Numeri
14 Ungano yese yakabva yaita zhowezhowe, uye vanhu vakaramba vachiridza mhere, uye vachichema usiku ihwohwo hwese.+ 2 VaIsraeri vese vakatanga kugunun’unira Mozisi naAroni,+ uye ungano yese yakatanga kutaura zvakaipa kwavari, ichiti: “Dai takafira hedu munyika yeIjipiti, kana kuti dai takafira hedu murenje rino! 3 Jehovha ari kutiendeserei kunyika iyi kuti tiurayiwe nebakatwa?+ Madzimai edu nevana vedu vachapambwa.+ Hazvisi nani here kuti tidzokere hedu kuIjipiti?”+ 4 Vaitotaurirana vachiti: “Ngatigadzei mutungamiriri, tidzokere kuIjipiti!”+
5 Mozisi naAroni vakabva vapfugama, vakaisa misoro yavo pasi ungano yese yevaIsraeri yaivapo ichiona. 6 Joshua+ mwanakomana waNuni naKarebhi+ mwanakomana waJefune, avo vaiva pakati pevaya vakanosora* nyika, vakabvarura nguo dzavo, 7 uye vakati kuungano yese yevaIsraeri: “Nyika yatakafamba nemairi tichiisora inyika yakanaka kwazvo.+ 8 Kana Jehovha akatifarira, achatiendesa kunyika iyi, otipa nyika inoyerera uchi nemukaka.+ 9 Asi musapandukira Jehovha uye musatya vanhu vemunyika yacho,+ nekuti tichavaparadza.* Havasisina chinovadzivirira, uye Jehovha anesu.+ Musavatya.”
10 Asi ungano yese yakataura nezvekuti vatemwe nematombo.+ Kubwinya kwaJehovha kwakabva kwaonekwa nevaIsraeri vese kuri pamusoro petende rekusanganira.+
11 Jehovha akabva ati kuna Mozisi: “Vanhu ava vari kuda kusvika riini vasingandiremekedzi,+ uye vari kuda kusvika riini vasingatendi mandiri pasinei nezviratidzo zvese zvandakaita pakati pavo?+ 12 Rega ndivarove nedenda, ndivadzinge, uye rega ndikuite rudzi rukuru, rune simba kuvapfuura.”+
13 Asi Mozisi akati kuna Jehovha: “Makabudisa vanhu venyu muIjipiti muchishandisa simba renyu. Saka kana mukaita izvi, vaIjipiti vachazvinzwa,+ 14 uye vachataura nezvazvo kuvagari vemunyika ino. Naivowo vakanzwa kuti imi, Jehovha, muri pakati pevanhu ava,+ uye makazviratidza kwavari chiso nechiso.+ Ndimi Jehovha, uye gore renyu rakamira pamusoro pavo, uye munovatungamirira neshongwe yegore masikati uye neshongwe yemoto usiku.+ 15 Kana mukauraya vanhu ava vese panguva imwe chete,* marudzi akanzwa nezvemukurumbira wenyu achati: 16 ‘Jehovha akatadza kusvitsa vanhu ava munyika yaakavapikira kuti aizovapa, saka akavaurayira murenje.’+ 17 Saka ndapota, Jehovha, simba renyu ngarive guru sezvamakavimbisa pamakati: 18 ‘Jehovha, anononoka kutsamwa uye azere nerudo rusingachinji,+ anoregerera kukanganisa nekutadza, asi haazombosiyi munhu ane mhosva asina kurangwa, anoranga vanakomana nemhaka yekukanganisa kwemadzibaba avo kusvikira kuchizvarwa chechitatu nechizvarwa chechina.’+ 19 Ndapota, regererai kutadza kwevanhu ava maererano neukuru hwerudo rwenyu rusingachinji, sezvamanga muchiregerera vanhu ava kubvira muIjipiti kusvikira zvino.”+
20 Jehovha akabva ati: “Ndavaregerera sezvawataura.+ 21 Asi kunyange zvakadaro, ndinopika neupenyu hwangu, nyika yese ichazadzwa nekubwinya kwaJehovha.+ 22 Zvisinei, hapana kana murume mumwe chete pavarume vakaona kubwinya kwangu nezviratidzo+ zvangu zvandakaita muIjipiti nemurenje asi vakaramba vachindiedza+ kagumi aka uye vakasateerera inzwi rangu+ 23 vachafa vakaona nyika yandakapikira madzibaba avo. Hapana kana mumwe wavo asingandiremekedzi achaiona.+ 24 Asi nekuti muranda wangu Karebhi+ akaratidza kuti akasiyana nevamwe, uye akaramba achinditevera nemwoyo wese, zvechokwadi ndichamuendesa kunyika kwaakaenda, uye vana vake vachaitora.+ 25 Sezvo vaAmareki nevaKenani+ vari kugara mubani, mangwana munofanira kutendeuka, monanga kurenje nenzira yekuGungwa Dzvuku.”+
26 Jehovha akabva ati kuna Mozisi naAroni: 27 “Ungano iyi yakaipa icharamba ichindigunun’unira kusvika riini?+ Ndanzwa kugunun’una kuri kuita vaIsraeri nezvangu.+ 28 Vaudze kuti, ‘“Ndinopika neupenyu hwangu,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha, “ndichakuitirai zvandanzwa muchitaura!+ 29 Zvitunha zvenyu zvichawira murenje rino,+ mese vakaverengwa kubvira pane vane makore 20 zvichikwira, imi mese mandigunun’unira.+ 30 Hapana kana mumwe wenyu achapinda munyika yandakapika* kuti muchagara,+ kunze kwaKarebhi, mwanakomana waJefune naJoshua mwanakomana waNuni.+
31 “‘“Uye ndichapinza vana venyu, vamati vachapambwa,+ uye ndivo vachaziva nyika yamakaramba.+ 32 Asi zvitunha zvenyu zvichawira murenje rino. 33 Vanakomana venyu vachava vafudzi murenje kwemakore 40,+ uye vachazvidavirira pamabasa enyu ekusatendeka,* kusvikira chitunha chenyu chekupedzisira chawa murenje.+ 34 Zvichienderana nemazuva amakasora nyika yacho, mazuva 40,+ zuva richiva gore, zuva richiva gore, muchazvidavirira kutadza kwenyu kwemakore 40,+ kuti muzive zvinoitika kana mukandipikisa.*
35 “‘“Ini, Jehovha, ndataura. Izvi ndizvo zvandichaitira ungano yese iyi yakaipa, vaya vakaungana vachipikisana neni: Vachaperera murenje rino, uye vachafira muno.+ 36 Varume vaya vakatumwa naMozisi kunosora nyika yacho uye vakaita kuti ungano yese imugunun’unire pavakadzoka vachiiudza mashoko anopedza simba nezvenyika yacho,+ 37 ivo varume vakauya nemashoko anopedza simba nezvenyika yacho vacharohwa naJehovha vofa pamberi pake.+ 38 Asi Joshua mwanakomana waNuni naKarebhi mwanakomana waJefune, avo vaiva pakati pevaya vakaenda kunosora nyika, vacharamba vari vapenyu.”’”+
39 Mozisi paakataura mashoko aya kuvaIsraeri vese, vanhu vakatanga kuchema kwazvo. 40 Uyezve, vakafumomuka, vakaedza kukwira pamusoro pegomo, vachiti: “Iye zvino tagadzirira kukwira kunzvimbo yakataurwa naJehovha, nekuti takatadza.”+ 41 Asi Mozisi akati: “Muri kuitirei zvamusina kuudzwa naJehovha? Hazvisi kuzobudirira izvi. 42 Musaenda, nekuti Jehovha haasi pakati penyu; muchakundwa nevavengi venyu.+ 43 Nekuti vaAmareki nevaKenani vakakugarirai ikoko kuti vakurwisei,+ uye muchaurayiwa nebakatwa. Jehovha haasi kuzova nemi nekuti makasiya kutevera Jehovha.”+
44 Zvisinei, vakazvikudza vakakwidza negomo,+ asi areka yesungano yaJehovha haina kubva mumusasa pamwe chete naMozisi.+ 45 VaAmareki nevaKenani vaigara mugomo iroro vakadzika, vakavarwisa, vakavadzingirira kusvikira kuHoma.+