VaRoma
12 Naizvozvo ndinokutetererai netsitsi dzaMwari, hama, kuti mupe miviri yenyu+ sechibayiro+ chipenyu,+ chitsvene,+ chinogamuchirika kuna Mwari,+ iro basa dzvene+ nesimba renyu rokufunga.+ 2 Regai kuzvienzanisa+ nemamiriro ezvinhu epanguva ino, asi shandurwai nokuchinja pfungwa dzenyu,+ kuti muedze, muzive+ zvinodiwa naMwari zvakanaka, zvinogamuchirika uye zvakakwana.+
3 Nokuti nomutsa usina kukodzera kuwanwa wandakaitirwa ndinoudza munhu wose ari pakati penyu kuti arege kufunga nezvake kupfuura zvaanofanira kufunga;+ asi kuti afunge kuitira kuti ave nepfungwa dzakanaka,+ mumwe nomumwe sokugoverwa kwaakaitwa chiyero+ chokutenda+ naMwari. 4 Nokuti zvatiine nhengo zhinji pamuviri mumwe chete,+ asi nhengo imwe neimwe haina basa rakafanana, 5 naizvozvo isu, kunyange tiri vazhinji, tiri muviri mumwe chete+ uri pamwe naKristu, asi somunhu oga tiri nhengo yomumwe nomumwe.+ 6 Saka, zvatiine zvipo zvakasiyana+ maererano nomutsa usina kukodzera kuwanwa+ watakaitirwa, kana huri uprofita, ngatiprofitei maererano nokutenda kwatakagoverwa; 7 kana huri ushumiri, ngativei paushumiri uhwu;+ kana ari uya anodzidzisa,+ ngaave pakudzidzisa+ kwake; 8 kana ari uya anorayira, ngaave pakurayira kwake;+ uya anopa, ngaazviite norupo;+ uya anotungamirira,+ ngaazviite nomwoyo wose chaiwo; uya anoratidza ngoni,+ ngaazviite nomufaro.
9 Rudo+ rwenyu ngarurege kuva nounyengeri.+ Semai zvakaipa,+ namatirai kune zvakanaka.+ 10 Pakudanana sehama,+ dananai kwazvo. Pakukudzana,+ tungamiriranai. 11 Musava nousimbe pabasa renyu.+ Pisai nomudzimu.+ Shandirai Jehovha.+ 12 Farai patariro.+ Tsungirirai pakutambudzika.+ Rambai muchinyengetera.+ 13 Goveranai nevatsvene maererano nezvavanoda.+ Teverai nzira yokugamuchira vaeni zvakanaka.+ 14 Rambai muchikomborera vaya vanokutambudzai;+ komborerai+ uye musatuka.+ 15 Farai nevanhu vanofara;+ chemai nevanhu vanochema. 16 Fungaiwo nezvevamwe semafungiro amunozviita;+ musafunga zvinhu zvakakwirira,+ asi tungamirirwai nezvinhu zvakaderera.+ Musazviti makangwara.+
17 Musadzorera chakaipa nechakaipa+ kuna ani naani zvake. Ipai zvinhu zvakanaka kwazvo maererano nemaonero evanhu vose. 18 Kana zvichibvira, nepamunogona napo, ivai norugare+ nevanhu vose. 19 Musatsiva,+ vadiwa, asi dziurirai hasha;+ nokuti zvakanyorwa kuti: “Kutsiva ndokwangu; ndichatsividza, anodaro Jehovha.”+ 20 Asi, “kana muvengi wako aine nzara, mupe zvokudya; kana aine nyota, mupe chimwe chinhu kuti anwe;+ nokuti nokuita izvi uchatutira marasha anopisa pamusoro wake.”+ 21 Usazvirega uchikundwa nezvakaipa, asi ramba uchikunda zvakaipa nezvakanaka.+