17 Zviri nani kutemura chingwa paine runyararo,+
Pane kuva neimba iri kuitwa mabiko vanhu vachipopotedzana.+
2 Mushandi ane njere achatonga mwanakomana anoita zvinonyadzisa;
Achagoverwa nhaka semumwe wevanakomana vacho.
3 Sirivha inonatsirwa muhari yekunatsira uye goridhe rinonatsirwa muchoto chekunatsira,+
Asi Jehovha ndiye muongorori wemwoyo.+
4 Munhu akaipa anoteerera mashoko akashata,
Uye munhu anonyengera anoteerera rurimi runotaura makuhwa.+
5 Munhu wese anotuka murombo anenge achishora Muiti wake,+
Uye munhu wese anofarira njodzi yemumwe haazoregi kurangwa.+
6 Vazukurukomana ikorona yevakwegura,
Uye madzibaba ndivo kukudzwa kwevanakomana vavo.
7 Kana kutaura kwakarurama kusina kukodzera benzi,+
Ko kuzoti nhema dzichitaurwa nemutongi!+
8 Chipo chakaita sedombo rinokosha kumuridzi wacho;+
Kwese kwaanoenda, chinoita kuti abudirire.+
9 Munhu wese anoregerera kutadzirwa kwaaitwa anenge achitsvaga rudo,+
Asi uya anoramba achingodzokorora nyaya anoparadzanisa shamwari dzepedyo.+
10 Kutsiura kunobatsira chaizvo kumunhu anonzwisisa+
Kupfuura kurova benzi kane zana.+
11 Munhu akaipa anongotsvaga kupanduka,
Asi achatumirwa mutumwa ane utsinye kuti amurange.+
12 Zviri nani kusangana nebheya rafirwa nevana varo
Pane kusangana nebenzi neupenzi hwaro.+
13 Kana munhu akatsiva zvakanaka nezvakaipa,
Zvakaipa hazvizobvi mumba make.+
14 Kutanga nharo kwakaita sekuvhurira mapopoma;
Ibva kupopotedzana kusati kwatanga.+
15 Munhu anoti akaipa haana mhosva uye anoti munhu akarurama ane mhosva,+
Vese vanosemesa Jehovha.
16 Zvinobatsirei kuti benzi rive nezvinhu zvinogona kuribatsira kuva neuchenjeri,
Asi iro risina mwoyo unogamuchira uchenjeri hwacho?+
17 Shamwari yechokwadi ine rudo nguva dzese+
Uye ihama yakaberekerwa kubatsira panguva yekutambudzika.+
18 Munhu asina njere anobatana maoko nemumwe achibvuma
Kuti mumwe atore chikwereti muzita rake pamberi pemuvakidzani wake.+
19 Munhu anoda zvegakava anoda kudarika.+
Munhu anoita kuti pasuo rake pave pakakwirira anotsvaga kuwa.+
20 Munhu ane mwoyo usina kururama haazobudiriri,+
Uye munhu anotaura zveunyengeri achaparara.
21 Murume anova nemwana benzi achashungurudzika;
Uye baba vemwana benzi havana mufaro.+
22 Mwoyo unofara mushonga wakanaka,+
Asi kusuruvara kunopedza simba remunhu.+
23 Munhu akaipa achabvuma chiokomuhomwe pachivande
Kuti atsaudzire pakutonga.+
24 Uchenjeri huri pamberi chaipo pemunhu anonzwisisa,
Asi maziso ebenzi anodzungaira nenyika.+
25 Mwanakomana benzi anoshungurudza baba vake
Uye anotemesa musoro munhu akamubereka.+
26 Kuranga munhu akarurama hakuna kunaka,
Uye kurova vanhu vanokudzwa kunopesana nezvakarurama.
27 Munhu ane ruzivo anodzora mashoko ake,+
Uye munhu ane ungwaru acharamba akadzikama.+
28 Kunyange benzi rinoramba rakanyarara richanzi rakachenjera,
Uye munhu anosona muromo wake, achanzi anonzwisisa.