1 Timoti
5 Usatsoropodza kwazvo murume akura.+ Asi, murayire sababa, varume vaduku sevanun’una, 2 vakadzi vakura+ savanaamai, vakadzi vaduku sehanzvadzi+ nokuchena kwose.
3 Kudza chirikadzi dziri chirikadzi chaidzo.+ 4 Asi kana chirikadzi iine vana kana vazukuru, ivava ngavatange kudzidza kuva netsika yokuzvipira kuna Mwari mumba mavo+ uye kuramba vachiripa muripo wakakodzera kuvabereki vavo+ navanasekuru, nokuti izvi zvinogamuchirika pamberi paMwari.+ 5 Zvino mukadzi ari chirikadzi chaiyo uye akasiyiwa asina chinhu,+ ndiye akaisa tariro yake muna Mwari,+ uye anoramba achiteterera, achinyengetera usiku nemasikati.+ 6 Asi uya anoda hake kufadza nyama+ akafa+ kunyange zvazvo ari mupenyu. 7 Naizvozvo ramba uchipa mirayiro iyi,+ kuti vave vasina chavanopomerwa.+ 8 Chokwadi kana munhu asingagoveri vokwake,+ kunyanya nhengo dzeimba yake,+ iye aramba+ kutenda+ uye akaipa kwazvo kupfuura munhu asingatendi.
9 Chirikadzi ngainyorwe kuti ibatsirwe yava nemakore asiri pasi pemakumi matanhatu, iri mudzimai aiva nomurume mumwe chete,+ 10 inopupurirwa nokuda kwemabasa akanaka,+ kana yakarera vana,+ kana yaigamuchira vaeni zvakanaka,+ kana yaigeza tsoka dzevatsvene,+ kana yaibatsira vaya vaitambura,+ kana yaitevera mabasa ose akanaka.+
11 Asi, ramba chirikadzi duku, nokuti kana kuda kwadzo varume kwava pakati padzo naKristu,+ dzinobva dzada kuroorwa, 12 dzova nemhosva nokuti dzarega kutenda kwadzo kwokutanga.+ 13 Panguva iyoyo dzinodzidza kuva dzisina basa, dzichifamba-famba nedzimba; chokwadi, kwete chete kuva dzisina basa, asiwo dzinoita makuhwa uye dzinopindira munyaya dzevamwe vanhu,+ dzichitaura zvinhu zvadzisingafaniri kutaura. 14 Naizvozvo ndinoda kuti chirikadzi duku dziroorwe,+ dzibereke vana,+ dzitarisire imba, kuti dzirege kupa mushori chikonzero chokutuka.+ 15 Chokwadi, vamwe vakatotsauswa kuti vatevere Satani. 16 Kana mukadzi chero upi zvake anotenda aine hama dziri chirikadzi, ngaadzibatsire,+ uye ungano ngairege kuva nomutoro wacho. Ipapo inogona kubatsira vaya vari chirikadzi chaidzo.+
17 Varume vakuru vanotungamirira+ nenzira yakanaka ngavanzi vakakodzera kukudzwa zvakapetwa kaviri,+ kunyanya vaya vanoshanda zvakaoma pakutaura nepakudzidzisa.+ 18 Nokuti rugwaro runoti: “Usasunga muromo wenzombe kana ichipura zviyo”;+ uyewo: “Mushandi akakodzera kuwana mubayiro wake.”+ 19 Usabvuma kupomerwa kunoitirwa murume mukuru, kutoti paine uchapupu hwezvapupu zviviri kana zvitatu.+ 20 Tsiura+ vanhu vane tsika yokuita chivi+ pamberi pevanhu vose, kuti vamwe vose vatye.+ 21 Ndinokurayira kwazvo pamberi paMwari naKristu Jesu+ nengirozi dzakasarudzwa, kuti uchengete zvinhu izvi pasina kufanotonga, usingaiti chinhu norusaruro.+
22 Usachimbidza kuisa maoko+ ako pamunhu+ chero upi zvake; uyewo usagoverana muzvivi zvevamwe;+ zvichengete wakachena.+
23 Usaramba uchingonwa mvura chete, asi shandisa waini shomanana+ nokuda kwomudumbu mako nokurwara-rwara kwaunogara uchiita.
24 Zvivi zvevamwe vanhu zvinobuda pachena,+ zvichibva zvaita kuti vakurumidze kutongwa, asi vamwe vanhu zvivi zvavo zvinobuda pachena pava paya.+ 25 Saizvozvowo mabasa akanaka anobuda pachena+ uye aya asina kudaro haangarambi akavanzwa.+