Isaya
27 Zuva iroro Jehovha achashandisa bakatwa rake guru rinorwadza uye rakasimba+
Pakutonga Revhiatani,* iyo nyoka inozvonyongoka,
Revhiatani nyoka inogonya-gonya,
Uye achauraya zimhuka riri mugungwa.
2 Imbirai mukadzi* uyu pazuva iroro, muchiti:
“Munda wemizambiringa wewaini inopupuma!+
3 Ini Jehovha ndiri kumuchengetedza.+
Ndinomudiridza nguva dzese.+
Ndinomuchengetedza siku nesikati,
Kuti parege kuva neanomukuvadza.+
Ndiani achauya pamberi pangu nemakwenzi eminzwa nemasora pakurwa?
Ndichazvitsika-tsika, ndozvipisa pamwe chete.
5 Kana asingadi kuti zvidaro ngaatizire munhare* yangu.
Ngaaite rugare neni;
Ngaave nerugare neni.”
6 Jakobho achadzika midzi pamazuva anouya,
Israeri achatumbuka uye achatungira,+
Uye vachazadza nyika nezvibereko.+
7 Anofanira kurohwa zvakasimba kudaro neari kumurova here?
Kana kuti anofanira kuurayiwa sezvakaitwa vekwake vakaurayiwa here?
8 Mucharwisana naye nekushevedzera kunovhundutsa pamunenge muchimudzinga.
Iye achamudzinga nemhepo yake ine simba inotyisa pazuva remhepo yekumabvazuva.+
9 Saka kukanganisa kwaJakobho kuchayananisirwa nenzira iyi,+
Uye ichi ndicho chibereko chizere chichavapo pachabviswa chivi chake:
Achaita kuti matombo ese eatari
Aite sematombo emunyaka akuyiwa,
Uye hapana mapango anoyera* kana zvigadziko zvekupisira rusenzi zvichasara.+
10 Nekuti guta rakakomberedzwa nemasvingo richasara risina munhu;
Mafuro achangoregwa osiyiwa akadaro serenje.+
Mhuru ichafura imomo yorara
Uye ichadya mapazi ake.+
Nekuti rudzi urwu harunzwisisi.+
Ndokusaka Muiti warwo asingazorunzwiri tsitsi,
Uye uya akaruumba asingazorunzwiri nyasha.+
12 Zuva iroro Jehovha achazunza muchero, kubva paRwizi* runoyerera kusvika kuRwizi* rweIjipiti,+ uye muchaunganidzwa mumwe pashure pemumwe, haiwa imi vanhu veIsraeri.+ 13 Zuva iroro hwamanda huru icharidzwa,+ uye vaya vari kuparara munyika yeAsiriya+ nevaya vakaita rumwe rumwe munyika yeIjipiti+ vachauya vokotamira Jehovha mugomo dzvene riri muJerusarema.+