VaRoma
15 Kunyange zvakadaro, isu takasimba tinofanira kutakura kushayiwa simba kwevaya vasina kusimba,+ tisingazvifadzi.+ 2 Mumwe nomumwe wedu ngaafadze muvakidzani wake muzvinhu zvakanaka kuti iye avakwe.+ 3 Nokuti kunyange Kristu haana kuzvifadza;+ asi sokunyorwa kwazvakaitwa, kuti: “Kuzvidza kwevaya vakanga vachikuzvidzai kwakawira pandiri.”+ 4 Nokuti zvinhu zvose zvakanyorwa kare zvakanyorerwa+ kuti tirayiridzwe,+ kuti nokutsungirira+ kwedu uye nokunyaradza+ kunobva muMagwaro, tive netariro.+ 5 Zvino Mwari anopa kutsungirira nenyaradzo ngaabvumire kuti pakati penyu muve nemafungiro akafanana+ neaiva naKristu Jesu, 6 kuti mukudze Mwari uye Baba vaShe wedu Jesu Kristu nomwoyo mumwe nomuromo mumwe.+
7 Naizvozvo gamuchiranai,+ sokugamuchirwawo kwatakaitwa naKristu,+ kuti Mwari akudzwe. 8 Nokuti ndinotaura kuti Kristu chokwadi akava mushumiri+ wevaya vakadzingiswa+ nokuda kwouchokwadi hwaMwari,+ kuti asimbise zvipikirwa+ zvakaitwa naMwari kumadzitateguru avo, 9 uye kuti mamwe marudzi+ akudze Mwari nokuda kwengoni dzake.+ Sokunyorwa kwazvakaitwa, kuti: “Ndokusaka ndichakubvumai pachena ndiri pakati pemamwe marudzi uye ndichaimbira zita renyu.”+ 10 Uyezve anoti: “Farai, imi marudzi, nevanhu vake.”+ 11 Uyezve: “Rumbidzai Jehovha, imi marudzi ose, uye vanhu vose ngavamurumbidze.”+ 12 Uyezve Isaya anoti: “Pachava nomudzi waJese,+ uye kuchava nomumwe anomuka kuti atonge marudzi;+ marudzi achaisa tariro yawo paari.”+ 13 Mwari anopa tariro ngaakuzadzei nomufaro wose norugare rwose nokuda kwokutenda kwenyu, kuti tariro yenyu iwedzere nesimba romudzimu mutsvene.+
14 Zvino ini ndinotenda pamusoro penyu, hama dzangu, kuti imi muzerewo norunako, sezvamakazadzwa nezivo yose,+ uye kuti munogonawo kurayirana.+ 15 Zvisinei, ndiri kukunyorerai ndisingambovanzi pane zvimwe zvinhu, sokunge kuti ndiri kukuyeuchidzai+ zvakare, nokuda kwomutsa usina kukodzera kuwanwa wandakaitirwa naMwari+ 16 kuti ndive mushandi wevanhu vose waKristu Jesu kune mamwe marudzi,+ ndichiita basa dzvene remashoko akanaka+ aMwari, kuti chinopiwa,+ iwo mamwe marudzi aya, chive chinogamuchirika,+ chichitsveneswa nomudzimu mutsvene.+
17 Naizvozvo ndine chikonzero chokupembera nomufaro muna Kristu Jesu+ pamusoro pebasa rine chokuita naMwari.+ 18 Nokuti handitsungi kutaura chinhu chimwe chete kana chisiri chezvinhu zviya zvakaitwa naKristu achindishandisa+ kuti mamwe marudzi ateerere,+ pachishandiswa shoko+ rangu uye basa, 19 pachishandiswa simba rezviratidzo nezvishamiso,+ uye simba romudzimu mutsvene; zvokuti kubvira muJerusarema kutenderera+ kusvikira kure sokuIririkumu ndakaparidza kwazvo mashoko akanaka pamusoro paKristu.+ 20 Saizvozvo, chokwadi, ndakavavarira kurega kuzivisa mashoko akanaka uko Kristu akanga atotaurwa nezvake, kuti ndirege kuvakira panheyo yomumwe munhu;+ 21 asi, sokunyorwa kwazvakaitwa, kuti: “Vaya vasina kuziviswa nezvake vachaona, uye vaya vasina kunzwa vachanzwisisa.”+
22 Naizvozvo ndakadziviswawo kazhinji kusvika kwamuri.+ 23 Asi zvino zvandisisinazve nharaunda isina kumbobatwa munzvimbo dzino, uye kwemakore ndave ndichisuwa kusvika kwamuri+ 24 chero panguva ipi zvayo pandinenge ndava kuenda kuSpeini,+ chandinonyanya kutarisira ndechokuti pandinenge ndava kuenda ikoko, ndikuonei uye mundiperekedze+ zvishoma ikoko pashure pokunge ndamboti gutsikanei nokuva nemi. 25 Asi zvino ndava kuda kuenda kuJerusarema kunoshumira vatsvene.+ 26 Nokuti vaya vari kuMakedhoniya neAkaya+ vakafara kugovera zvinhu zvavo nokupa+ varombo vevatsvene vari muJerusarema. 27 Chokwadi, vakafara kuita izvozvo, asi vakanga vaine chikwereti kwavari; nokuti kana mamwe marudzi akagoverana muzvinhu zvavo zvomudzimu,+ ivowo vane chikwereti chokushumira pachena kune ava nezvinhu zvomuviri wenyama.+ 28 Nokudaro kana ndapedza izvi uye ndasvitsa chibereko+ ichi kwavari chakachengeteka, ndichapfuura nokwamuri ndichienda kuSpeini.+ 29 Zvakare, ndinoziva kuti pandinouya kwamuri ndichauya nechikomborero chizere chinobva kuna Kristu.+
30 Zvino ndinokurayirai, hama, nokunaShe wedu Jesu Kristu uye norudo rwomudzimu,+ kuti muzvishandise nesimba pamwe chete neni pakunyengetera kuna Mwari nokuda kwangu,+ 31 kuti ndinunurwe+ pavanhu vasingatendi vari muJudhiya uye kuti ushumiri hwangu hwokuJerusarema+ hugamuchirike kuvatsvene,+ 32 kuti nokuda kwaMwari, pandinosvika kwamuri nomufaro ndichazorodzwa+ pamwe chete nemi. 33 Mwari anopa rugare ngaave nemi mose.+ Ameni.