Jobho
27 Jobho akaenderera mberi nekutaura kwake* achiti:
2 “NaMwari mupenyu, asina kunditonga zvakarurama,+
NeWemasimbaose mupenyu, ari kuita kuti ndishungurudzike,*+
3 Chero bedzi ndichiri kufema
Uye mweya* unobva kuna Mwari uchiri mumhino dzangu,+
4 Miromo yangu haizotauri zvisina kururama;
Uye rurimi rwangu haruzotauri zvinonyengera!
5 Hazviiti kuti nditi varume imi makarurama!
Kusvikira ndafa, handizosiyi kuperera kwangu* kuna Mwari!+
6 Ndicharamba ndichiita zvakarurama uye handizoregi kuzviita;+
Mwoyo wangu hauzondipi mhosva chero ndichiri mupenyu.
7 Muvengi wangu ngaave sevakaipa,
Vaya vari kundinyomba ngavave sevanhu vasina kururama.
10 Kana kuti achafarira Wemasimbaose here?
Achashevedzera kuna Mwari nguva dzese here?
12 Zvino kana imi mese makaona zviratidzo,
Muri kutaurireiko mashoko asingabatsiri?
13 Uyu ndiwo mugove wemunhu akaipa unobva kuna Mwari,+
Nhaka yevadzvinyiriri inobva kune Wemasimbaose.
14 Kana vanakomana vake vakawanda, vanopera nebakatwa,+
Uye vazukuru vake vachashaya zvekudya zvinovakwanira.
15 Vamwe vake vanenge vasara vachavigwa nedenda,
Uye chirikadzi dzavo hadzizovachemi.
16 Kunyange akaunganidza sirivha seguruva
Uye akaunganidza zvipfeko zvakanaka seari kuunganidza ivhu,
17 Kunyange akazviunganidza,
Munhu akarurama ndiye achazvipfeka,+
Uye munhu asina mhosva ndiye achagova sirivha yake.
19 Achaenda kunorara akapfuma, asi hapana chaachaunganidza;
Paanosvinura, hapana chinenge chiripo.