Dheuteronomi
33 Zvino ichi ndicho chikomborero+ icho Mosesi munhu waMwari wechokwadi+ akakomborera nacho vanakomana vaIsraeri asati afa. 2 Akati:
“Jehovha—akauya achibva kuSinai,+
Akavapenyera achibva kuSeiri.+
Akapenya achibva kunzvimbo ine makomo yeParani,+
Uye akanga aine makumi ezviuru evatsvene,+
Kurudyi rwake kuine varwi vavo.+
Vatsvene vavo vose vari muruoko rwenyu.+
Ivo—vakatsenhama patsoka dzenyu;+
Vakatanga kugamuchira mamwe mashoko enyu.+
7 Ichi ndicho chaiva chikomborero chaJudha,+ zvaakati:
“Haiwa Jehovha, inzwai inzwi raJudha,+
Muuye naye kune vanhu vake.
Maoko ake akarwira zvinhu zvake;
Uye ivai mubatsiri wake pamhandu dzake.”+
“Tumimu yako neUrimu+ yako ndezvomunhu akavimbika kwauri,+
Wawakaedza paMasa.+
Wakatanga kurwisana naye pedyo nemvura yeMeribha,+
9 Murume akati kuna baba vake naamai vake, ‘Handina kumuona.’
Haana kubvuma kunyange hama dzake,+
Uye haana kuziva vanakomana vake.
Nokuti vakachengeta shoko renyu,+
Uye vakaramba vachichengeta sungano yenyu.+
10 Ngavarayiridze Jakobho pane zvamakatonga+
Uye varayiridze Israeri mutemo wenyu.+
Ngavapisire rusenzi pamberi pemhino dzenyu+
Nechinopiwa chakakwana paatari yenyu.+
11 Haiwa Jehovha, komborerai simba rake,+
Farirai basa remaoko ake.+
Vaya vanomumukira vakuvadzei kwazvo muhudyu mavo,+
Nevaya vanomuvenga kwazvo, kuti varege kusimuka.”+
“Anodiwa+ naJehovha ngaagare akachengetwa naye,+
Paanenge akamudzivirira zuva rose,+
Uye ngaagare pakati pemapfudzi ake.”+
“Nyika yake ngairambe ichikomborerwa naJehovha+
Nezvinhu zvakanaka kwazvo zvokudenga, nedova,+
Nemvura yakadzika iri pasi,+
14 Nezvinhu zvakanaka kwazvo, zvibereko zvezuva,+
Nezvinhu zvakanaka kwazvo, zvibereko zvomwedzi mumwe nomumwe,+
15 Nezvinhu zvakanaka kwazvo zvinobva pamakomo okumabvazuva,+
Nezvinhu zvakanaka kwazvo zvezvikomo zvinogara nokusingagumi,
16 Nezvinhu zvakanaka kwazvo zvenyika nezvizere mairi,+
Nokubvumira kwaIye anogara mugwenzi reminzwa.+
17 Runako rwake rwakaita sorwenzombe inotanga kuberekwa,+
Nyanga dzake inyanga dzenzombe yomusango.+
Achatunga marudzi nadzo+
Ose pamwe chete kusvikira kumigumo yenyika,
Uye ivo ndivo makumi ezviuru aEfremu,+
Ndivo zviuru zvaManase.”
19 Marudzi achashevedzera kumakomo.
Ikoko achabayira zvibayiro zvokururama.+
Nokuti achayamwa pfuma zhinji yemakungwa+
Nemigove yakavanzwa yejecha.”
“Akakomborerwa munhu anokudza miganhu yaGadhi.+
Achagara sezvinoita shumba,+
Achabvambura ruoko, kunyange nhongonya yomusoro.+
21 Achasarudza mugove wokutanga kuti uve wake,+
Nokuti ikoko ndiko kwakachengetwa mugove womupi wemirau.+
Vakuru vevanhu vachaungana.
Achaita zvakarurama zvaJehovha
Nezvaakatonga zvine chokuita naIsraeri.”
“Naftari anogutswa nokufarirwa
Uye akazara nechikomborero chaJehovha.
Tora kumavirira nokumaodzanyemba kuve kwako.”+
“Asheri akakomborerwa nevanakomana.+
Ngaave mumwe anofarirwa nehama dzake,+
Anonyudza tsoka yake mumafuta.+
25 Simbi nemhangura ndizvo zvokukiyisa magedhi ako,+
Kufamba kwako zvishoma nezvishoma kwakaenzana nemazuva ako.
26 Hakuna mumwe akaita saMwari wechokwadi+ waJeshuruni,+
Anotasva denga achikubatsira+
Uye anotasva matenga ane makore muukuru hwake.+
27 Mwari wenguva yekare inzvimbo yokuvanda,+
Nechepasi pane maoko asingagumi.+
Achadzinga muvengi pamberi pako,+
Uye achati, ‘Vatsakatise!’+