Munyengetero waMosesi, munhu waMwari wechokwadi.+
90 Haiwa Jehovha, imi makava nzvimbo yedu yokugara chaiyo+
Kwezvizvarwa nezvizvarwa.+
2 Makomo asati aberekwa,+
Kana kuti musati mabereka pasi nenyika+ inobereka zvibereko+ sokunge nemarwadzo okusununguka,
Muri Mwari kubvira narini kusvikira narini.+
3 Munoita kuti munhuwo zvake adzokere kuguruva,+
Uye munoti: “Dzokerai, imi vanakomana vevanhu.”+
4 Nokuti kwamuri makore ane chiuru akaita sezuva razuro parinenge rapfuura,+
Uye senguva yokurinda yousiku.+
5 Makavakukura;+ ivo vanova sehopewo zvadzo;+
Mangwanani vakaita souswa hwakasvibirira hunochinja.+
6 Mangwanani hunotumbuka uye hunochinja;+
Manheru hunosvava hwooma.+
7 Nokuti tapera nokutsamwa kwenyu,+
Tanetseka nehasha dzenyu.+
8 Makaisa kukanganisa kwedu pamberi penyu chaipo,+
Zvinhu zvedu zvakavanzika makazviisa pamberi pechiso chenyu chinopenya.+
9 Nokuti mazuva edu ose apera nokuda kwokushatirwa kwenyu;+
Makore edu apera sezevezeve.+
10 Mazuva emakore edu makore makumi manomwe;+
Asi kana tiine simba kwazvo, makore makumi masere,+
Asi anoramba achiunza kunetseka nezvinhu zvinokuvadza;+
Nokuti achakurumidza kupfuura, tobhururuka, toenda.+
11 Ndiani anoziva simba rehasha dzenyu+
Nokushatirwa kwenyu kukuru maererano nokutyiwa kwamunofanira kuitwa?+
12 Tiratidzei nzira yokunyatsoverenga nayo mazuva edu+
Kuti tive nomwoyo wakachenjera.+
13 Dzokai, haiwa Jehovha!+ Zvichasvika riniko?+
Zvidembei pamusoro pevashumiri venyu.+
14 Tigutsei mangwanani nomutsa wenyu worudo,+
Kuti tishevedzere nomufaro uye tifare mazuva edu ose.+
15 Itai kuti tifare zvinoenzanirana nemazuva amakatitambudza,+
Iwo makore atakaona dambudziko.+
16 Basa renyu ngarioneke kuvashumiri venyu+
Uye kubwinya kwenyu pavanakomana vavo.+
17 Kunaka kwaJehovha Mwari wedu ngakuve patiri,+
Uye simbisai basa remaoko edu patiri.+
Chokwadi, simbisai basa remaoko edu.+