Zvirevo
3 Dombo rinorema uye jecha rinoremawo,
Asi kunetseka kunokonzerwa nebenzi kunorema kupfuura zvese zviri zviviri.+
5 Kutsiurwa pachena kuri nani pane rudo runovanzwa.+
7 Munhu akaguta anoramba* uchi hwemumazinga,
Asi kumunhu ane* nzara, kunyange zvinhu zvinovava zvinenge zvichitapira.
8 Munhu anotiza achibva pamba pake
Akafanana neshiri inotiza dendere rayo.
9 Mafuta nerusenzi zvinofadza mwoyo;
Ndizvo zvinoitawo ushamwari hwakanaka hunobva pakupiwa zano nemwoyo wese.+
10 Usarasa shamwari yako kana shamwari yababa vako,
Uye usapinda mumba mehama yako pazuva raunenge uine dambudziko;
Muvakidzani ari pedyo ari nani pane hama iri kure.+
12 Munhu akangwara anoona njodzi ohwanda,+
Asi asina ruzivo anoramba achienda ozosangana nedambudziko.*
13 Tora chipfeko chemunhu kana akaita kuti munhu waasingazivi atore chikwereti muzita rake;
Mutorere chekusara wakabata kana akazviitira mukadzi wekune imwe nyika.*+
14 Kana munhu akafumira kukomborera mumwe wake nenzwi riri pamusoro,
Achanzi amutuka.
15 Mukadzi anogara achipopota* akafanana nedenga remba rinodonha kana kuchinaya.+
16 Munhu anokwanisa kumudzora anokwanisa kudzora mhepo
Uye kupfumbata mafuta muruoko rwake rwerudyi.
19 Sekuoneka kunoita chiso mumvura,
Mwoyo wemunhu unoratidzawo zvakaita mwoyo wemumwe munhu.
21 Sezvo sirivha ichinatsirwa muhari yekunatsira uye goridhe richinatsirwa muchoto chekunatsira,+
Munhu anoedzwa nekurumbidzwa kwaanoitwa.
23 Unofanira kunyatsoziva kuti zvipfuwo zvako zvakamira sei.
Nyatsobata zvakanaka makwai* ako,+
24 Nekuti upfumi haugari nekusingaperi,+
Uye korona yamambo haigari kwezvizvarwa zvese.
25 Uswa hwakasvibirira hunopera, humwe uswa hwotanga kumera,
Uye zvinomera mumakomo zvinounganidzwa.
26 Makondohwe madiki anokuwanisa zvipfeko,
Uye nhongo ndidzo dzinoshandiswa pakutenga munda.
27 Uye uchava nemukaka wembudzi unokukwanira,
Unokwanira imba yako uye unokwana varandasikana vako.