Isaya
8 Jehovha akati kwandiri: “Tora hwendefa guru+ unyore pariri nechinyoreso chinoshandiswa nevakawanda* kuti, ‘Maheri-sharari-hashi-bhazi.’* 2 Rega ndiite kuti ripupurirwe* nezvapupu zvakatendeka, mupristi Uriya+ naZekariya mwanakomana waJebherekiya.”
3 Ndakabva ndarara* nemuprofitakadzi,* uye akava nepamuviri, uye nekufamba kwenguva akasununguka mwanakomana.+ Jehovha akabva ati kwandiri: “Mutumidze kuti Maheri-sharari-hashi-bhazi, 4 nekuti mukomana wacho asati ava kugona kushevedzera kuti, ‘Baba vangu!’ uye ‘Amai vangu!’ pfuma yeDhamasiko nezvichapambwa kuSamariya zvichatakurwa pamberi pamambo weAsiriya.”+
5 Jehovha akataurazve neni achiti:
6 “Vanhu ava varamba mvura yeShiroa* inoyerera zvinyoronyoro+
Uye vari kupembera nemufaro nekuda kwaRezini uye nekuda kwemwanakomana waRemariya,+
7 Saka Jehovha achaunza pavari
Mvura zhinji ine simba yeRwizi,*
Iye mambo weAsiriya+ nembiri yake yese.
Achafashamira opfuura, achisvika mumutsipa;+
Mapapiro ake ayo akatambanudzwa achazadza upamhi hwenyika yako,
9 Kuvadzai, haiwa imi marudzi, asi muchaputswa-putswa.
Teererai, imi mese munobva kunzvimbo dziri kure dzenyika!
Gadzirirai kurwa, asi muchaputswa-putswa!+
Gadzirirai kurwa, asi muchaputswa-putswa!
10 Rongai zano, asi richavhiringidzwa!
11 Jehovha ataura neni ruoko rwake rune simba ruri pandiri, kuti andiyambire kuti ndirege kufamba nenzira yevanhu ava, achiti:
12 “Kunonzi nevanhu ava kupanduka, imi musakuti kupanduka!
Musatya zvavanotya;
Musazvidedera.
13 Jehovha wemauto ndiye anofanira kuva mutsvene kwamuri,+
Ndiye wamunofanira kutya,
Uye ndiye anofanira kukudederesai.”+
14 Achava senzvimbo tsvene,
Asi achavawo sedombo rekurovera pariri
Uye seibwe rekugumbura+
Kudzimba dzese mbiri dzaIsraeri,
Sechiteyeso nemusungo
Kuvagari vemuJerusarema.
15 Vazhinji vavo vachagumburwa vowa, vokuvara;
Vachateyiwa nemusungo, vobatwa.
17 Ndicharamba ndakatarisira kuna Jehovha,*+ uyo ari kuvanzira imba yaJakobho chiso chake,+ uye ndichava netariro maari.
18 Inzwai! Ini nevana vandakapiwa naJehovha+ tiri zviratidzo+ nezvishamiso muIsraeri zvinobva kuna Jehovha wemauto, uyo anogara muGomo reZiyoni.
19 Kana vakati kwamuri: “Bvunzai masvikiro kana kuti vafemberi vanorira uye vanotaurira pasi pasi,” vanhu havafaniri kubvunza Mwari wavo here? Vanofanira kubvunza nezvevapenyu kuvakafa here?+ 20 Pane kudaro, vanofanira kubvunza mutemo nemashoko akanyorwa ekupupurira!
Kana vakasataura zvinoenderana neshoko iri, havana chiedza.*+ 21 Mumwe nemumwe achapfuura nemunyika yacho achinetseka chaizvo uye aine nzara;+ uye nemhaka yekuti ane nzara uye akatsamwa, achatuka mambo wake naMwari wake akatarisa kumusoro. 22 Achabva atarisa pasi, uye achangoona kutambudzika nerima chete, kusviba uye nguva dzakaoma, rima pasina chakajeka.