RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Zvirevo 15:33
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 33 Kutya Jehovha ndiko kurangwa kunounza uchenjeri,+ uye kuzvininipisa kunotangira kukudzwa.+

  • Mateu 18:4
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 4 Naizvozvo, munhu wose achazvininipisa+ somwana uyu muduku ndiye mukuru kuna vose muumambo hwokumatenga;+

  • Ruka 14:11
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 11 Nokuti munhu wose anozvikwidziridza achaninipiswa uye uya anozvininipisa achakwidziridzwa.”+

  • VaRoma 12:3
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 3 Nokuti nomutsa usina kukodzera kuwanwa wandakaitirwa ndinoudza munhu wose ari pakati penyu kuti arege kufunga nezvake kupfuura zvaanofanira kufunga;+ asi kuti afunge kuitira kuti ave nepfungwa dzakanaka,+ mumwe nomumwe sokugoverwa kwaakaitwa chiyero+ chokutenda+ naMwari.

  • VaEfeso 4:2
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 2 nepfungwa dzinozvininipisa+ zvakakwana nounyoro, nomwoyo murefu,+ muchishivirirana murudo,+

  • 1 Petro 5:5
    Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene
    • 5 Saizvozvowo, imi varume vaduku, zviisei pasi+ pevarume vakuru. Asi imi mose zvenyu zvisungei nepfungwa dzinozvininipisa kune mumwe nomumwe,+ nokuti Mwari anoshora vanozvikudza, asi anoratidza mutsa usina kukodzera kuwanwa kune vanozvininipisa.+

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe