Mapisarema
Kumutungamiriri. Pisarema raDhavhidhi. Rwiyo.
2 Sekudzingwa kunoitwa utsi nemhepo, vadzingei;
Sekunyunguduka kunoita namo mumoto,
Vakaipa ngavaparare pamberi paMwari.+
4 Imbirai Mwari; imbai muchirumbidza zita rake.+
Imbirai iye anopfuura nemumapani erenje.*
Jah* ndiro zita rake!+ Pemberai pamberi pake!
6 Mwari anopa vaya vakasurukirwa musha wekugara;+
Anotungamirira vasungwa achibuda navo kuti vabudirire.+
Asi vaya vakaoma musoro* vanofanira kugara munyika yakaita gwenga.+
Denga rakadurura mvura nemhaka yaMwari;
Sinai iri rakadengenyeka nemhaka yaMwari, iye Mwari waIsraeri.+
9 Makaita kuti mvura inaye yakawanda, haiwa Mwari;
Makasimbisazve vanhu venyu vakanga varukutika.
12 Madzimambo emauto anotiza,+ anotiza!
Uya anosara kumba anowanawo mugove wezvakapambwa.+
13 Kunyange zvazvo imi makanga makarara makabatidza moto mumusasa,*
Pachava nemapapiro enjiva akafukidzwa nesirivha,
Ane minhenga yegoridhe rakanatswa.
Chokwadi Jehovha achagara mariri nekusingaperi.+
17 Ngoro dzaMwari dzehondo dzinosvika makumi ezviuru, zviuru nezviuru.+
Jehovha abva kuSinai achipinda munzvimbo tsvene.+
Makaenda nenhapwa;
Makatora varume vakazova zvipo,+
Makatora kunyange vakaoma musoro,+ kuti vagare pakati pavo, haiwa Jah Mwari.
19 Jehovha ngaarumbidzwe, anotitakurira mutoro wedu zuva nezuva,+
Mwari wechokwadi weruponeso rwedu. (Sera)
20 Kwatiri Mwari wechokwadi ndiMwari wekuponesa;+
Uye Jehovha, Changamire Ishe anowanisa nzira dzekupona nadzo murufu.+
21 Chokwadi Mwari achapwanya misoro yevavengi vake,
Nhongonya ine bvudzi yemusoro wemunhu anoramba* achiita chivi.+
22 Jehovha ati: “Ndichavadzosa kubva kuBhashani;+
Ndichavadzosa kubva pasi pegungwa,
23 Kuti tsoka dzenyu dzinyure muropa+
Uye kuti rurimi rwembwa dzenyu ruwane mugove warwo pavavengi.”
24 Vanoona midungwe yevanhu venyu, haiwa Mwari,
Midungwe yevanhu vaMwari wangu, iye Mambo wangu, ichipinda munzvimbo tsvene.+
25 Vaimbi vanofamba vari pamberi, vaya vanoridza zviridzwa zvine tambo vari shure kwavo;+
Pakati pavo pane vasikana vari kuridza matambureni.+
27 Ikoko Bhenjamini,+ gotwe racho, ari kuvakunda,
Uye machinda eJudha nechaunga chavo chine ruzha vari kukundawo,
Nemachinda aZebhuroni, nemachinda aNaftari.
28 Mwari wako arayira kuti uchapiwa simba.
Ratidzai simba renyu, haiwa Mwari, sezvamakambotiitira.+
30 Tukai zvikara zvemutsanga,
Mombe+ dzakaungana nemhuru dzacho,
Kusvikira marudzi akotama achiunza* sirivha.
Asi anoparadzira marudzi anofarira hondo.
33 Imbirai uya akatasva denga rematenga ekare.+
Onai! Iye anotinhira nenzwi rake, inzwi rake rine simba.
Ukuru hwake huri pamusoro paIsraeri,
Uye simba rake riri mudenga.*
35 Mwari anoshamisa ari munzvimbo yake tsvene.+
Ndiye Mwari waIsraeri,
Anopa simba uye anosimbisa vanhu.+
Mwari ngaarumbidzwe.