Mashoko Akanaka Akanyorwa naJohani
20 Pazuva rekutanga revhiki Mariya Magadharini akasvika kuguva* mangwanani-ngwanani,+ kuchakasviba, ndokuona dombo ratobviswa paguva.+ 2 Saka akaenda achimhanya kuna Simoni Petro nemumwe mudzidzi aidiwa kwazvo naJesu,+ akati kwavari: “Vabvisa Ishe muguva,+ uye hatizivi kwavamuisa.”
3 Petro nemudzidzi wacho vakabva vananga kuguva kwacho. 4 Vakatanga kumhanya vari vaviri, asi mudzidzi uya akasiya Petro, akatanga kusvika paguva. 5 Akadongorera, akaona machira ari pasi,+ asi haana kupinda. 6 Simoni Petro, uyo akanga achimutevera, akazosvikawo akapinda muguva. Akaona machira ari pasi. 7 Jira rakanga riri mumusoro make rakanga risiri pane mamwe machira asi rakanga rakapetwa riri paro rega. 8 Mudzidzi uya wekutanga kusvika paguva akabva apindawo, uye akaona, akatenda. 9 Nekuti vakanga vasati vava kunzwisisa rugwaro runoti anofanira kumuka kuvakafa.+ 10 Saka vadzidzi vakadzokera kumisha yavo.
11 Asi Mariya akaramba akamira kunze pedyo neguva, achingochema. Achichema kudaro, akadongorera muguva, 12 ndokuona ngirozi mbiri+ dzakapfeka zvichena dzakagara paimbova nechitunha chaJesu, imwe kumusoro, imwe kumakumbo. 13 Dzakati kwaari: “Muri kuchemei nhai amai?” Iye akati kwadziri: “Vabvisa Ishe wangu, uye handizivi kwavamuisa.” 14 Pashure pekutaura izvi, akatendeuka, akaona Jesu akamira ipapo, asi haana kuziva kuti aiva Jesu.+ 15 Jesu akati kwaari: “Muri kuchemei nhai amai? Muri kutsvaga ani?” Iye akafunga kuti akanga ari mushandi wemumunda wacho, saka akati kwaari: “Ishe, kana muri imi mamubvisa, ndiudzei kwamamuisa ndinomutora.” 16 Jesu akati kwaari: “Mariya!” Paakatendeuka, akati kwaari, muchiHebheru: “Rabhoni!” (zvinoreva kuti “Mudzidzisi!”) 17 Jesu akati kwaari: “Usaramba wakandibata, nekuti handisati ndakwira kuna Baba. Asi enda kuhama dzangu+ unoti kwadziri, ‘Ndiri kukwira kuna Baba vangu+ naBaba venyu uye kuna Mwari wangu+ naMwari wenyu.’” 18 Mariya Magadharini akaenda akanoudza vadzidzi kuti: “Ndaona Ishe!” Uye akavaudza zvaakanga audzwa.+
19 Paakanga ava manheru pazuva iroro rekutanga revhiki, masuo emaiva nevadzidzi akanga akakiyiwa vachitya vaJudha, uye Jesu akauya, akamira pakati pavo, akati kwavari: “Rugare ngaruve nemi.”+ 20 Pashure pekutaura izvi, akavaratidza maoko ake nerutivi rwake.+ Vadzidzi vakabva vafara kuti vakanga vaona Ishe.+ 21 Jesu akati kwavari zvakare: “Rugare ngaruve nemi.+ Ndiri kukutumai+ sekutumwa kwandakaitwawo naBaba.”+ 22 Pashure pekutaura mashoko aya, akafuridzira kwavari, akati: “Gamuchirai mweya mutsvene.+ 23 Kana mukaregerera zvivi zvemunhu, zvinenge zvaregererwa; kana mukasazviregerera, hazviregererwi.”
24 Asi Tomasi,+ mumwe wevane Gumi Nevaviri, ainzi Mumwe Wemapatya, akanga asipo pakauya Jesu. 25 Saka vamwe vadzidzi vaimuudza kuti: “Taona Ishe!” Asi akati kwavari: “Kana ndikasaona mavanga ezvipikiri mumaoko ake, ndopinza munwe wangu paiva nezvipikiri, nekupinza ruoko rwangu parutivi rwake,+ handizvibvumi zvachose.”
26 Kuzoti papfuura mazuva 8, vadzidzi vake vakanga vari mumba zvakare, uye Tomasi aiva navo. Jesu akauya, akamira pakati pavo, kunyange zvazvo masuo akanga akakiyiwa, akati: “Rugare ngaruve nemi.”+ 27 Akabva ati kuna Tomasi: “Isa munwe wako apa, uone maoko angu, uye pinza ruoko rwako parutivi rwangu, urege kuva munhu asina chokwadi, asi utende.” 28 Tomasi akamupindura kuti: “Ishe wangu naMwari wangu!” 29 Jesu akati kwaari: “Watenda here nekuti wandiona? Vanofara vasina kuona asi vachitenda.”
30 Jesu akaitawo zvimwe zviratidzo zvizhinji pamberi pevadzidzi, zvisina kunyorwa mubhuku rino.+ 31 Asi izvi zvakanyorwa kuti mutende kuti Jesu ndiye Kristu, Mwanakomana waMwari, uye nekuda kwekutenda, muve neupenyu muzita rake.+