RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Dheuteronomi 30:10
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 10 nokuti uchateerera inzwi raJehovha Mwari wako kuti uchengete mirayiro yake nemirau yake yakanyorwa mubhuku rino romutemo,+ nokuti uchadzoka kuna Jehovha Mwari wako nomwoyo wako wose nomweya wako wose.+

  • 1 Samueri 7:3
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 3 Samueri akati kuimba yose yaIsraeri: “Kana muchidzoka kuna Jehovha nemwoyo yenyu yose,+ bvisai vanamwari vokune dzimwe nyika pakati penyu+ uyewo mifananidzo yaAshtoreti,+ muise mwoyo yenyu kuna Jehovha musingatsauki, mushumire iye oga,+ uye achakununurai paruoko rwevaFiristiya.”+

  • Jeremiya 4:1
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 4 “Kana uchida kudzoka, haiwa iwe Israeri,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “ungadzoka hako kwandiri.+ Kana ukabvisa zvinhu zvako zvinonyangadza nokuda kwangu,+ hauzoendi somunhu anotiza.

  • Joeri 2:13
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 13 Bvarurai mwoyo yenyu,+ kwete nguo dzenyu;+ uye dzokai kuna Jehovha Mwari wenyu, nokuti iye ane nyasha nengoni,+ anononoka kutsamwa,+ azere nomutsa worudo,+ uye achazvidemba pamusoro pedambudziko racho.+

  • Maraki 3:7
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 7 Kubvira pamazuva emadzitateguru enyu makatsauka pamirau yangu uye hamuna kuichengeta.+ Dzokai kwandiri, uye ini ndichadzoka kwamuri,”+ Jehovha wemauto adaro.

      Asi imi makati: “Tichadzoka sei?”

Mabhuku eChiShona (1973-2027)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe