Mapisarema
2 Simukai, haiwa imi Mutongi wenyika.+
Itirai vanozvikudza zvakakodzerana navo.+
4 Vanongorutsa mashoko ekuzvikudza;
Vese vanoita zvakaipa vanotaura vachizvirumbidza.
6 Vanouraya chirikadzi nemutorwa,
Uye vanoponda nherera.
9 Iye akasika* nzeve, angatadza kunzwa here?
Iye akaumba ziso, angatadza kuona here?+
10 Iye anoruramisa marudzi, angatadza kutsiura here?+
Ndiye anopa vanhu ruzivo!+
12 Anofara munhu wamunoruramisa, haiwa Jah,+
Wamunodzidzisa mutemo wenyu,+
13 Kuti mumupe runyararo mumazuva ekutambudzika,
Kusvikira vakaipa vachererwa gomba.+
15 Nekuti mutongo uchava wakarurama zvakare,
Uye vese vane mwoyo yakarurama vachautevera.
16 Ndiani achasimuka achindirwira pane vakaipa?
Ndiani achamira achindirwira pane vanoita zvakaipa?
18 Pandakati: “Tsoka yangu yava kutsvedza,”
Rudo rwenyu rusingachinji rwakaramba ruchinditsigira, haiwa Jehovha.+
20 Chigaro cheumambo chine uori chingadyidzana* nemi here,
Icho chichironga kuti pave nedambudziko chichishandisa mutemo?+
23 Achaita kuti mabasa avo akaipa adzoke pavari.+
Achavaparadza* achishandisa zvakaipa zvavo.