Mapisarema
Kumutungamiriri. Rwiyo rwaDhavhidhi. Rumbo.
2 Vadzingei sokudzingwa kunoitwa utsi;+
Sokunyungudutswa kunoitwa namo nomoto,+
Vakaipa ngavaparare pamberi paMwari.+
4 Imbirai Mwari, imbirai zita rake+ rwiyo;
Imbirai rwiyo Iye anotasva nomumapani erenje+
SaJah, iro zita rake;+ uye farai pamberi pake;
5 Baba venherera nomutongi wechirikadzi+
Ndiye Mwari ari munzvimbo yake tsvene yaanogara.+
6 Mwari ari kuita kuti vaya vari voga vagare muimba;+
Ari kubudisa vasungwa kuti vabudirire zvizere.+
Asi vaya vakasindimara, vachagara munyika yakatsva.+
7 Haiwa Mwari, pamakatungamirira vanhu venyu,+
Pamakafamba nomurenje+—Sera—
Denga rakadonhawo mvura nokuda kwaMwari;+
9 Haiwa Mwari, makaita kuti mvura zhinji itange kunaya;+
Nhaka yenyu, kunyange payakanga yapera simba—makaisimbisazve.+
10 Mumusasa wenyu wematende+—ivo vakagara mauri;+
Nokunaka kwenyu makaugadzirira vanotambudzika, haiwa Mwari.+
12 Kunyange madzimambo emauto anotiza, iwo anotiza.+
Asi uya anogara kumba, anowanawo mugove wezvakapambwa.+
13 Kunyange zvazvo makaramba makarara pakati pematurunhuru omusasa,
Pachava nemapapiro enjiva akafukidzwa nesirivha
Minhenga yayo yakafukidzwa nendarama yegirini yakada kuita yero.+
14 Wemasimbaose paakaparadzira madzimambo aiva mairi achiaendesa kure,+
Chando chakatanga kunaya muZarimoni.+
15 Nzvimbo ine makomo yeBhashani+ igomo raMwari;+
Nzvimbo ine makomo yeBhashani igomo rine misoro mizhinji.+
16 Imi makomo ane misoro mizhinji, munorambirei makatarira muchiitira shanje
Gomo iro Mwari akada kuti agare mariri?+
Chokwadi Jehovha achagara mariri nokusingaperi.+
17 Ngoro dzehondo dzaMwari dzinosvika makumi ezviuru, zviuru nezviuru.+
Jehovha akabva kuSinai achienda munzvimbo tsvene.+
Makaenda nenhapwa;+
Makatora zvipo zviri varume,+
Chokwadi, kunyange vakasindimara,+ kuti vagare pakati pavo,+ haiwa Jah Mwari.
19 Jehovha ngaarumbidzwe, anotitakurira mutoro+ zuva nezuva,
Iye Mwari wechokwadi woruponeso rwedu.+ Sera.
20 Kwatiri Mwari wechokwadi ndiMwari wemabasa okuponesa;+
Jehovha, Changamire+ Ishe ndiye ane nzira dzokubuda nadzo murufu.+
21 Chokwadi Mwari achagura-gura misoro yevavengi vake,+
Nhongonya ine bvudzi yomusoro, yomunhu anofamba-famba aine mhosva.+
22 Jehovha akati: “Ndichavadzosa kubva kuBhashani,+
Ndichavadzosa kubva munzvimbo dzakadzika dzegungwa,+
23 Kuti mugeze tsoka yenyu muropa,+
Kuti rurimi rwembwa dzenyu ruve nomugove warwo pavavengi.”+
24 Vakaona midungwe yevanhu venyu, haiwa Mwari,+
Midungwe yevanhu vaMwari wangu, iye Mambo wangu, ichipinda munzvimbo tsvene.+
25 Vaimbi vakaenda pamberi, varidzi vezviridzwa zvine tambo vari shure kwavo;+
Vasikana vaiva pakati pavo vachiridza makandira.+
27 Bhenjamini muduku ari kuvakunda,+
Machinda aJudha neboka rawo revanhu vanoshevedzera,
Nemachinda aZebhuruni, nemachinda aNaftari.+
30 Tukai chikara chomutsanga,+ nzombe dzakaungana,+
Pamwe chete nemhuru dzemarudzi, imwe neimwe ichitsika-tsika sirivha.+
Iye akaparadzira marudzi anofarira kurwa.+
31 Zvinhu zvakagadzirwa nemhangura yakasanganiswa nedzimwe simbi zvichabva kuIjipiti;+
Kushi ichakurumidza kutambanudza maoko ayo kuna Mwari iine zvipo.+