Dheuteronomi 30:3 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 3 Jehovha Mwari wako achadzosawo vanhu vako vanenge vatapwa,+ okunzwira ngoni,+ okuunganidzazve kubva mumarudzi ose aunenge waparadzirwa kwaari naJehovha Mwari wako.+ Pisarema 106:47 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 47 Tiponesei, haiwa Jehovha Mwari wedu,+Tiunganidzei kubva kumarudzi+Kuti tionge zita renyu dzvene,+Tikurumbidzei tichipembera nomufaro.+ Isaya 27:12 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 12 Zvino pazuva iroro Jehovha achazunza muchero,+ kubvira parukova runoyerera rwoRwizi+ kusvikira kumupata une rukova weIjipiti,+ uye muchanhongwa mumwe pashure pomumwe,+ haiwa imi vanakomana vaIsraeri. Mateu 24:31 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 31 Iye achatuma ngirozi dzake nokurira kukuru kwebhosvo,+ uye dzichaunganidza vakasarudzwa vake+ vachibva kumhepo ina,+ kubvira kumugumo mumwe wematenga kusvikira kune mumwe mugumo wao.
3 Jehovha Mwari wako achadzosawo vanhu vako vanenge vatapwa,+ okunzwira ngoni,+ okuunganidzazve kubva mumarudzi ose aunenge waparadzirwa kwaari naJehovha Mwari wako.+
47 Tiponesei, haiwa Jehovha Mwari wedu,+Tiunganidzei kubva kumarudzi+Kuti tionge zita renyu dzvene,+Tikurumbidzei tichipembera nomufaro.+
12 Zvino pazuva iroro Jehovha achazunza muchero,+ kubvira parukova runoyerera rwoRwizi+ kusvikira kumupata une rukova weIjipiti,+ uye muchanhongwa mumwe pashure pomumwe,+ haiwa imi vanakomana vaIsraeri.
31 Iye achatuma ngirozi dzake nokurira kukuru kwebhosvo,+ uye dzichaunganidza vakasarudzwa vake+ vachibva kumhepo ina,+ kubvira kumugumo mumwe wematenga kusvikira kune mumwe mugumo wao.