Zvirevo 21:29 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 29 Munhu akaipa ane chiso chisinganyari,+ asi munhu akarurama ndiye achasimbisa nzira dzake kwazvo.+ Isaya 3:9 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 9 Zviso zvavo zvinovapupurira,+ uye vanozivisa nezvechivi chavo sechiya cheSodhoma.+ Havana kuchivanza. Mweya yavo ine nhamo! Nokuti vakazvipa dambudziko.+ Jeremiya 6:16 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 16 Zvanzi naJehovha: “Mirai munzira, muone, mubvunze nezvemigwagwa yekare, apo zvino pane nzira yakanaka;+ mufambe mairi,+ uye muwanire mweya yenyu zororo.”+ Asi ivo vakaramba vachiti: “Hatisi kuzofamba.”+ Jeremiya 44:5 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 5 Asi ivo havana kuteerera,+ uyewo havana kurereka nzeve dzavo kuti vatendeuke pane zvakaipa zvavo nokurega kukwidzira vamwe vanamwari utsi hwezvibayiro.+
9 Zviso zvavo zvinovapupurira,+ uye vanozivisa nezvechivi chavo sechiya cheSodhoma.+ Havana kuchivanza. Mweya yavo ine nhamo! Nokuti vakazvipa dambudziko.+
16 Zvanzi naJehovha: “Mirai munzira, muone, mubvunze nezvemigwagwa yekare, apo zvino pane nzira yakanaka;+ mufambe mairi,+ uye muwanire mweya yenyu zororo.”+ Asi ivo vakaramba vachiti: “Hatisi kuzofamba.”+
5 Asi ivo havana kuteerera,+ uyewo havana kurereka nzeve dzavo kuti vatendeuke pane zvakaipa zvavo nokurega kukwidzira vamwe vanamwari utsi hwezvibayiro.+