1 Madzimambo
8 Panguva iyoyo Soromoni+ akaunganidza+ varume vakuru+ vaIsraeri, vakuru vose vemadzinza,+ machinda emadzibaba,+ evanakomana vaIsraeri, kwaiva naMambo Soromoni kuJerusarema, kuti vakwire neareka yesungano+ yaJehovha ichibva muGuta raDhavhidhi,+ kureva Ziyoni.+ 2 Naizvozvo varume vose vaIsraeri vakaungana kwaiva naMambo Soromoni mumwedzi waEtanimu pamutambo,+ kureva mwedzi wechinomwe.+ 3 Naizvozvo varume vakuru vose vaIsraeri vakauya, vapristi vakatakura+ Areka.+ 4 Vakakwira neareka yaJehovha netende+ rokusanganira+ nemidziyo yose mitsvene yaiva mutende racho; vapristi nevaRevhi+ vakakwira nazvo.+ 5 Mambo Soromoni neungano yose yaIsraeri yaaiva nayo, vaya vaichengeta zvavakanga varangana naye, vaiva pamberi peAreka, vachibayira+ makwai nemombe zvakanga zvakawanda zvokusagona kuzivikanwa kuti zvingani uye zvokusagona kuverengwa.+
6 Vapristi vakabva vapinda neareka+ yesungano yaJehovha munzvimbo yayo,+ muimba yomukatikati yeimba yacho, Nzvimbo Tsvenetsvene, pasi pemapapiro emakerubhi.+
7 Nokuti makerubhi acho akanga akatambanudza mapapiro awo pamusoro penzvimbo yeAreka, zvokuti makerubhi acho akaramba akavhara Areka nematanda ayo nechepamusoro.+ 8 Asi matanda+ acho akanga akareba, zvokuti kumuromo kwematanda acho kwaioneka uri muNzvimbo Tsvene pamberi peimba yomukatikati, asi akanga asingaoneki uri kunze. Iwo achiri imomo kusvikira nhasi.+ 9 MuAreka macho makanga musina chinhu kunze kwemahwendefa+ maviri ematombo akanga aiswa+ imomo naMosesi kuHorebhi, Jehovha paakanga aita sungano+ nevanakomana vaIsraeri pavaibuda munyika yeIjipiti.+
10 Vapristi pavakabuda munzvimbo tsvene, gore+ rakazadza imba yaJehovha. 11 Vapristi+ vakanga vasingakwanisi kumira kuti vashumire+ nokuda kwegore racho, nokuti kubwinya+ kwaJehovha kwakanga kwazadza imba yaJehovha.+ 12 Panguva iyoyo Soromoni akati: “Jehovha akati aizogara muzarima.+ 13 Ndabudirira kukuvakirai imba yokugara yakakwirira,+ nzvimbo isingachinji+ yokuti mugare nokusingagumi.”+
14 Mambo akabva atendeuka, akatanga kukomborera+ ungano yose yaIsraeri, ungano yose yaIsraeri zvayakanga yakamira. 15 Akati: “Jehovha Mwari waIsraeri ngaarumbidzwe,+ akataura nomuromo wake nababa vangu Dhavhidhi+ uye azadzika+ noruoko rwake, achiti, 16 ‘Kubvira pazuva randakabudisa vanhu vangu vaIsraeri muIjipiti, handina kusarudza+ guta pamadzinza ose aIsraeri rokuti zita+ rangu rivakirwe imba+ kuti rirambe riri ipapo; asi ndichasarudza Dhavhidhi kuti atarisire vanhu vangu vaIsraeri.’+ 17 Baba vangu Dhavhidhi vaiva nechido mumwoyo mavo chokuti vavakire zita raJehovha Mwari waIsraeri imba.+ 18 Asi Jehovha akati kuna baba vangu Dhavhidhi, ‘Nokuti waiva nechido mumwoyo mako chokuti uvakire zita rangu imba, wakaita zvakanaka, nokuti waiva nechido mumwoyo mako.+ 19 Zvisinei iwe hauzovaki imba yacho, asi mwanakomana wako achabuda muchiuno mako ndiye achavakira zita rangu imba.’+ 20 Jehovha akaita shoko+ rake raakanga ataura, kuti ndisimuke panzvimbo yababa vangu Dhavhidhi, ndogara pachigaro choumambo chaIsraeri,+ sezvakanga zvataurwa naJehovha, kuti ndivakire zita raJehovha Mwari waIsraeri imba,+ 21 kuti ndigadzirire Areka nzvimbo, imo mune sungano+ yaJehovha yaakaita nemadzitateguru edu paakanga achivabudisa munyika yeIjipiti.”
22 Soromoni akamira pamberi peatari+ yaJehovha ari pamberi peungano yose yaIsraeri, akabva atambanudzira zvanza zvake kumatenga;+ 23 akati: “Haiwa Jehovha Mwari waIsraeri,+ hakuna mumwe Mwari akaita semi+ kumatenga ari kumusoro kana panyika iri pasi, anochengeta sungano nokuva nomutsa worudo+ kuvashandi+ venyu vanofamba pamberi penyu nemwoyo yavo yose,+ 24 imi makaitira mushumiri wenyu, baba vangu Dhavhidhi, zvamakavapikira, zvokuti makaita chipikirwa chacho nomuromo wenyu, mukachiita noruoko rwenyu, sezvazvakaita nhasi.+ 25 Zvino, haiwa Jehovha Mwari waIsraeri, itirai mushumiri wenyu, ivo baba vangu Dhavhidhi, zvamakavapikira, muchiti, ‘Pamberi pangu hapazoshayikwi murume wokwako kuti agare pachigaro choumambo chaIsraeri,+ kana vanakomana vako vakangochenjerera nzira yavo nokufamba pamberi pangu sokufamba kwawakaita pamberi pangu.’ 26 Zvino ndapota, haiwa Mwari waIsraeri, chipikirwa chenyu+ chamakapikira mushumiri wenyu, ivo baba vangu Dhavhidhi, ngachive chakavimbika.
27 “Asi chokwadi Mwari angagara panyika here?+ Tarirai! Hamungakwani+ mumatenga,+ iko kumatengatenga;+ zvino, zvakadini neimba+ ino yandavaka! 28 Haiwa Jehovha Mwari wangu, tendeudzirai chiso chenyu kumunyengetero+ womushumiri wenyu nokuchikumbiro chake chokuti anzwirwe nyasha,+ kuti muteerere kuchema kwokuteterera nomunyengetero uri kunyengeterwa nomushumiri wenyu nhasi pamberi penyu;+ 29 kuti maziso enyu asvinure+ akatarira kuimba iyi usiku nemasikati, kunzvimbo yamakati, ‘Zita rangu richava ipapo,’+ kuti muteerere munyengetero uri kunyengeterwa nomushumiri wenyu akatarira kunzvimbo ino.+ 30 Teererai kukumbira kunzwirwa nyasha+ kwomushumiri wenyu nokwevanhu venyu vaIsraeri kwavanonyengeterera vakatarira kunzvimbo ino; inzwai muri kunzvimbo yenyu yamunogara, iko kumatenga,+ uye inzwai mukanganwire.+
31 “Kana munhu akatadzira wokwake,+ akaita kuti apike, kuti ave akatukwa paanotadza kuita zvaakapika,+ uye akapika ari pamberi peatari yenyu iri muimba ino, 32 inzwai muri kumatenga, muite chimwe chinhu, mutonge vashumiri venyu nokuzivisa kuti munhu akaipa, akaipa, nokuisa nzira yake pamusoro wake,+ uye kuzivisa kuti munhu akarurama,+ akarurama, nokumupa zvinoenderana nokururama kwake.+
33 “Kana vanhu venyu vaIsraeri vakakundwa pamberi pomuvengi,+ nokuti vanenge varamba vachikutadzirai,+ vakadzoka kwamuri,+ vakakudza zita renyu,+ vakanyengetera+ uye vakakumbira kunzwirwa nyasha nemi vari muimba ino,+ 34 inzwai muri kumatenga, mukanganwire chivi chevanhu venyu vaIsraeri,+ muvadzose+ kunyika yamakapa madzitateguru avo.+
35 “Kana denga rikavharwa zvokuti hapana mvura inonaya,+ nokuti vanenge varamba vachikutadzirai,+ ivo vakanyengetera vakatarira kunzvimbo ino,+ vakakudza zita renyu, vakatendeuka pachivi chavo, nokuti munenge maramba muchivatambudza,+ 36 inzwai muri kumatenga, mukanganwire chivi chevashumiri venyu, ivo vanhu venyu vaIsraeri, nokuti munovadzidzisa+ nzira yakanaka yavanofanira kufamba nayo;+ munayise mvura+ panyika yenyu yamakapa vanhu venyu kuti ive nhaka yavo.
37 “Kana nzara+ ikaitika panyika, kana denda+ rikauya, kana kutsva kwezvirimwa, kuora,+ mhashu,+ mapete+ zvikauya; kana muvengi wavo akavakomba munyika yemagedhi avo—chero dambudziko ripi zvaro, chero denda ripi zvaro— 38 chero munyengetero upi zvawo,+ chero kukumbira kunzwirwa nyasha+ kupi zvako kungaitwa nomunhu chero upi zvake kana nevanhu venyu vose vaIsraeri,+ nokuti mumwe nomumwe anoziva dambudziko romwoyo wake,+ ivo vakatambanudzira zvanza zvavo kuimba ino,+ 39 inzwai muri kumatenga,+ iyo nzvimbo yenyu yamunogara isingachinji,+ mukanganwire+ uye muite chimwe chinhu,+ mupe mumwe nomumwe zvinoenderana nenzira dzake dzose,+ nokuti munoziva mwoyo wake+ (nokuti imi moga ndimi munonyatsoziva mwoyo yevanakomana vose vevanhu);+ 40 kuti vakutyei+ mazuva ose avanenge vari vapenyu panyika yamakapa madzitateguru edu.+
41 “Uyewo kana munhu wokune imwe nyika,+ asiri wevanhu venyu vaIsraeri, anobva kunyika iri kure nokuda kwezita renyu+ 42 (nokuti vachanzwa nezvezita renyu guru+ uye nezvoruoko rwenyu rune simba+ uye nezvoruoko rwenyu rwakatambanudzwa), akauya akanyengetera akatarira kuimba ino,+ 43 teererai muri kumatenga, iyo nzvimbo yenyu yamunogara isingachinji,+ muitire munhu wacho wokune imwe nyika maererano nezvose zvaanoshevedzera kwamuri;+ kuti marudzi ose enyika azive zita renyu,+ kuti akutyei sezvinoitwa nevanhu venyu vaIsraeri, uye kuti azive kuti zita renyu rakashevedzwa paimba ino yandakavaka.+
44 “Kana vanhu venyu vakaenda kunorwisana+ nomuvengi wavo nenzira yamunovatuma nayo,+ vakanyengetera+ kuna Jehovha vakatarira kuguta ramakasarudza+ neimba yandakavakira zita renyu,+ 45 inzwaiwo munyengetero wavo nokukumbira kwavo kunzwirwa nyasha muri kumatenga, muvaruramisire.+
46 “Kana vakakutadzirai+ (nokuti hapana munhu asingatadzi),+ imi mukavatsamwira kwazvo movaisa kumuvengi, vatapi vavo vovatapa kuti vaende navo kunyika yomuvengi iri kure kana iri pedyo;+ 47 ivo vakazopengenuka vari munyika yavanenge vaendeswa kwairi, vatapwa,+ vakadzoka,+ vakakukumbirai+ kuti muvanzwire nyasha vari munyika yevakavatapa,+ vachiti, ‘Takatadza+ uye takakanganisa,+ takaita zvakaipa’;+ 48 vakadzoka kwamuri nemwoyo yavo yose+ uye nemweya yavo yose vari munyika yevavengi vavo vanenge vavatapa, vakanyengetera kwamuri vakatarira kunyika yavo yamakapa madzitateguru avo, guta ramakasarudza neimba yandakavakira zita renyu;+ 49 inzwaiwo muri kumatenga, iyo nzvimbo yenyu yamunogara isingachinji,+ munyengetero wavo nokukumbira kwavo kunzwirwa nyasha, muvaruramisire,+ 50 uye mukanganwire+ vanhu venyu vanenge vakutadzirai+ uye kutadza+ kwavo kwose kwavanenge vakutadzirai nakwo;+ vanzwirei tsitsi+ pamberi pevanenge vavatapa, vavanzwire tsitsi 51 (nokuti ivo vanhu venyu nenhaka yenyu,+ vamakabudisa muIjipiti,+ muvira resimbi),+ 52 kuti maziso enyu ave akasvinurira kukumbira kunzwirwa nyasha kwomushumiri wenyu nokukumbira kunzwirwa nyasha+ kwevanhu venyu vaIsraeri, nokuvateerera pazvose zvavanoshevedzera kwamuri.+ 53 Nokuti ndimi makavatsaura kuti vave nhaka yenyu pamarudzi ose enyika,+ sezvamakataura muchishandisa mushumiri wenyu Mosesi+ pamaibudisa madzitateguru edu muIjipiti, haiwa Changamire Ishe Jehovha.”
54 Zvino Soromoni paakangopedza kunyengetera kuna Jehovha munyengetero wose uyu nokukumbira kunzwirwa nyasha, akasimuka pamberi peatari yaJehovha, paaiva akapfugama nemabvi ake,+ zvanza zvake zvakatambanudzirwa kudenga;+ 55 akamira,+ akakomborera+ ungano yose yaIsraeri nenzwi guru, achiti: 56 “Jehovha ngaarumbidzwe,+ iye akapa vanhu vake vaIsraeri nzvimbo yokuzororera maererano nezvose zvaakapikira.+ Pazvipikirwa zvake zvose zvakanaka zvaakapikira achishandisa mushumiri wake Mosesi,+ hapana kana shoko rimwe chete rakakundikana.+ 57 Jehovha Mwari wedu ngaave nesu+ sezvaakava nemadzitateguru edu.+ Ngaarege kutisiya kana kutirega,+ 58 kuti aite kuti mwoyo+ yedu imude kuti tifambe munzira dzake+ dzose uye kuti tichengete mirayiro yake+ nemirau yake+ nezvaakatonga,+ zvaakarayira madzitateguru edu. 59 Mashoko angu ose aya andakumbira nawo kunzwirwa nyasha pamberi paJehovha ngaave pedyo+ naJehovha Mwari wedu masikati nousiku, kuti aruramisire mushumiri wake uye aruramisire vanhu vake vaIsraeri maererano nezvingadiwa zuva+ nezuva; 60 kuti vanhu vose vepanyika vazive+ kuti Jehovha ndiye Mwari wechokwadi.+ Hakuna mumwe.+ 61 Mwoyo yenyu ngaive yakakwana+ kuna Jehovha Mwari wedu nokufamba mumirau yake uye nokuchengeta mirayiro yake sezvazvakaita nhasi.”
62 Zvino mambo nevaIsraeri vose vaaiva navo vakanga vachipa chibayiro chikuru pamberi paJehovha.+ 63 Soromoni akapa zvibayiro zvokugoverana+ zvaaifanira kupa Jehovha, mombe zviuru makumi maviri nezviviri nemakwai zviuru zana nezvine makumi maviri,+ kuti mambo nevanakomana vose vaIsraeri vatsaurire+ imba yaJehovha. 64 Pazuva iroro mambo aifanira kutsvenesa pakati pechivanze chiri pamberi peimba yaJehovha,+ nokuti ipapo ndipo paaifanira kupa chibayiro chinopiswa nechinopiwa chezviyo nemafuta ezvibayiro zvokugoverana; nokuti atari+ yemhangura yaiva pamberi paJehovha yaiva duku kwazvo zvokuti yakanga isingakwani chibayiro chinopiswa nechinopiwa chezviyo nemafuta+ ezvibayiro zvokugoverana. 65 Panguva iyoyo Soromoni akaita mutambo,+ aine vaIsraeri vose, ungano huru+ kubvira kumuganhu weHamati+ kusvikira kumupata une rukova weIjipiti,+ pamberi paJehovha Mwari wedu mazuva manomwe nemamwe mazuva manomwe,+ mazuva gumi nemana. 66 Pazuva rechisere akarega vanhu vachienda;+ uye vakakomborera mambo vakaenda kumisha yavo, vachifara+ uye vaine mwoyo yaifarira+ zvakanaka zvose+ izvo Jehovha akanga aitira mushumiri wake Dhavhidhi nevanhu vake vaIsraeri.