106 Rumbidzai Jah!+
Ongai Jehovha, nokuti akanaka;+
Nokuti mutsa wake worudo unogara nokusingagumi.+
2 Ndiani angataura mabasa esimba aJehovha,+
Kana kuti angaita kuti kurumbidzwa kwake kwose kunzwike?+
3 Vanofara vaya vanochengeta kururamisira,+
Vanoita zvakarurama nguva dzose.+
4 Ndiyeukei, haiwa Jehovha, muchifarira vanhu venyu.+
Nditarisirei noruponeso rwenyu,+
5 Kuti ndione zvakanaka zvinoitirwa vanhu venyu vamakasarudza,+
Kuti ndifare nokufara kworudzi rwenyu,+
Kuti ndizvirumbidze pamusoro penhaka yenyu.+
6 Takatadza sezvakangoita madzitateguru edu;+
Takaita zvisina kururama; takaita zvakaipa.+
7 Kana ari madzitateguru edu aiva muIjipiti,
Haana kunzwisisa mabasa enyu anoshamisa.+
Haana kuyeuka ukuru hwomutsa wenyu worudo,+
Asi akapandukira pagungwa, pedyo neGungwa Dzvuku.+
8 Iye akavaponesa nokuda kwezita rake,+
Kuti azivise simba rake.+
9 Naizvozvo akatuka Gungwa Dzvuku, iro rikaoma zvishoma nezvishoma;+
Akavafambisa nepamvura yakadzika sokunge kuti nomurenje;+
10 Naizvozvo akavaponesa paruoko rweaivavenga,+
Akavanunura paruoko rwomuvengi.+
11 Mvura yakafukidza mhandu dzavo;+
Hapana kana imwe chete yadzo yakasiyiwa.+
12 Vakabva vatenda shoko rake;+
Vakatanga kuimba vachimurumbidza.+
13 Vakakurumidza kukanganwa mabasa ake;+
Havana kumirira zano rake.+
14 Asi vakaratidza chido chavo choudyire murenje,+
Vakaedza Mwari vari murenje.+
15 Akavapa zvavakakumbira,+
Akatumira hosha inoonza mumweya yavo.+
16 Vakatanga kuitira Mosesi shanje vari mumusasa,+
Kunyange naAroni, mutsvene waJehovha.+
17 Nyika yakabva yavhurika, ikamedza Dhatani,+
Ikafukidza ungano yaAbhiramu.+
18 Moto wakapisa ungano yavo;+
Murazvo wakaparadza vakaipa.+
19 Vakagadzirawo mhuru muHorebhi,+
Vakakotamira mufananidzo wakaumbwa nesimbi yakanyungudutswa,+
20 Zvokuti vakachinjanisa kubwinya kwangu+
Nomufananidzo wenzombe, inodya zvinomera.+
21 Vakakanganwa Mwari Muponesi wavo,+
Muiti wezvinhu zvikuru muIjipiti,+
22 Muiti wemabasa anoshamisa munyika yaHamu,+
Muiti wezvinhu zvinotyisa paGungwa Dzvuku.+
23 Akanga ava kuda kuvatsakatisa,+
Dai asiri Mosesi munhu wake waakasarudza,
Uyo akamira pakanga paputsika pamberi pake,+
Kuti adzore hasha dzake arege kuvaparadza.+
24 Vakazvidza nyika yakanaka;+
Vakanga vasina kutenda shoko rake.+
25 Vakaramba vachinyunyuta vari mumatende avo;+
Havana kuteerera inzwi raJehovha.+
26 Naizvozvo akasimudza ruoko rwake achipika pamusoro pavo,+
Kuti aizoita kuti vafire murenje,+
27 Uye kuti aizoita kuti vana vavo vafire pakati pemamwe marudzi,+
Uye kuti aizovaparadzira pakati penyika dzacho.+
28 Vakazvibatanidza naBhaari wePeori+
Uye vakadya zvibayiro zvezvinhu zvakafa.+
29 Zvavaimugumbura nezvavaiita,+
Denda rakabva ratanga pakati pavo.+
30 Finiyasi paakasimuka akapindira,+
Denda racho rakabva raguma.
31 Zvino iye akanzi akarurama
Kwezvizvarwa nezvizvarwa nokusingagumi.+
32 Vakamutsamwisawo pamvura yeMeribha,+
Zvokuti zvakaipira Mosesi nokuda kwavo.+
33 Nokuti vakamushatirisa,
Iye akatanga kutaura nehasha nemiromo yake.+
34 Havana kutsakatisa marudzi acho,+
Sezvavakanga vaudzwa naJehovha.+
35 Vakavhengana nemarudzi acho,+
Vakadzidza mabasa awo.+
36 Vakaramba vachishumira zvidhori zvawo,+
Izvi zvikava musungo kwavari.+
37 Vaibayira vanakomana vavo+
Nevanasikana vavo kumadhimoni.+
38 Naizvozvo vakaramba vachiteura ropa risina mhosva,+
Iro ropa revanakomana vavo nevanasikana vavo,
Vavakabayira kuzvidhori zveKenani;+
Uye nyika yakasvibiswa nokuteura ropa.+
39 Vakava vasina kuchena nemabasa avo,+
Vakaramba vachiita unzenza nezvavaiita.+
40 Zvino Jehovha akatsamwira vanhu vake kwazvo,+
Akasema nhaka yake.+
41 Akaramba achivaisa mumaoko emamwe marudzi,+
Kuti vaya vaivavenga vavatonge,+
42 Kuti vavengi vavo vavadzvinyirire,
Uye kuti vakundwe, vave mumaoko avo.+
43 Aivanunura kazhinji,+
Asi ivo vaimupandukira munzira yavo yokusateerera,+
Uye vaininipiswa nokuda kwokukanganisa kwavo.+
44 Aiona kutambudzika kwavo+
Paainzwa kuchema kwavo kwokuteterera.+
45 Aiyeuka sungano yake pamusoro pavo,+
Uye aizvidemba maererano nokuwanda kwomutsa wake worudo mukuru.+
46 Aiita kuti vanzwirwe tsitsi
Navose vakanga vavatapa.+
47 Tiponesei, haiwa Jehovha Mwari wedu,+
Tiunganidzei kubva kumarudzi+
Kuti tionge zita renyu dzvene,+
Tikurumbidzei tichipembera nomufaro.+
48 Jehovha Mwari waIsraeri ngaarumbidzwe+
Narini kusvikira narini;
Vanhu vose ngavati Ameni.+
Rumbidzai Jah!+