Dheuteronomi
33 Aya ndiwo mashoko akataurwa naMozisi munhu waMwari wechokwadi achikomborera vaIsraeri asati afa.+ 2 Akati:
“Jehovha akauya achibva kuSinai,+
Uye akavapenyera achibva kuSeiri.
Akapenya achibwinya kumakomo ekuParani,+
Uye akanga aine makumi ezviuru evatsvene,+
Kurudyi rwake kuine varwi vake.+
5 Uye akava* mambo muJeshuruni,*+
Vakuru vevanhu pavakaungana pamwe chete,+
Pamwe nemadzinza ese aIsraeri.+
7 Uye akakomborera Judha nemashoko aya:+
“Haiwa Jehovha, inzwai inzwi raJudha,+
Uye mudzosei kuvanhu vake.
Maoko ake akarwira zvinhu zvake,
Uye mubatsirei kurwisa mhandu dzake.”+
Makatanga kurwisana naye pedyo nemvura yeMeribha,+
9 Murume akati kuna baba vake naamai vake, ‘Handina basa navo.’
Kunyange hama dzake haana kudzibvuma,+
Uye haana kuva kurutivi rwevanakomana vake.
Nekuti akachengeta shoko renyu,
Uye akachengeta sungano yenyu.+
11 Haiwa Jehovha, komborerai simba rake,
Uye farirai basa remaoko ake.
Tyorai makumbo evaya* vanomupandukira,
Kuti vaya vanomuvenga varege kusimukazve.”
“Anodiwa naJehovha ngaagare akachengetwa naye;
Paanenge akamudzivirira zuva rese,
Achagara pakati pemapfudzi ake.”
“Nyika yake ngaikomborerwe naJehovha+
Nezvinhu zvakanaka chaizvo zvekudenga,
Nedova uye nemvura yemuzvitubu zvakadzika,+
14 Nezvinhu zvakanakisisa zvinobudiswa nezuva
Negoho rakanakisisa remwedzi nemwedzi,+
15 Nezvinhu zvakanakisisa zvinobva mumakomo ekare kare*+
Uye zvinhu zvakanakisisa zvemuzvikomo zvekare,
16 Nezvinhu zvakanakisisa zvenyika nezvizere mairi,+
Uye nekubvumira kwaIye anogara mugwenzi reminzwa.+
Ngazviuye pamusoro waJosefa,
Panhongonya yemunhu akatsaurwa kubva pahama dzake.+
17 Runako rwake rwakaita serwenzombe inotanga kuberekwa,
Uye nyanga dzake inyanga dzenzombe yemusango.
Achatunga marudzi nadzo
Ese pamwe chete kusvikira kumigumo yenyika.
Ndivo makumi ezviuru aEfremu,+
Uye ndivo zviuru zvaManase.”
“Fara, haiwa iwe Zebhuroni, paunobuda,
Newe Isakari, fara mumatende ako.+
19 Vachashevedza marudzi kuti auye kumakomo.
Ikoko vachabayira zvibayiro zvekururama.
Nekuti vachatora* pfuma papfuma yakawanda yemakungwa
Nepfuma yakavanzwa mujecha.”
“Akakomborerwa munhu anowedzera miganhu yaGadhi.+
Anorara ipapo seshumba,
Yakagadzirira kubvambura ruoko, kunyange nhongonya.
21 Achazvisarudzira mugove wekutanga,+
Nekuti ikoko ndiko kwakachengetwa mugove wemunhu anopa mitemo.+
Vakuru vevanhu vachaungana.
Achatonga zvakarurama achimiririra Jehovha,
Uye achapa mitongo yake kuna Israeri.”
“Dhani mwana weshumba.+
Achakwakuka achibva muBhashani.”+
“Naftari anogutswa nekufarirwa
Uye akazara nechikomborero chaJehovha.
Tora kumavirira nekumaodzanyemba.”
“Asheri akakomborerwa nevanakomana.
Ngaafarirwe nehama dzake,
Uye ngaanyudze* tsoka dzake mumafuta.
26 Hakuna mumwe akaita saMwari wechokwadi+ waJeshuruni,+
Anofamba nemudenga achiuya kuzokubatsira
Uye anotasva makore muukuru hwake.+
28 Israeri achagara akachengeteka,
Uye chisipiti chaJakobho chichagara chiri kwacho chega
Munyika yezviyo newaini itsva,+
Ine denga richadonha dova.+