vakamuteterera kuti aribate.+ 23 Iye akabata bofu racho ruoko, akabuda naro kunze kwomusha, uye apfira mate+ pamaziso aro, akaisa maoko ake pariri, akatanga kuribvunza kuti: “Pane chauri kuona here?” 24 Murume wacho akatarira-tarira, akatanga kuti: “Ndiri kuona vanhu, nokuti ndiri kuona zvinhu zvakaita semiti, asi iri kufamba-famba.” 25 Akabva aisazve maoko ake pamaziso omurume wacho, murume wacho akanyatsoona, uye akaporeswa, uye akanga ava kunyatsoona zvinhu zvose. 26 Naizvozvo akamuendesa kumba, achiti: “Asi rega kupinda mumusha.”+
27 Zvino Jesu nevadzidzi vake vakaenda kumisha yeKesariya Firipi, uye vari munzira akatanga kubvunza vadzidzi vake, achiti kwavari: “Vanhu vari kuti ndini ani?”+ 28 Ivo vakati kwaari: “Johani Mubhabhatidzi,+ uye vamwe, Eriya,+ vamwewo, Mumwe wevaprofita.”+ 29 Zvino akavabvunza kuti: “Ko imi munoti ndini ani?” Achipindura, Petro akati kwaari: “Ndimi Kristu.”+ 30 Akabva avarayira zvakasimba kuti varege kuudza chero munhu upi zvake nezvake.+ 31 Uyewo, akatanga kuvadzidzisa kuti Mwanakomana womunhu anofanira kutambura zvinhu zvizhinji, orambwa nevarume vakuru nevapristi vakuru nevanyori ourayiwa,+ ozomuka kwapera mazuva matatu.+ 32 Chokwadi, akanga achitaura mashoko iwayo asingavanzi. Asi Petro akaenda naye parutivi, akatanga kumutsiura.+ 33 Iye akatendeuka, akatarira vadzidzi vake, akatsiura Petro, akati: “Enda shure kwangu, Satani, nokuti haufungi zvinofungwa naMwari, asi zviya zvinofungwa nevanhu.”+
34 Zvino akashevedza boka revanhu nevadzidzi vake, akati kwavari: “Kana munhu achida kunditevera, ngaazvirambe, atore danda rake rokutambudzikira, arambe achinditevera.+ 35 Nokuti munhu wose anoda kuponesa mweya wake acharasikirwa nawo; asi munhu wose anorasikirwa nomweya wake nokuda kwangu nemashoko akanaka achauponesa.+ 36 Chokwadi, zvinobatsirei kuti munhu awane nyika yose orasikirwa nomweya wake?+ 37 Chokwadi, munhu angatsinhananisa mweya wake nechii?+ 38 Nokuti munhu wose anonyara ini nemashoko angu muchizvarwa ichi choupombwe chinotadza, Mwanakomana womunhu achamunyarawo+ paanosvika ari mukubwinya kwaBaba vake aine ngirozi tsvene.”+