Rwiyo.
98 Imbirai Jehovha rwiyo rutsva,+
Nokuti zvinhu zvaakaita zvinoshamisa.+
Ruoko rwake rworudyi, irwo ruoko rwake rutsvene, rwakamuwanira ruponeso.+
2 Jehovha akaita kuti ruponeso rwake ruzivikanwe;+
Akazivisa kururama kwake pamberi pemarudzi.+
3 Akayeuka mutsa wake worudo nokutendeka kwake zvaakaitira imba yaIsraeri.+
Migumo yose yenyika yakaona ruponeso rwakaitwa naMwari wedu.+
4 Shevedzerai mukukunda kuna Jehovha, imi mose vanhu vepanyika.+
Farai mushevedzere muchifara, muimbe.+
5 Imbirai Jehovha norudimbwa,+
Norudimbwa nenzwi rokuimba.+
6 Nemabhosvo uye nokurira kwehwamanda+
Shevedzerai mukukunda muri pamberi paMambo, iye Jehovha.
7 Gungwa ngaritinhire, nezvose zvizere mariri,+
Nyika inobereka nevaya vagere mairi.+
8 Nzizi ngadziombere;
Makomo ose zvawo ngaashevedzere achifara+
9 Pamberi paJehovha, nokuti auya kuzotonga nyika.+
Iye achatonga nyika inobereka nokururama+
Uye achatonga marudzi nokururama.+